1
Muparidzi 1:18
Shona Bible 1949, revised 2002
Nokuti muuchenjeri huzhinji munokuchema kuzhinji; uye anowedzera zivo, anowedzera shungu.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Muparidzi 1:9
Chakanga chiripo, ndicho chichazovapo; chakamboitwa, ndicho chichazoitwa; hapane chinhu chitsva pasi pezuva.
3
Muparidzi 1:8
Zvinhu zvose zvizere nokuneta; hakuna munhu angazvitaura; ziso hariguti nokuona, nzeve haizari nokunzwa.
4
Muparidzi 1:2-3
Zvanzi noMuparidzi, hazvina maturo chose, hazvina maturo chose, zvose hazvina maturo chose! Munhu angabatsirweiko nokutambudzika kwake kwose, kwaanotambudzika nako pasi pezuva?
5
Muparidzi 1:14
Ndakaona mabasa ose anoitwa pasi pezuva; tarirai, zvose hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.
6
Muparidzi 1:4
Rudzi rumwe runoenda, rumwe rudzi runouya; asi pasi panongogarapo nokusingaperi.
7
Muparidzi 1:11
Marudzi akapfuura haacharangarirwi; namarudzi achazotevera, haangatongorangarirwi navanozovatevera.
8
Muparidzi 1:17
Asi ndakati ndichirwadza mwoyo wangu kuti ndizive uchenjeri nezivo, noupengo noupenzi, ndikaona kuti naizvozvowo ndiko kudzingana nemhepo bedzi.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo