YouVersion Logo
Search Icon

Ezekieri 27

27
Rwiyo rwokuchema nhamo yeguta reTire
1Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, 2“Zvino iwe mwanakomana womunhu, ungudza pamusoro peTire 3uti kuTire, guta rigere pokupinda napo mugungwa, mushambadzi wezvoupfumi kumarudzi mazhinji enyika dzokumahombekombe kwegungwa iri zvanzi naTenzi Mwari:
“Iwe Tire wakazviti,
ndiri tsvarakadenga parunako.
4Miganhu yako iri pakatikati pegungwa
vavaki vako vakaita kuti
uve tsvarakadenga parunako.
5Mapuranga ako ose
vakaaita nomusaipurasi wokuSiniri.
Vakatora musidhari weRebhanoni
kuti vakuitire musimboti wengarava.
6Mioku yokuBhashani
ndoyavakakugadzirira nayo zvokukwasvisa
mutumbi wako wengarava vakauita nemipaini
yokumahombekombe kweSaipurasi
wakanamirirwa nomunyanga wenzou mukati.
7Rineni yakanyatsorukirirwa yokuIjipiti
ndoraiva jira rako rokufambisa ngarava
richiita somureza wako.
Jira roruvara rwedenga
noruvara rwohute rokumahombekombe eErisha
ndoraiva denga rayo.
8Vagari vokuSidhoni nokuArivhadhi
ndovaiva vanhu vako vokukwasva
nyanzvi dzavarume
vaiva mauri ndivo
vaifambisa ngarava.
9Vakuru vakuru vokuguta reGebhari
nenyanzvi dzavarume dzeko
dzaiva mauri ndichadzinama mumupendero yako.
Ngarava dzose dzegungwa navashandi vemo
vaiva mauri vachiita
mhindu dzokutengeserana.
10“Pezhia neRudhi nePuti vaivawo muhondo yako savarwi vehondo vachiturika mauri nhoo nenguwani dzesimbi vachikupa mukurumbira. 11Varume vokuArivhadhi nehondo yako yavarwi vaiva patsvingo dzako kukutenderera uye varume vokuGamadhi vaiva munharirire dzako. Vaiturikawo nhoo dzavo patsvingo dzako kukutenderera vachinyatsoita kuti uve norunako chairwo.
12“Tarishishi yaifambidzana newe pamusana poupfumi hwako hwakanyanya hwemhando nemhando hunoti sirivha nesimbi noutare hwerata nomutobvu zvavaitsinhana newe nezvako. 13Javhani neTubhari neMesheki dzaitengeseranawo newe. Vaitsinhana newe uchivapa midziyo yendarira ivo vachipa varanda. 14Bhetitogarima yaitengeserana newe ichikupa mabhiza, namabhiza ehondo namanyurusi iwe uchivapa zvinhu zvawainge wagadzira. 15Vanhu veRodhesi vaitengeserana newe. Nyika zhinji dzokumahombekombe dzaitenga kwauri dzichikubhadhara nyanga denzou nomuti weebhoni. 16Edhomu yaitengeserana newe pamusana pezvinhu zvako zvakawanda. Vaiita mutengano webveni newe, iwe uchivapa zvinhu zvakanaka zvawainge wagadzira ivowo vachikupa matombo anokosha eemeradhi nomushonga woruvara rwohute, namachira akarukirirwa nerineni yakanakisisa nekorari namatombo anokosha eageti. 17Judha nenyika yeIsiraeri vaitengeserana newe vachiita mutengano webveni newe wokukupa koroni namaorivhi namaonde okutanga nouchi namafuta eorivhi netwokuzora tunonhuwirira twebharimu. 18Dhamasikusi yaitengeserana newe pamusana pezvinhu zvako zvakawanda nokuda kwoupfumi hwako hwakawanda hworudzi norudzi newaini yokuHeribhoni newuru chena. 19Dhani neJavhani kubva kuUzari zvichienda mberi vaikuwanisa simbi netunonhuwira twekasia nekaramusi iwe uchivapa zvinhu zvako. 20Dhedhani yaitengeserana newe machira ezvityaro akutasvisa. 21Arabhia namadzishe ose eKedhari vaitengeserana newe hwayana, nehondohwe nembudzi. 22Vashambadzi vokuShebha nokuRaama vaitengeseranawo newe vachiita mutengano webveni newe vachikupa tunonhuwirira twakanakisisa twose twose, iwe uchivapa zvawainge wagadzira, namatombo ose anokosha nendarama. 23Harani neKane neEdheni, neAshuru neKirimadhi vaitengeserana newe. 24Ivava vaitengeserana newe hanzu dzakanakisisa, nehanzu dzoruvara rwedenga, namakapeti ana mavara-mavara akarukwa nemikosi netambo dzakakoswa zvakanaka. Izvozvi ndizvo zvavaitengeserana newe. 25Ngarava dzokuTashishi dzaikutakurira zvinhu zvako zvokutengesa.
“Saka wakanga wakati shutu kuzara
wakaremerwa kwazvo kutakura
mukatikati mawo makungwa.
26Vakwasvi vako vakaenda newe
kumakungwa ana mafungu
Mhepo yokumabvazuva yakakuparadza
mukatikati memakungwa.
27Upfumi hwako nezvinhu zvawakagadzira
nezvinhu zvoko zvokutengesa,
vanhu vako vanoshanda mungarava
navanhu vako vanofambisa ngarava
namakapenda ako navatengesi vako vezvinhu
navarwi vako vose vari mauri
navamwe vose vari mauri
vanonyura mukati memakungwa
pazuva rako rokuparara.
28“Nyika inodedera
pakunzwa mhere inobva
kuvafambisi vengarava.
29Ipapo vakwasvi vose vachatiza ngarava dzavo.
Vashandi vomungarava
navafambisi vose vengarava
vachandomira pamahombekombe egungwa.
30Vacharidza mhere
vachikuchema zvinosiririsa
vachizvidira ivhu mumusoro
vachiumburuka mudota.
31“Vanozviveura muparavara vachiitira iwe,
vanopfeka masaga
vachikuchema nemwoyo wakasuruvara
vachiungudza zvinorwadza mwoyo.
32Mukuridza kwavo mhere kudaro
vachaungudza pamusoro pako
vachikuchema vachiti:
‘Ndiani chaizvo akamboitwa hweTire
akaparadzwa seTire
pakati paro gungwa kudaro?
33Zvinhu zvawainge wagadzira
pazvaitutunurwa zvichibva kumakungwa
waigutsa marudzi mazhinji,
noupfumi hwako hwakanyanya
uye neshavo huru youpfumi
wakapfumisa madzimambo apanyika.
34Zvino waparadzwa iwe namakungwa
muhwenje yemvura yegungwa;
shavo yako youpfumi
navashandi vako vose vomungarava
vanyura pamwechete newe.
35Vagari vose venyika
dzomumahombekombe megungwa
vadumbirwa nezvako
uye madzimambo avo
vabayikana nokutya,
uso hwavo hwadonha.
36Vemhindu dzokutengeserana
mukati mevemarudzi umu
vava kukuridzira tsamwa
magumo ako ashata
hauchazovipo narini wose.’ ”

Currently Selected:

Ezekieri 27: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in