Kutsinhira Mutemo 3
3
VaIsiraeri vanokunda mambo Ogu muhondo
(Kuve 21:31–35)
1“Takazosimudzira rwendo toenda kuBhashani. Ogu mambo weBhashani, akativinga navanhu vake vose kuzotirwisa kuEdhirei. 2Asi Tenzi akanditi, ‘Usamutye nokuti iye navanhu vake vose, nenyika yake yose, ndavaisa mumaoko ako. Uchaita kwaari zvawakaita kuna Sihoni mambo wavaAmori aigara kuHeshibhoni.’
3“Saka Tenzi Mwari wedu akaisawo Ogu mambo weBhashani navanhu vake vose mumaoko edu. Takavarakasha zvokuti hakuna nomumwe wavo watakasiya ari mupenyu. 4Ipapo takatora maguta ake ose, hakuna guta ratisina kuvatorera. Takatorera Ogu nyika yaaitonga muBhashani, maguta makumi matanhatu, ari munyika yeArigobhu. 5Maguta ose iwaya aiva akakomberedzwa netsvingo ndefu, nemisuo mikuru ine zvihuri, nemimwewo misha yakanga isina tsvingo. 6Takanyatsoaparadza sezvatakaita kuna Sihoni mambo weHeshibhoni. Takaparadza maguta ose navarume navakadzi nepwere. 7Mombe nezvinhu zvomumaguta ndizvo zvatakapamba.
8“Panguva iyoyo takatora nyika dzamadzimambo maviri avaAmori, vaigara mhiri kwaJorodhani, kubvira kubani reArinoni kundosvika kugomo reHerimoni. 9(VaSidhoni vanoriti Sirioni, vaAmori vachiriti Seniri.) 10Takatora maguta ose apamutunhu neGireadhi yose neBhashani yose kusvikira kuSareka neEdhirei maguta omuBhashani nyika inotongwa naOgu. 11(Ogu mambo weBhashani ndiye woga worudzi rwehofori dzavaRefaimu akanga achiri mupenyu. Zvinongooneka neguva rake resimbi riri kuRabha guta revaAmoni. Guva racho rakareba mamita mana, upamhi hwaro hwakaita mamita anenge maviri nomwero chaiwo wamamita).
Madzinza evaIsiraeri akagara kumabvazuva kwaJorodhani
(Kuve 32:1–42)
12“Patakatora nyika iyoyi, ndakapa vedzinza raRubheni nevedzinza raGadhi nyika inobvira kuguta reAroero riri pedyo nebani raArinoni nechidimbu chenyika yeGireadhi nemaguta ayo. 13Chimwe chidimbu cheGireadhi chakasara, nenyika yeBhashani yose yaitongwa naOgu ndakaipa kuchidimbu chedzinza raManase. (Zvinoreva kuti nyika yose yeArigobhu kusvikira kuBhashani inotumidzwa kuti nyika yehofori dzavaRefaimu. 14Jairi wedzinza raManase akatora nyika yose yeArigobhu inonzi Bhashani kundosvika kumuganho wavaGeshuri navaMaaka, ndokutumidza maguta iwayo nezita rake kuti maguta aJairi, zvaari nanhasi).
15“Ndakapa nyika yeGireadhi kuna Makiri. 16Vedzinza raRubheni nevedzinza raGadhi ndakavapa kubvira kuGireadhi kusvikira kubani raArinoni, muganho wenyika yavo uri pakati pebani iroro kundosvika kuna Jabhoko runovaganhuranisa nevaAmoni. 17Muganho wayo wokumadokero irenje reArabha naJorodhani kubvira kuchamhembe kugungwa reKinereti zvichienda kumaodzanyemba kuGungwa reMunyu kusvikira mujinga meGomo rePisiga kumabvazuva.
18“Ipapo ndakakuudzai kuti, ‘Tenzi Mwari wenyu akakupai nyika iyoyo kuti muiite yenyu. Varwi venyu ngavapakate zvombo zvavo vayambuke Jorodhani vatungamire mberi kwehama dzavo vaIsiraeri. 19Asi madzimai enyu nepwere dzenyu nemombe dzenyu, zvose zvichasara zviri mumaguta andakakupai. (Ndinozviziva kuti mune mombe zhinji.) 20Muchaita izvozvi kudzamara Tenzi apawo hama dzenyu nzvimbo dzokuchizorora sezvaakakuitiraiwo imi. Kusvikira vatora nyika yavari kupiwa naTenzi mhiri kwaJorodhani. Mumwe nomumwe wenyu ndipo paachazodzokera kunhaka yake yandakamupa.’ 21Panguva iyoyo ndakaudza Joshuwa kuti, ‘Wakaona nameso ako zvose zvakaitwa naTenzi kuna madzimambo maviri aya. Ndizvo zvichaitwa naTenzi kuna madzimambo ose amuchayambukira. 22Musambovatya nokuti Tenzi Mwari wenyu ndiye anokurwirai.’
Kurambidzwa kwaMosesi kupinda muKanani
23“Panguva iyoyo ndakateterera kuna Tenzi ndichiti, 24‘Nhai Tenzi Mwari ndinozviziva kuti zvose zvamakandiratidza zvinongova mavambo oukuru hwenyu nesimba renyu nokuti ariko here Mwari kudenga kana pasi pano angaite mabasa akadaro namasimba angaenzaniswa neenyu? 25Ndapota ndibvumireiwo kuyambukira mhiri kwaJorodhani ndingondoonawo nyika iyoyo yakanaka ikadai, nyika yamakomo yakanakisisa neRebhanoni.’
26“Asi Tenzi akandishatirirwa nokuda kwenyu, akasandinzwa. Ipapo Tenzi akanditi, ‘Zvakwana, chirega kutaurazve nezvenyaya iyi kwandiri. 27Chikwira pamusoro pegomo utarise kumadokero nokuchamhembe nokumaodzanyemba nokumabvazuva uione nameso ako nokuti iwe hausi kuzoyambuka Jorodhani. 28Asi taurira Joshuwa umukurudzire nokumushingisa nokuti ndiye achatungamirira vanhu ava kuyambuka vachindotora nyika iyoyo yauchaona kuti ive yavo.’
29“Naizvozvo takaramba tiri mubani rakatarisana neBhetipeori.”
Currently Selected:
Kutsinhira Mutemo 3: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.