Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 34

34
Jehova unoɓatsira ʋanotenda kwaari.
Pisarema raDavidi, paŋguʋa yaakaɀiita ɓenzi pamberi paAbimereki, akadziŋgwa naye, akaenda hake.
1Ndicarumbidza Jehova ŋguʋa dzose;
Rumbidzo yake icagara mumuromo maŋgu.
2Mŋeya waŋgu ucaɀirumbidza munaJehova;
Ʋanyoro ʋacaɀinzwa, ʋakafara.
3Kudzai Jehova pamŋe cete neni,
Ŋgatikudzise zita rake pamŋe cete.
4Ndakatȿaka Jehova, akandipindura,
Akandisunuŋgura pakutya kwaŋgu kwose.
5Ʋakatarira kwaari, ʋakapenyeswa nomufaro;
Ɀiso ɀaʋo haɀiŋgatoŋgonyadziswi.
6Murombo uyu wakacema, Jehova akamunzwa,
Akamuponesa panjodzi dzake dzose.
7Mutumŋa waJehova unokomberedza ʋanomutya,
Nokuʋarwira.
8Raʋirai henyu, muʋone kuti Jehova wakanaka;
Wakakomborerwa munhu unoʋimba naye.
9Ityai Jehova, imi ʋatȿene ʋake;
Nokuti ʋanomutya haʋana‐caʋanoshaiwa.
10Ʋana ʋeshumba ʋanoshaiwa, ʋanofa nenzara;
Asi ʋanotȿaka Jehova haʋanecinhu cakanaka caʋaŋgashaiwa.
11Ʋuyai imi ʋana, munditerere;
Ndicakudzidzisai kutya Jehova.
12Ndoupi munhu unoɗa ʋupenyu,
Unoɗa mazuʋa mazhinji, kuti aʋone ɀakanaka?
13Dzora rurimi rwako pakutaura ɀakaipa,
Nemiromo yako, urege kutaura ɀinonyeŋgera.
14Ibva paneɀakaipa, uite ɀakanaka;
Tȿaka rugare, uruteʋere.
15Meso aJehova anotarira ʋakarurama,
Ʋuye nzeʋe dzake dzinonzwa kucema kwaʋo.
16Ciso caJehova cinoʋeŋga ʋanoita ɀakaipa,
Kuti abvise ciyeʋudziro caʋo panyika.
17 Ʋakarurama ʋakaɗana, Jehova akanzwa,
Akaʋarwira panjodzi dzaʋo dzose.
18Jehova uri pedyo naʋanemŋoyo yakaputsika,
Unoponesa ʋanemŋeya yakapxanyika.
19Wakarurama unamaɗambudzo mazhinji;
Asi Jehova unomurwira aɓuɗe paari ose.
20Unoceŋgeta mafupa ake ose;
Hakuna‐nerimŋe rawo rinovuniwa.
21Ɀakaipa ɀicaʋuraya wakaipa;
Ʋuye ʋanoʋeŋga ʋakarurama ʋacapiwa mhoȿa.
22Jehova unodzikinura mŋeya yaʋaranda ʋake;
Hapana‐nomumŋe kunaʋanoʋimba naye ucapiwa mhoȿa.

Zvasarudzwa nguva ino

Mapisarema 34: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda