Dhanieri 7:27
Dhanieri 7:27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo simba roumambo, simba noukuru hwoumambo pasi pedenga rose richapiwa kuvatsvene, ivo vanhu veWokumusoro-soro. Umambo hwake huchava hwokusingaperi, vatongi vose vachamunamata uye vachamuteerera.’
Dhanieri 7:27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo ushe nesimba noukuru hwoushe hwose pasi pedenga rose, zvichapiwa vatsvene voWokumusoro‐soro; ushe hwake ndohwokusingaperi, masimba ose achamushumira nokumuteerera.
Dhanieri 7:27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo umambo nohutongi noukuru hwoumambo hwose pasi pedenga pose zvapo huchapiwa kurudzi rwavatsvene vaiye Wokumusorosoro: umambo hwavo huchava umambo hwokugara nokusingaperi. Vose vane simba rokutonga vachavashandira vachivateerera.”
Dhanieri 7:27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo ʋushe nesimba noʋukuru bgoʋushe bgose pasi peɗeŋga rose, ɀicapiwa ʋanhu ʋaʋatȿene ʋoWokumsoro‐soro; ʋushe bgake ndobgokusiŋgaperi, masimba ose acamushumira nokumuterera.
Dhanieri 7:27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)