Akati, ‘Tarira, ndichakuzivisa zvichavapo panguva yokupedzisira yokutsamwa kwaJehovha, nokuti ndezvenguva yakatarwa yokupedzisira.’
“Gondohwe rawakaona, rakanga rine nyanga mbiri, ndiwo madzimambo avaMedhia navaPeresia. Uye nhongo ine mvere ndiye mambo weGirisi; runyanga rukuru ruri pakati pameso ayo ndiye mambo wokutanga.