1
Kutsinhira Mutemo 4:29
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Asi muri ikoko muchatsvaka Tenzi Mwari wenyu, kana mukazvipira kumutsvaka nomwoyo wenyu wose muchamuwana.
Compare
Explore Kutsinhira Mutemo 4:29
2
Kutsinhira Mutemo 4:31
nokuti Tenzi Mwari wenyu ndiMwari ane tsitsi. Haakufuratirei kana kukuparadzai kana kukanganwa chitenderano chaakaita namadzitateguru enyu.
Explore Kutsinhira Mutemo 4:31
3
Kutsinhira Mutemo 4:24
nokuti Tenzi, Mwari wenyu moto unopisa, Mwari weshanje.
Explore Kutsinhira Mutemo 4:24
4
Kutsinhira Mutemo 4:9
Chasara kwamuri ndechichi, chingwarirai kuti murege kukanganwa muupenyu hwenyu hwose, zvamakaona zvirege kubuda muhana dzenyu. Taurirai vana venyu navana vavana venyu
Explore Kutsinhira Mutemo 4:9
5
Kutsinhira Mutemo 4:39
Naizvozvo nhasi chibatisisai izvi muzviise mumwoyo yenyu zvokuti Tenzi ndiye Mwari, kumusoro kudenga napasi pano hakuna mumwezve kunze kwake.
Explore Kutsinhira Mutemo 4:39
6
Kutsinhira Mutemo 4:7
“Ko, kune rudzi here rukuru runa mwari ari pedyo narwo sezvakaita isu naTenzi Mwari wedu ari pedyo nesu patinomudaidza?
Explore Kutsinhira Mutemo 4:7
7
Kutsinhira Mutemo 4:30
Kana mava mumatambudziko, zvose izvozvi zvakuwanai muchadzokera zvenyu kuna Tenzi Mwari wenyu moteerera izwi rake
Explore Kutsinhira Mutemo 4:30
8
Kutsinhira Mutemo 4:2
Musambowedzera zvenyu kana kutapudza chinhu pamitemo yandichakupai. Chengetai mitemo yaTenzi Mwari wenyu yandava kukuudzai.
Explore Kutsinhira Mutemo 4:2
Home
Bible
Plans
Videos