1
Muparidzi 3:1
Shona Bible 1949, revised 2002
Chinhu chimwe nechimwe chino musi wacho, uye shoko rimwe nerimwe pasi pedenga rine nguva yaro.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Muparidzi 3:2-3
Nguva yokuberekwa, nenguva yokufa; nguva yokusima, nenguva yokudzura chakasimwa; nguva yokuuraya, nenguva yokuporesa; nguva yokuputsa, nenguva yokuvaka
3
Muparidzi 3:4-5
nguva yokuchema, nenguva yokuseka; nguva yokuungudza, nenguva yokupembera; nguva yokurasha mabwe, nenguva yokuunganidza mabwe; nguva yokumbundikira, nenguva yokurega kumbundikira
4
Muparidzi 3:7-8
nguva yokubvarura, nenguva yokusona; nguva yokunyarara, nenguva yokutaura; nguva yokuda, nenguva yokurwa, nenguva yorugare.
5
Muparidzi 3:6
nguva yokutsvaka, nenguva yokurega zvirashike; nguva yokuchengeta, nenguva yokurasha
6
Muparidzi 3:14
Ndinoziva kuti zvose zvinoitwa naMwari, zvichagara nokusingaperi; hakune chinhu chingawedzerwa, kana chingabviswa pazviri; Mwari akazviita izvozvo, kuti vanhu vamutye.
7
Muparidzi 3:17
Ndakati mumwoyo mwangu, “Mwari ndiye achatonga akarurama nowakaipa; nokuti nguva iripo yeshoko rimwe nerimwe nebasa rimwe nerimwe.”
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo