1
Mapisarema 34:18
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova uri pedyo naʋanemŋoyo yakaputsika, Unoponesa ʋanemŋeya yakapxanyika.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mapisarema 34:4
Ndakatȿaka Jehova, akandipindura, Akandisunuŋgura pakutya kwaŋgu kwose.
3
Mapisarema 34:19
Wakarurama unamaɗambudzo mazhinji; Asi Jehova unomurwira aɓuɗe paari ose.
4
Mapisarema 34:8
Raʋirai henyu, muʋone kuti Jehova wakanaka; Wakakomborerwa munhu unoʋimba naye.
5
Mapisarema 34:5
Ʋakatarira kwaari, ʋakapenyeswa nomufaro; Ɀiso ɀaʋo haɀiŋgatoŋgonyadziswi.
6
Mapisarema 34:17
Ʋakarurama ʋakaɗana, Jehova akanzwa, Akaʋarwira panjodzi dzaʋo dzose.
7
Mapisarema 34:7
Mutumŋa waJehova unokomberedza ʋanomutya, Nokuʋarwira.
8
Mapisarema 34:14
Ibva paneɀakaipa, uite ɀakanaka; Tȿaka rugare, uruteʋere.
9
Mapisarema 34:13
Dzora rurimi rwako pakutaura ɀakaipa, Nemiromo yako, urege kutaura ɀinonyeŋgera.
10
Mapisarema 34:15
Meso aJehova anotarira ʋakarurama, Ʋuye nzeʋe dzake dzinonzwa kucema kwaʋo.
11
Mapisarema 34:3
Kudzai Jehova pamŋe cete neni, Ŋgatikudzise zita rake pamŋe cete.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo