Numeri 13:32
Numeri 13:32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo ʋakaʋuya kuʋana ʋaIsraeri neshoko rakaipa pamsoro penyika iyo, yaʋakaŋga ʋaenda kundoishora, ʋaciti: Nyika iyo yatakapfuʋura napakati payo kuishora, inyika inopedza ʋanhu ʋagere’mo; ʋanhu ʋose ʋatakaʋona’mo ʋaiʋa ʋarume ʋakakura kwaɀo.
Numeri 13:32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka vakaparadzira mashoko akaipa pakati pavaIsraeri pamusoro penyika yavakanga vandosora. Vakati, “Nyika yatakandosora inodya vaya vanogaramo. Vanhu vose vatakaona ikoko vakakura kwazvo.
Numeri 13:32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo vakauya kuvana vaIsiraeri neshoko rakaipa pamusoro penyika iyo, yavakanga vaenda kundoisora, vachiti, “Nyika iyo yatakapfuura napakati payo kuisora, inyika inopedza vanhu vageremo; vanhu vose vatakaonamo vaiva varume vakakura kwazvo.
Numeri 13:32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo shoko ravakauya vava naro kuzopa vaIsiraeri, vadzoka kundosora nyika iya, raiti, “Nyika yatakasora haikwanise kupa vagari vemo zvokudya zvakakwana. Vanhu vose vatakaonako varefu chaizvo.