YouVersion Logo
Search Icon

Jeremiya 20

20
Kunetsana kwaJeremiya nomupristi Pashuri
1Izvozvo mupristi Pashuri mwanakomana waImeru akanga ariye mukuru mukuru aiona yezvepamba paTenzi akanzwawo Jeremiya achiporofita zvinhu izvi. 2Ipapo Pashuri akarova muporofita Jeremiya akamuisa muchitokisi chaiva paSuo Guru rokwaBhenjamini rokumusoro kwemba yaTenzi. 3Ramangwana racho, Pashuri paakasunungura Jeremiya muchitokisi, Jeremiya akati kwaari, “Tenzi haana kukupa zita rokuti Pashuri#20:3 Pashuri: Izita rinoreva kuti, “Runyararo kwose kwose.” asi rokuti, ‘Nyakukombwanezvinotyisa.’ 4Nokuti Tenzi ari kuti; ‘Chiona ndichakupinza mune zvinotyisa iwe neshamwari dzako dzose. Vacharakatiswa nebakatwa revavengi vavo iwe makatarisa nameso ako. Uye ndichaisa Judha yose mumaoko mamambo weBhabhironi, achavatapa oenda navo kuBhabhironi achivauraya nebakatwa. 5Uyewo ndichapa upfumi hwose hweguta rino nezvose zvarinowana nezvinokosha zvaro zvose nezvinhu zvose zvazvo zvinokosha zvamadzimambo okwaJudha mumaoko mavavengi vavo, vachavapamba vachivabata vachiendwa navo kuBhabhironi. 6Zvino iwe Pashuri, navose vagere mumba mako muchaendwa nemi kuutapwa. KuBhabhironi munotokuenda, ikoko ndokwamuchandofira, ikoko ndokwamuchavigwa, iwe neshamwari dzako dzose dzawaitaurira chiporofita chenhema.’ ”
Kunyunyutira Tenzi kwaJeremiya
7Imi Tenzi makandinyengedza,
ini ndikabvuma kunyengedzwa.
Imi makasimba kupinda ini
uye imi makandikurira.
Ndava chiseko chenyika zuva rose.
Munhu wose anondisvoveredza.
8Nokuti pandinoti nditaure,
ndinoshevedzera ndichidaidzira ndichiti,
“Hecho chisimba noumharadzi!”
Nokuti shoko raTenzi
rave kwandiri chinhu chinondishoresa nokundisekesa zuva rose.
9Ndikati nditi,
“Handichambofunga nezvake kana kutaurazve nezita rake,”
mumwoyo mangu munoita somune moto unopisa
wakapfigirwa mumapfupa angu,
zvandikunda ini, handichazvigona.
10Nokuti ndiri kunzwa
vazhinji vachiita kazevezeve,
mativi ose zvangove zvinotyisa.
“Mumhan'arirei! Ngatimumhan'arirei,”
ndizvo zviri kutaura shamwari dzangu chaidzo dzose
dzakangotarisira kuti pangu pandiperere,
vachiti zvimwe angafuririke
tikamukurira tobva tamutsividza.
11Asi Tenzi aneni
somurwi wehondo anotyisa.
Naizvozvo vanondionesa ndondo vachagumburwa
uye havambondikunda.
Vachanyadziswa zvikuru
nokuti havasi kuzombobudirira.
Kunyadziswa kwavo kusingaperi
hakusi kuzombofa kwakakanganikwa.
12Imi Tenzi wehondo nehondo
munoedza wani vakarurama,
imi munoona mumwoyo nomupfungwa dzomunhu,
itai henyu kuti ndione
imi muchivatsividza
nokuti ndazviturira mumaoko menyu.
13Imbirai Tenzi rumbidzai Tenzi
nokuti akanunura upenyu hwavasina chavanacho
mumaoko mevaiti vezvakaipa.
14Ngarive norushambwa
zuva randakaberekwa
musi wandakaponwa namai vangu,
ngaurege kuva musi wakakombererwa.#20:14 Tarisa Jobhu 3:3–19.
15Ngaapinde rushambwa
munhu akaunza kuna baba vangu shoko rokuti,
“Maberekerwa mwana mukomana,”
achivaita kuti vafare zvikuru kwazvo.
16Munhu iyeyo ngaaitwe samaguta
akaparadzwa naTenzi
asingaanzwirwi tsitsi.
Ngaanzwe mhere yokuchema mangwanani
nemhere yokuyambira, masikati
17nokuti akarega kundiuraya
ndichiri munhumbu maamai zvokuti amai vangu
ndivo vangadai vakava guva rangu,
nhumbu yavo yakaramba zvayo yakakura.
18Chaizvoizvo ini ndakabudirei munhumbu ini,
kuzoona nhamo ndichisuruvara kudai
nokupedzera mazuva angu mukunyadziswa?

Currently Selected:

Jeremiya 20: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in