YouVersion Logo
Search Icon

Jeremiya 18

18
Jeremiya anoshanyira muumbi wehari
1Izwi rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi rikati, 2“Chisumuka udzike kumba yomuumbi wehari, ikoko ndichaita kuti unzwe shoko rangu.” 3Saizvozvowo ndakadzika kumba kwomuumbi wehari onei achiumbira zvinhu pane chokuumbira chinotenderera. 4Zvino mudziyo waakanga achiumba nevhu iroro wakakanganisika uri mumaoko make kudaro akabva aumbazve mumwe mudziyo naro sokuda kwake. 5Izwi raTenzi ndokubva rauya kwandiri richiti, 6“Nhai imi vemba yeIsiraeri ndinotadza here kuita nemi zvaitwa nomuumbi uyu? Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Chinzwai, sezvakangoita munyakwe uri mumaoko omuumbi ndozvamakangoita imi mumaoko mangu, imi vemba yaIsiraeri. 7Nguva yose yandinenge ndataura chinhu ndakananga rudzi rwavanhu, kana nyika kuti ndichaidzipura kana kuipaza kana kuiparadza 8uye kana rudzi rwavanhu ivavo rune zvandinenge ndataura zvacho rukapinduka pakuipa kwarwo neniwo ndinobva ndaregawo kuita zvakaipa zvandinenge ndambofunga kuti ndiite kwarwuri. 9Uyewo nguva yose zvayo yandinenge ndatemera rumwe rudzi rwavanhu kana imwe nyika kuti ndichaivaka ndigoisima, 10kana rudzi rwacho irworwo rukaita zvakaipa ruchirega kuteerera izwi rangu, ini ndinobva ndasandukawo ndorega kuruitira zvakanaka zvandakanga ndaronga kuruitira. 11Saka zvino wochitaurira vanhu vokwaJudha navagari veJerusaremu kuti, ‘Zvanzi naTenzi, ndiri kukurongerai nhamo, ndiri kukurukirai mazano okukutsvatai. Pindukai, munhu wose akande pasi nzira dzake dzakaipa mugadziridze mafambiro enyu namaitiro enyu.’
12“Asi ivo vanoti, ‘Hazvina maturo izvi. Tinotevera zvirongwa zvedu mumwe nomumwe achitevera zvake zvomusoro wake zvakaipa.’ ”
Kuramba Tenzi kwavanhu
13Naizvozvo, zvanzi naTenzi:
“Imbobvunzaiwo pakati pevechirudzi
kuti ndiani akambonzwawo zvakadai sezvizvi?
Mhandara iyi, Isiraeri
yakaita zvinhu zvakaipisisa kwazvo.
14“Chando cheRebhanoni
chinombopera here pazvikangararwe
zveGomo reSirioni?#18:14 Sirioni: Kana kuti Gomo reHerimoni.
Mvura yomugomo
inombopwa here kuerera,
tukova tune mvura inotonhorera?
15“Asi vanhu vangu vandikanganwa.
Vanopisira rusenzi
kuna vamwari vasirivo
vanogumburwa munzira dzawo,
nzira dzakare
vakapinda mutwunzirawo zvatwo
kwete mumigwagwa mikuru
16vachiita kuti nyika yavo
ive chiseko chaicho
chinhu chinoridzirwa zvacho tsamwa
narini wose.
“Munhu wose anopfuura nemairi
anokatyamadzwa nazvo
achidzungudza musoro wake.
17“Sezvinoita mhepo yokumabvazuva,
ndichavamwayanisa kuvavengi.
Ndichavapa gotsi ndisingambovatarisa
pazuva ravo renhamo.”
Bangano rakaitirwa Jeremiya
18Vanhu ndopavakati, “Uyai tironge mazano
okutsvata nawo Jeremiya nokuti kuvapristi
mutemo hauzofa wakarova kunyange
zano kuna vangwaru harimboperi,
kana irowo shoko rinobva kumuporofita.
Uyai timutape mukanwa,
tirege kumboteerera zvedu zvaanotaura.
19“Imi Tenzi,
Teererai munzwe chichemo changu.
20Ko zvakaipa zvingave ndizvo here
zvokutsiva nazvo zvakanaka?
Asi vakandicherera hunza
kuti vandiurayire imomo.
Rangarirai kumira kwendakaita
pamberi penyu ndichivareverera
kuti mudzore hasha dzenyu kwavari.
21Naizvozvo pinzai vana vavo
mushangwa yenzara vaparadzwe namapakatwa,
vadzimai vavo vasare vasisina vana,
dzangove chirikadzi
varume ngavafe nedenda,
majaya avo aurayiwe nebakatwa muhondo.
22Mudzimba dzavo ngamuve nokuchema,
pamunoerekana mavaunzira muurayi,
nokuti vakandicherera hunza kuti ndiwiremo,
vakateyera tsoka dzangu misungo.
23Asi imi Tenzi munoziva
bangano ravo rokuda kundiuraya.
Musavaregerere uipi hwavo
kana kubvisa chitadzo chavo pameso penyu.
Vadzadzarisei pamberi penyu makashatirwa.”

Currently Selected:

Jeremiya 18: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in