Dhanieri 8:19-21
Dhanieri 8:19-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akati, “Ndichakuzivisa zvichaitika pakupedzisira munguva yehasha, nokuti chiratidzo ndechenguva yakatarwa yokupedzisira. Gondobwe rine nyanga rawakaona rinomirira madzimambo eMedhia nePezhia. Nhongo ine mvere dzakamvirimvinyika ndiyo mambo weGirisi, uye runyanga rukuru rwuri pakati pameso ndirwo mambo wokutanga.
Dhanieri 8:19-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akati, ‘Tarira, ndichakuzivisa zvichavapo panguva yokupedzisira yokutsamwa kwaJehovha, nokuti ndezvenguva yakatarwa yokupedzisira.’ “Gondohwe rawakaona, rakanga rine nyanga mbiri, ndiwo madzimambo avaMedhia navaPeresia. Uye nhongo ine mvere ndiye mambo weGirisi; runyanga rukuru ruri pakati pameso ayo ndiye mambo wokutanga.
Dhanieri 8:19-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akati: “Chinzwa ndava kukuzivisa zvichazoitika pakupedzesera chaiko kwehasha dzaMwari nokuti ndezvenguva yakatemwa yokumagumo. “Zvehondohwe yawaona iya ine nyanga mbiri, ndiwo madzimambo avaMidhi navaPezhia. Gotora rinomirira mambo wenyika yeGirisi nyanga huru yepakati pamaziso aro ndimambo wokutanga wacho.
Dhanieri 8:19-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akati: Tarira, ndicakuziʋisa ɀicaʋa’po paŋguʋa yokupedzisira yokutsamŋa kwaJehova, nokuti ndeɀeŋguʋa yakatarwa yokupedzisira. Gondobge rawakaʋona, rakaŋga rinenyaŋga mbiri, ndiwo madzimambo aʋaMedia naʋaPersia. Ʋuye nhoŋgo inemvere ndiye mambo weGirisi; runyaŋga rukuru ruri pakati pameso ayo ndiye mambo wokutaŋga.
Dhanieri 8:19-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)