1
Dhanieri 7:14
Shona Bible 1949, revised 2002
Akapiwa simba, nokubwinya, noushe, kuti vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vamushumire; simba rake roushe isimba risingaperi, risingazopfuuri, uye ushe hwake haungazoparadzwi.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Dhanieri 7:13
“Ndikaona pane zvandakaratidzwa usiku, ndikaona mumwe akafanana noMwanakomana womunhu achiuya namakore okudenga, akasvika kune akakwegura pamazuva ake, vakamuswededza pamberi pake.
3
Dhanieri 7:27
Ipapo ushe nesimba noukuru hwoushe hwose pasi pedenga rose, zvichapiwa vatsvene voWokumusoro‐soro; ushe hwake ndohwokusingaperi, masimba ose achamushumira nokumuteerera.
4
Dhanieri 7:18
Asi vatsvene voWokumusoro‐soro vachapiwa ushe, ushe uchava hwavo nokusingaperi‐peri.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo