Genesi 14

14
Abhuramu anorwira Roti, uye anosangana naMerikizedheki
1Zvino nenguva yaAmuraferi, mambo weShinari, naArioki mambo weErasari, naKedhoriraomeri, mambo weEramu, naTidhari, mambo weGoyimi, 2vakarwa naBhera, mambo weSodhomu, naBherisha, mambo weGomora, naShinabhi, mambo weAdhamu, naShemebheri, mambo weZebhoimi, namambo weBhera (rinonziwo Zoari). 3Ava vose vakasangana mumupata weSidhimu (ndiro Gungwa roMunyu). 4Vakanga vava varanda veKedhoriameri makore ane gumi namaviri, vakamumukira negore regumi namatatu. 5Ipapo Kedhoriameri wakauya negore regumi namana, namadzimambo aakanga anawo, akakunda vaRefaimi paAshiteroti-karinaimi, navaZuzimi paHamu, navaEmimi paShave-kiriataimi, 6navaHori pagomo ravo reSeiri, kusvikira paEriparani, pedyo nesango. 7Vakadzoka, vakasvika Enimishipati (rinonziwo Kadheshi), vakakunda nyika yose yavaAmareki, navaAmori, vakanga vagere paHazazoni-tamari.
8Zvino mambo weSodhomu, namambo weGomora, namambo weAdhamu, namambo weZebhoimi, namambo weBhera (rinonziwo Zoari), vakabuda vakagadzira hondo kuzorwa navo pamupata weSidhimu; 9kuti varwe naKedhoriraomeri, mambo weEramu, naTidhari, mambo weGoyimi, naAmuraferi, mambo weShinari, naArioki, mambo weErasari; madzimambo mana kuti arwe namadzimambo mashanu. 10Zvino mupata weSidhimu wakanga uzere namakomba ane tara, madzimambo eSodhomu neGomora vakatiza vakawiramo; vakasara vakatizira kugomo. 11Vakatora pfuma yose yeSodhomu neGomora, nezvokudya zvavo zvose, vakaenda. 12Vakatorawo Roti, mwanakomana womun'una waAbhuramu wakanga agere paSodhomu, nepfuma yake, vakaenda.
13Zvino mumwe wakanga apukunyuka wakasvika, akaudza Abhuramu, muHebheru; iye wakanga agere pamiti yemiouki yaMamure, muAmori, mun'una waEshikori, mun'una waAneri; ava vakanga vaita sungano naAbhuramu. 14Zvino Abhuramu wakati achinzwa kuti hama yake yatapwa, akaraira varume vake vakanga vadzidziswa kurwa, vakazvarwa paimba yake, vana mazana matatu negumi navasere, akavateverera kusvikira paDhani; 15akakamura varwi vake usiku, iye navaranda vake, akavakunda, akavateverera kusvikira paHobha, riri kurudyi rweDhamasiko. 16Akadzosa pfuma yose, akadzosawo Roti, hama yake, nepfuma yake, navakadziwo navanhu. 17Ipapo mambo weSodhomu wakabuda kundosangana naye pakudzoka kwake pakuuraya Kedhoriameri namadzimambo akanga anavo pamupata weShave (ndiwo mupata wamambo). 18Merikizedheki, mambo weSaremi, akauya nechingwa newaini; iye wakanga ari mupristi waMwari woKudenga-denga. 19Akamuropafadza, akati, “Abhuramu ngaaropafadzwe naMwari woKudenga-denga, muridzi wokudenga napasi. 20Mwari woKudenga-denga ngaakudzwe, wakapa vavengi venyu mumaoko enyu.” Akamupa chegumi chezvose.
21Zvino mambo weSodhomu akati kuna Abhuramu, “Ndipe vanhu, iwe utore hako pfuma.”
22Abhuramu akati kuna mambo weSodhomu, “Ndakasimudzira ruoko rwangu kuna Jehovha, Mwari woKudenga-denga, muridzi wokudenga napasi, 23kuti handingatori rushinda kana rukanda rweshangu, kana chinhu chimwe chezvinhu zvenyu, kuti murege kuzoti, ‘Ndini ndakapfumisa Abhuramu’, 24ini handidi hangu, asi zvakadyiwa namajaya chete, nomugove wavanhu vakaenda neni, vanaAneri, naEshikori, naMamure, ngavatore migove yavo.”

നിലവിൽ തിരഞ്ഞെടുത്തിരിക്കുന്നു:

Genesi 14: SNA2002

ഹൈലൈറ്റ് ചെയ്യുക

പങ്ക് വെക്കു

പകർത്തുക

None

നിങ്ങളുടെ എല്ലാ ഉപകരണങ്ങളിലും ഹൈലൈറ്റുകൾ സംരക്ഷിക്കാൻ ആഗ്രഹിക്കുന്നുണ്ടോ? സൈൻ അപ്പ് ചെയ്യുക അല്ലെങ്കിൽ സൈൻ ഇൻ ചെയ്യുക