YouVersion Logo
Search Icon

Kutsinhira Mutemo 4

4
Mosesi anokurudzira vaIsiraeri kuteerera
1Mosesi akati, “Imi vaIsiraeri, chinzwai zvino mitemo nemirao yandava kukudzidzisai kuti muichengete, mugorarama. Ndiko kuti muyambuke mutore nyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wamadzibaba enyu. 2Musambowedzera zvenyu kana kutapudza chinhu pamitemo yandichakupai. Chengetai mitemo yaTenzi Mwari wenyu yandava kukuudzai. 3Makaona nemeso enyu zvakaitwa naTenzi kuBhaaripeori kuvanhu vaitevera mwari wepagomo rokuPeori. Tenzi Mwari wenyu akavaparadza pakati penyu. 4Asi imi makaramba makati kwati kwati naTenzi Mwari wenyu mose muchiri vapenyu nanhasi uno.
5“Chionaika, ndakakudzidzisai mitemo nemirao sokuudzwa kwandakaitwa na Tenzi Mwari wangu kuti muichengete munyika yamava kupinda kuti mutore. 6Iteererei muichengete nokuti kwamuri, ndihwo ungwaru nokunzwisisa kune ndudzi dzavanhu vachakuonai. Pavachanzwa mitemo iyoyi vachati, ‘Chokwadi rudzi urwu rudzi rukuru, rwavanhu vakangwara vanonzwisisa.’
7“Ko, kune rudzi here rukuru runa mwari ari pedyo narwo sezvakaita isu naTenzi Mwari wedu ari pedyo nesu patinomudaidza? 8Pane rudzi here rukuru rune mitemo nemirao yakarurama sebumbiro rose romutemo randiri kukupai nhasi uno? 9Chasara kwamuri ndechichi, chingwarirai kuti murege kukanganwa muupenyu hwenyu hwose, zvamakaona zvirege kubuda muhana dzenyu. Taurirai vana venyu navana vavana venyu 10nezvezuva riya ramakamira pamberi paTenzi Mwari wenyu pagomo reHorebhu. Tenzi akanditi, ‘Ndiunganidzire vanhu. Ndinoda kuvaudza mashoko angu kuti vadzidze kunditya upenyu hwavo hwose vagodzidzisawo vana vavo kuitawo saizvozvo.’
11“Imi makaswedera pedyo, mukasvikomira mujinga megomo rainganduma moto une murazvo waisvika mudengadenga, iro gomo rakati kwirindindi, rakaputirwa negore rakasviba kuti ndoo. 12Tenzi akataura nemi ari mukati memoto, mukanzwa izwi rake asi hamuna kuona chimiro chake. Makangonzwa izwi rake chete. 13Akakuisirai pachena chitenderano chake chezvaanoti muite chemitemo gumi yaakanyora pamafendefa amabwe maviri. 14Panguva iyoyo Tenzi akandiudza kuti ndikudzidzisei mitemo nemirao yamunofanira kuchengeta munyika yamava kuyambukira kundotora kuiita yenyu.
Yambiro pamusoro pokunamata zvifananidzo
15“Tenzi paakataura kwamuri paGomo reSinai ari mumoto, hamuna kuona chimiro chake. Saka imi zvichenjererei 16mungazodaro mukatadzira Tenzi mava kuzvigadzirira chifananidzo chine chimiro chakafanana nomurume kana mukadzi, 17kana mhuka zvayo iri panyika, kana shiri inobhururuka mudenga, 18kana mifananidzo yechii zvacho chinokambaira napasi, kana chehove dzomumvura pasi penyika. 19Ngwarirai kuti, mungazoti kana matarisa mudenga mukaona zuva nomwedzi nenyenyedzi negurusvusvu radzo mudenga umu, motorwa mwoyo, moda kuzvipfugamira nokuzvinamata, izvo zviri zvinhu zvakapiwa ndudzi dzose dziri pasi pedenga. 20Asi Tenzi akakununurai muIjipiti yainge vira romoto kuzokuitai vanhu vake sezvamuri nhasi uno. 21Uye Tenzi akandishatirirwa nokuda kwenyu akandipikira kuti handizoyambuki Jorodhani ndichipinda munyika yakanaka yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu kuti ive nhaka yenyu. 22Ndinodaro nokuti ini ndichafira munyika ino, handichayambuki Jorodhani. Asi imi ndimi muchayambuka kundotora nyika yakanaka iyoyo. 23Chenjererai kuti murege kukanganwa chitenderano chamakaitirana naTenzi Mwari wenyu, mozvigadzirira zvifananidzo zvakafanana nechii zvacho chamakarambidzwa naTenzi Mwari wenyu 24nokuti Tenzi, Mwari wenyu moto unopisa, Mwari weshanje.
25“Kana mukazobereka vana magara kwenguva ndefu munyika iyoyo mava navazukuru, musazotadzira Tenzi momushatirisa muchizvigadzirira chifananidzo chakafanana nechii zvacho. 26Nhasi uno denga nenyika ngazvindipupurirewo chokwadi chokuti, kana mangodaro imi muchapera kuti nhoo munyika iyoyo yamuri kuyambukira Jorodhani kundoitora. Hamuzombogara mazuva akawanda, munopera imi kuti dhu. 27Tenzi achakuparadzirai kune dzimwe ndudzi. Muchasara mava vashoma kudzimwe ndudzi ikoko kwamunenge maendeswa naTenzi. 28Muri ikoko muchanamata vamwari vokuveza nevamabwe zvakagadzirwa namaoko avanhu. Vamwari vacho havaoni kana kunzwa kana kudya kana kunhuhwidza. 29Asi muri ikoko muchatsvaka Tenzi Mwari wenyu, kana mukazvipira kumutsvaka nomwoyo wenyu wose muchamuwana. 30Kana mava mumatambudziko, zvose izvozvi zvakuwanai muchadzokera zvenyu kuna Tenzi Mwari wenyu moteerera izwi rake 31nokuti Tenzi Mwari wenyu ndiMwari ane tsitsi. Haakufuratirei kana kukuparadzai kana kukanganwa chitenderano chaakaita namadzitateguru enyu.
32“Imbobvunzaiwo zvepasi chigare, pamakange musati maberekwa kubvira pazuva rakasika Tenzi, munhu panyika. Bvunzai kubvira kumugumo mumwe wenyika kusvikira kune mumwe kana kwakamboitika kana kunzwika chinhu chakadai. 33Ndorupiko rudzi rwavanhu vakambonzwa izwi raMwari achitaura ari mumoto samanzwiro amakaita vakaramba vari vapenyu? 34Ko kune mumwe mwari here akambotora rumwe rudzi achirubvisa mune rumwe rudzi achiruita rwake sezvakaitwa imi naTenzi Mwari wenyu muIjipiti? Tenzi akaratidza simba rake guru akaita zviedzo nezviratidzo nezvishamiso nehondo nezvimwe zvinotyisa zvaakaita muchiona. 35Akakuratidzai izvozvo kuti muzive kuti Tenzi ndiye Mwari oga, hakuna mumwezve kunze kwake. 36Akakuregai muchinzwa izwi rake richibva kudenga kuti akudzidzisei, akakuitai kuti muone moto wake mukuru pasi pano, mukanzwa izwi rake richibva mukati memoto. 37Tenzi zvaakada madzitateguru enyu, akazosarudza vana vavo, akakubudisai muIjipiti achikuratidzai kuvapo kwake. 38Akadzinga ndudzi huru dzavanhu dzakanga dzakasimba kupfuura imi, kuti akupinzei imomo, akupei nyika yavo kuti ive yenyu sezvairi nanhasi. 39Naizvozvo nhasi chibatisisai izvi muzviise mumwoyo yenyu zvokuti Tenzi ndiye Mwari, kumusoro kudenga napasi pano hakuna mumwezve kunze kwake. 40Saka chiteererai mitemo nemirao yandinokuudzai nhasi kuti zvikunakirei imi nezvizvarwa zvenyu, mazuva enyu agowanda amuchagara munyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu nokusingaperi.”
Maguta okupotera okumabvazuva mhiri kwaJorodhani
41Zvino Mosesi akatsaura maguta matatu mhiri kumabvazuva kwaJorodhani 42okuti kana munhu anenge auraya mumwe mukusaziva ivo vanga vasingavengane kare, awane kwokutizira achindopotera nokuponesa upenyu hwake. 43Munyika yevedzinza raRubheni akasarudza guta reBhezeru riri pakakwirira murenje. MuGireadhi nyika yevedzinza raGadhi akasarudza guta reRamoti. MuBhashani nyika yevedzinza raManase akasarudza guta reGorani.
Kusumwa kwoMutemo waTenzi
44Iri ndiro bumbiro romutemo rakapiwa vaIsiraeri naMosesi. 45Izvi ndizvo zvirevo nemitemo nemirao yakaudzwa vaIsiraeri naMosesi pavakabuda muIjipiti. 46Izvozvi vakanga vari mhiri kwaJorodhani mubani rakatarisana neBhetipeori munyika yaSihoni, mambo wavaAmori aigara kuHeshibhoni. Ndiye uya akakurirwa naMosesi navaIsiraeri pavakabva kuIjipiti. 47Vakatora nyika yake, nenyika yaOgu mambo weBhashani. Madzimambo aya maviri evaAmori aigara kumabvazuva kumhiri kwaJorodhani. 48Nyika iyoyi yaibvira kuAroero mubani reArinoni ichikwidza kusvikira kuGomo reSirioni#4:48 Gomo reSirioni: muchiHebheru munoti Gomo reSioni. (ndiro gomo reHerimoni), 49ichitandira matunhu ose okurenje reArabha ari kumabvazuva kwaJorodhani. Kumaodzanyemba inosvika kuGungwa roMunyu, kumabvazuva ichindosvika mujinga megomo rePisiga.

Currently Selected:

Kutsinhira Mutemo 4: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in