Ezekieri 25
25
II: CHIPOROFITA CHAKANANGANA NAMARUDZI
Chiporofita chakanangana nevaAmoni
1Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, 2“Mwanakomana womunhu chinangana nevaAmoni uporofite wakanangana navo. 3Iti kuvaAmoni, inzwai shoko raTenzi Mwari. Zvanzi naTenzi Mwari imi zvamakati tsvatu waro kuNzvimbo yangu Inoera payakan'oreswa uye kunyika yeIsiraeri payakaitwa renje zvaro uye nokumba yokwaJudha payakaenda kuutapwa 4naizvozvo ndava kukuisai mumaoko mavanhu vokumabvazuva kuti muve vanhu vavo. Vachaita mataga avo pakati penyu vachitoita misha yavo pakati penyu. Vachadya muchero wenyu vachinwa mukaka wenyu. 5Guta reRabha ndichariita mafuro engamera maguta avaAmoni achiva danga rezvipfuwo. Ndipo pamuchaziva kuti ini ndini Tenzi 6nokuti zvanzi naTenzi Mwari imi zvamakabva marova-rovanisa maoko muchitamba-tambisa makumbo muchifaririra kwazvo nomwoyo woutsinye wokuvenga nyika yeIsiraeri 7naizvozvo chinzwai, ini ndakusumudziraiwo shamu muruoko rwangu. Ndichakuisai mumaoko edzimwe ndudzi sezvinhu zvakapambwa. Ndichakutsakatisai pakati pamarudzi ndichiita kuti murove mudzinyika. Ndichakuparadzai; ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi.”
Chiporofita chakanangana neMoabhu
8Zvanzi naTenzi Mwari, “Pamusana pokuti Moabhu#25:8 Moabhu: MuchiHebheru pakanzi ... Moabhu neSeiri ... yakati, ‘Inga vanhu vokwaJudha vakangofanana ava navamamwe marudzi ose wani.’ 9Naizvozvo ndichaita kuti rimwe divi reMoabhu rizaruke, divi rokumaguta okumuganho wayo, anopa mbiri kunyika iyoyo: anoti Bhetijeshimoti neBhaarimeoni neKiriatiaimu. 10Ndichaiisa pamwechete nevaAmoni mumaoko mavanhu vokumabvazuva kuti ive yavo kuitira kuti irege#25:10 Irege: MuchiHebheru pakanzi kuitira kuti vaAmoni varege... kuzomboyeukwazve mukati memarudzi avanhu. 11Ndichaita zvandatongera Moabhu ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi.”
Chiporofita chakanangana neEdhomu
12Zvanzi naTenzi Mwari, “Pamusana pokuti Edhomu yakatsividza imba yokwaJudha yakaita utsinye chaihwo payakanga ichivatsividza. 13Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari ndichasimudzira Edhomu shamhu muruoko rwangu ndichitsakatisa mairi munhu pamwechete nemhuka. Ndichaita kuti isare yava renje zvaro kubvira kwaTemani kusvikirawo kuDhedhani, vachafa nebakatwa. 14Ndichatsividza Edhomu ndichishandisa vanhu veIsiraeri. Ivo vanofanira kuzoita kuEdhomu zvinoenderana nehasha dzangu zvichiwirirana nokutsamwa kwangu. Ipapo vachaziva kutsividza kwangu.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
Chiporofita chakanangana nenyika yeFirisitia
15Zvanzi naTenzi Mwari, “VaFirisitia zvavakatsividza vachitsiva nomwoyo woutsinye hwokuparadza nedaka risingaperi, 16naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari chirega uone ndichasumudzira vaFirisitia shamhu muruoko rwangu ndichirakatisa vanhu veKireti ndichiparadza kumwe kwose kwemahombekombe egungwa. 17Ndichavatsividza zvakakura kwazvo nokuranga chaiko kune hasha. Ipapo ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi kana ndavatsividza kudaro.”
Currently Selected:
Ezekieri 25: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.