1
Muparidzi 2:26
Shona Bible 1949, revised 2002
Nokuti munhu, anomufadza, anopiwa huchenjeri, nezivo, nomufaro; asi mutadzi anopiwa kutambudzika, kuti aunganidze nokututira, agozvipa mumwe anofadza Mwari. Naizvozvowo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Muparidzi 2:24-25
Hakune chinhu chinopfuura ichi, kuti munhu adye, anwe, afadze mweya wake nezvakanaka pakati pokubata kwake. Ndakaona kuti naizvozvi zvinobva kuruoko rwaMwari. Nokuti ndiani angadya, ndiani angafarira chinhu kunze kwake?
3
Muparidzi 2:11
Zvino ndakacherekedza mabasa ose akanga aitwa namaoko angu, nokubata kwose kwandakatambura kubata tarira zvose zvakanga zvisina maturo, kwaiva kudzingana nemhepo bedzi, kwakanga kusine chinhu chinobatsira pasi pezuva.
4
Muparidzi 2:10
Zvose zvakadikanwa nameso angu handina kuanyima izvozvo; handina kutongodzora mwoyo wangu pamufaro upi noupi; nokuti mwoyo wangu wakanga uchifara nokubata kwangu kwose; ndiwo wakanga uri mugove wangu wakabva pakubata kwangu kwose.
5
Muparidzi 2:13
Ipapo ndakaona kuti, “Uchenjeri hwakanaka kupfuura upenzi, zvichiita sechiedza chakanaka kupfuura rima.
6
Muparidzi 2:14
Meso omunhu akachenjera ari mumusoro wake, asi benzi rinofamba murima;” kunyange zvakadaro ndakaona kuti vose vanowirwa nechinhu chimwe chete.
7
Muparidzi 2:21
Nokuti munhu ariko akabata nouchenjeri nezivo noumhizha; kunyange zvakadaro anofanira kuzvisiyira mumwe, uve mugove wake, asinakutongozvitamburira. Naizvozvowo hazvina maturo, chinhu chakaipa kwazvo.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo