Jeremiya 19
19
Kuputswa kwakaitwa hari yevhu sechiratidzo
1Zvanzi naTenzi, enda utenge hari yevhu yomuumbi utore vamwe vavakuru vakuru vavanhu navakuru vakuru vavapristi 2ubude uende kuBani reMwanakomana wokwaHinomu panopindwa napo kuSuo Guru reZvimedu Zvehari undoparidza ikoko mazwi andinokutaurira. 3Uti, “Inzwai izwi raTenzi imi madzimambo okwaJudha nemi vagari veJerusaremu. Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri chionai ndavakuzounzira nzvimbo ino nhamo inowungisa nzeve dzaani naani anozvinzwa. 4Chikonzero chacho ndechokuti vanhu vakandifuratira vakan'oresa nzvimbo ino nokupisira rusenzi mairi kuvamwe vamwari vasingazikanwi naivo kana namadzibaba avo kana namadzimambo okwaJudha uye pamusana pokuti vakazadza nzvimbo ino neropa ravanhu vasina mhosva 5vachivakawo nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira kuna Bhaari dzokupisira vanakomana vavo mumoto semipiro yokupisira kuna Bhaari yandisina kumbotema ini kana kupa somutemo uye hazvina kana kumbouya mupfungwa dzangu. 6Naizvozvo, onai, zvanzi naTenzi kuchasvika mazuva okuti nzvimbo iyoyi haizombonzizve kuBisiro kana kunzi kuBani raMwanakomana wokwaHinomu. Asi kuchatonzi kuBani rokuDeurirwa ropa. 7Panzvimbowo iyoyi mazano evokwaJudha novokuJerusaremu ndichaashayisa basa uye ndicharakatisa kuuraya vanhu ivavo nebakatwa revavengi vavo nomumaoko mavanoda kupfuudza upenyu hwavo. Ndichapa zvitunha zvavo kuti zvive chokudya cheshiri dzedenga nemhuka dzesango. 8Guta irori ndichariita chiseko zvacho chenyika, chinhu chinoridzirwa tsamwa. Munhu wose anopfuura nepo achadumbirwa nazvo achiridza tsamwa pamusana penyatwa dzaro dzose. 9Ndichaitawo kuti vadye nyama yavanakomana vavo nenyama yanavanasikana vavo. Vachadyanana vose zvavo munhamo yavo iyoyo yokukombwa yavanenge vachioneswa navavengi vavo uye navanenge vachitsvaka kuvatsvata.
10“Unofanira kuzoputsa hari yacho varume vaunenge waenda navo ivavo vachiona 11wozoti kwavari, zvanzi naTenzi wehondo nehondo ndizvo zvandichaita kuparadza saizvozvi vanhu ivava neguta irori somunhu ari kuputsa mudziyo womuumbi zvokuti hauzombofa wakagadzirikazve. Vachatoviga vanhu kuBisiro pamusana pokuti kumwe kose kuchange kusisina nzvimbo yokuviga vanhu. 12Zviri kunzi naTenzi ndozvandichaita kunzvimbo ino nokuvagari vayo, guta rino iri richiitwa Bisiro. 13Dzimba dzeJerusaremu nemizinda yamadzimambo okwaJudha, padzimba dzose zvadzo dzina matenga akambopisirwa rusenzi pamusoro padzo ruchipirwa kugurusvusvu rose rezvinhu zvomudenga pachidururirwa mipiro yokuteura kuna vamwe vamwari dzichan'oreswa sezvichaitwawo nzvimbo yokuBisiro.”
14Jeremiya akazobva kuBisiro kwaakanga atumwa naTenzi kuya kundoporofita akandomira kunhandare yemba yaTenzi akataura kuvanhu vose kuti: 15“Zvanzi naTenzi, wehondo nehondo Mwari weIsiraeri chinzwai, ndava kuunzira guta rino notumaguta twaro twose zvinhu zvose zvakaipa zvandakamboreva nezvaro nokuti vakaomesa musoro vachiramba kunzwa zvandinoreva.”
Currently Selected:
Jeremiya 19: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.