YouVersion Logo
Search Icon

Ezekieri 26

26
Chiporofita chakanangana neguta reTire
1Mugore regumi nechiposhi, pazuva rokutanga romwedzi iwoyo, izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti:
2“Iwe mwanakomana womunhu,
guta reTire zvarakati nezveJerusaremu,
‘Hero Suo Guru revechirudzi
rapazika, razarukireni regai ndichizvigutsa hangu
sezvo raparadzwa kudai,’
3naizvozvo Tenzi Mwari ati
chinzwa iye zvino ndanangana newe Tire.
Ndichakuunzira marudzi akawanda
kuzorwisana newe segungwa ramutsa mafungu aro.
4Vachaparadza tsvingo dzeTire
vachiriga pasi nharirire dzaro.
Ndichaparadza kubvisa ivhu raro mariri
ndichiita kuti rive ruware zvarwo.
5Tire richava mukati chaimo megungwa
richiva nzvimbo zvayo yokuyanikira usvasvi.
Ndinodaro nokuti ndini ndataura
ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
Uye richava sechinhu chokupamba kumarudzi.
6“Vanasikana#26:6 Vanasikana: Venyu vanotaurwa apa maguta madiki kana kuti misha. varo vari panyika huru
vacharakatika kuurayiwa nebakatwa
ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi.
7“Zvavepo ndezvokuti zvanzi naTenzi Mwari chinzwa, ndichaita kuti Tire ivingwe nomumwe wokuchamhembe, Nebhukadhireza, mambo weBhabhironi, ndimambo wamadzimambo, iyeyo aina mabhiza nengoro dzehondo navarwi vamabhiza nehondo yavarwi vazhinji.
8“Iye achauraya
nebakatwa vanasikana vako
vari munyika yomukati.
Achakuisira rusvingo rwokukurwisa narwo
agokuvakirira nevhu
chinenge musana wenzou kurusvingo
agokusumudzira denga zvaro renhoo.
9Achanangisa kwauri iwe
kuriridza kwezvombo zvake zvehondo
zvinenge hondohwe zvokudhugumurisa
tsvingo dzako iwe.
Namatemo ake achapaza nharirire dzako.
10Mabhiza ake achange akawanda zvokuti
huruva yawo ichakuputira.
Tsvingo dzako dzichazunguzika
pamusana poruzha rwavamabhiza
nengorowo zvadzo nengoro dzehondo dzamabhiza,
paachapinda pamisuo mikuru yenyu
somunhu anopinda muguta rapazwa rusvingo.
11Nematsiko amabhiza ake
achatsokodzera migwagwa yenyu yose
achauraya vanhu vako nebakatwa
Misimboti yako yakasimba iyoyo
ichati pasi gwajata.
12Vachapamba upfumi hwako.
Vachakubvutira zvamunoshava nazvo upfumi
vachapaza tsvingo dzako
vachiwondomorera pasi
mizinda yenyu yedzimba,
matombo ako nemiti yako
zvichanzi mukati memvura bvuva bvuva.
13Ndichagumisa mimhanzi wenziyo dzako
kurira kwezvipendani zvako hakuchazombonzwikazve.
14Ndichakuita kuti
uve ruware rusina chinhu.
Uchava nzvimbo zvayo yokuyanikira mimbure
hauchazombofa wakavakwazve
nokuti ndini Tenzi ndataura.”
Ndizvo zviri kureva Tenzi Mwari.
15Tenzi Mwari ari kutaura akanangana neTire kuti nyika dzomumahombekombe megungwa hadzisi kuzondengendeka here nokuriridza kwokuputsika kwako, pachauraiwa vanenge vakuvadzwa mukati mako marakatiswa kuuraya vanhu? 16Ipapo machinda okugungwa ose achabva pazvigaro zvawo zvouchangamire vagokatanura majasi avo vagobvisa magemenzi avo akarukirirwa. Vachaputirwa nokudedera, vachagara pasi vachiramba vachingodedera vadumbirwa nezvako. 17Vachakuimbira ngondo vachikuti:
“Kubva watonyangarika kudai mumakungwa
iwe guta rembiri,
waimbova nesimba guru nezvokugungwa
iwe navagari vako waivhundutsa
nyika dzose dzomukati.
18Zvino zvitsuwa zvodedera
pazuva rokuputsika kwako.
Heeka, zvitsuwa zviri kugungwa
zvakangaidzika nomupfuuriro wako.”
19Chikonzero ndechokuti zvanzi naTenzi Mwari, “Pandichakuita kuti usare wava renje zvaro reguta samaguta asina ageremo pandichakuti ndondondo muhwenje hwegungwa, mvura zhinji igokuti fuse fuse. 20Naizvozvo ndichakukanda pasi pamwechete navanoenda mugomba; kuvanhu vakare. Ndichati ugare munzvimbo yapasi pasi penyika, munzvimbo yamatongo akare-kare pamwechete navanodzika mugomba zvokuti hapana achaita musha mauri kana kuwanawo nenzvimbo#26:20 Kuwanawo nenzvimbo: ChiHebheru chacho chinoti “Ndichakupa runako.” mukati menyika yavapenyu. 21Ndichakusvitsa pamugumo unosiririsa, pako panenge pakuperera, vanhu vachakutsvaka zvako asi hauzowanikwazve.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.

Currently Selected:

Ezekieri 26: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in