2 Nhoroondo 35
35
Kuchengeta Pasika kwakaitwa naJosiya
(2 Madzi 23:21–23)
1Josiya akachengeta Pasika yaTenzi muJerusaremu. Vakauraya hwayana yePasika pazuva regumi nechina romwedzi wechiposhi. 2Akaronga vapristi mumabasa avo akavakurudzira mumabasa iwayo omumba yaTenzi. 3Akati kuvaRevhi vaidzidzisa Isiraeri yose vakateketererwa kuna Tenzi vaye, “Isai bhokisi rechitenderano rinoera mumba yakavakwa naSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo weIsiraeri. Inga zvokunge mucharitakura pamapfudzi enyu hapasisina wani. Zvino mochishandirawoka Tenzi, Mwari wenyu nevanhu vake vaIsiraeri 4machironganawo maererano nedzimba dzamadzibaba enyu muzvikwata zvenyu sokunyorwa kwazvakaitwa naDhavhidhi mambo weIsiraeri uye sokunyorwa kwazvakaitwa naSoromoni mwanakomana wake. 5Munofanira kuzomira munzvimbo inoera makamiririra dzimhuri dzakasiyana-siyana dzavanhu, hama dzenyu. Chikwata choga choga chenyu vaRevhi chakamiririra mhuri yacho. 6Munozofanira kuuraya hwayana yePasika, iyemiwo pachenyu muzvichenurewo mugadzirirewo hama dzenyu kuti muchengete shoko rakarehwa naTenzi nokuna Mosesi.”
7Josiya akabvisira vanhu zvipo zvePasika kuitira vanhu vose vaivapo, zviri zvehwayana nembudzana dzaakabvisa muzvipfuwo zvake dzaisvika makumi matatu ezviuru pamwechete nezviuru zvitatu zvehandira. Zvose izvozvi zvakabva muupfumi hwamambo. 8Machinda ake akabvisirawo vanhu navapristi nevaRevhi nomwoyo unoda. Hirikiya naZakariya naJehieri vatungamiriri vakuru vakuru vomumba yaTenzi vakapawo kuvapristi zvemipiro yePasika hwayana nembudzana zviuru zviviri zvine mazana matanhatu nehandira mazana matatu. 9Uyewo Konaniya naShemaya naNetaneri vakoma navanun'una naye, kwouya Hashabhiya naJeieri naJozabhadhi vari vakuru vakuru vevaRevhi, vakapawo kuvaRevhi zviuru zvishanu zvehwayana nembudzana pamwechete namazana mashanu ehandira.
10Urongwa uhu pahwakanga hwapera, vapristi vakandomira panzvimbo dzavo, vaRevhiwo muzvikwata zvavo maererano nechirevo chamambo. 11Vakauraya hwayana yePasika, vapristi vakasasa ropa ravakagamuchira kwavari. Izvozvo vaRevhi ndovainge vachivhiya dzainge dzaurayiwa. 12Mipiro yokupisa vakaiisa payo yoga kuti vagozoigoveranisa mudzimhuri dzakasiyana-siyana dzemadzibaba evanhu ivava kuti vapire kuna Tenzi sokunyorwa kwazvakaitwa mubhuku raMosesi. Ndozvavakaita nehandira idzodzo. 13Vakagocha pamoto hwayana yePasika sezviri mumurao. Vakabika mipiro inoera mumapoto nomumazibhodho nomudzipani, vakadzitakurira kuvanhu vose nokukurumidza.
14Mushure macho vakazozvibikirawo ivo pachavo nezvevapristi nokuti vapristi vanakomana vokwaAroni vakanga vakabatikana kudzamara usiku nebasa rokupira mipiro yokupisa nokupisa nhindi dzamafuta. Ndokusaka vaRevhi vakazvibikira ivo pachavo nezvevapristi vanakomana vokwaAroni. 15Vaimbi vanakomana vokwaAsafu vakanga vari panzvimbo pavo sokutaura kwakanga kwaitwa naDhavhidhi naAsafu naHemani naJedhutuni muoni wokwamambo. Vachengetedzi vepamisuo mikuru vakanga vari pasuo guru roga roga. Chavaibvira pamabasa avo pakanga pasina, nokuti vaRevhi hama dzavo ndidzo dzakavagadzirira. 16Saizvozvo musi iwoyo basa rose raTenzi rokuchengeta Pasika nerokupira mupiro wokupisa paAtari yaTenzi rakagadzirirwa maererano nechirevo chamambo Josiya. 17Vanhu veIsiraeri vaivepo vakachengeta Pasika panguva iyoyo pamwechete namazuva makuru manomwe echigwa chisina mbiriso kwamazuva manomwe. 18Hakuna kumboita imwe Pasika yakaita saiyoyo muIsiraeri kubvira mazuva omuprofita Samueri. Hakuna mumwe mambo akamboita Pasika seyakaitwa naJosiya pamwechete navapristi, nevaRevhi nevokwaJudha nevokwaIsiraeri vaivapo navagari veJerusaremu. 19Mugore regumi nechisere rokutonga kwaJosiya ndopakaitwa Pasika iyoyi.
Rufu rwaJosiya
(2 Madzi 23:28–30)
20Mushure mezvose izvozvi, Josiya apedza kugadzira Temberi, Neko mambo weIjipiti akakwidza kundorwisa Karikemishi kuna Yufuratesi, Josiya ndokubva amubudira. 21Asi iye akamutumira nhume achiti, “Nhai mambo wokwaJudha! Chatatadziranawo chaicho ipapa chii? Handina kuuya kuzokurwisa nhasi uno, asi ndavinga imwewo imba yandiri kurwisana nayo. Mwari atonditi ndiite zvechimbichimbi. Regai kupikisana naMwari aneni, angadaro akakuparadza.” 22Zvakadaro zvazvo Josiya akaramba kudzokera achimusiya, akatozvivanziridza kuti arege kuzikanwa kuitira kuti andomurwisa. Haana kumboteerera zvakarehwa naNeko zvichibva mumuromo waMwari asi akatopindawo muhondo mubani reMegidho.
23Vokukanda miseve vakapfura mambo Josiya ndokubva iye mambo ati kumachinda ake, “Ndibvisei pano. Ndakuvadzwa zvakanyanya.” 24Nokudaro machinda ake akamubvisa mungoro yehondo iyoyi, vakamutakura nengoro yake yehondo yechipiri. Vakaenda naye kuJerusaremu. Akafa akavigwa mumakuva emadzibaba ake, Judha yose neJerusaremu yakachema Josiya.
25Jeremiya akaitirawo Josiya nhetembo yokumuchema navamwe vaimbi vose vechirume navekadzi vanotaura nezvaJosiya munhetembo dzavo dzokuchema kusvikira pari nhasi, ndowakabva wava muitiro muIsiraeri. Inga dzakanyorwa wani munhetembo dzokuchema.
26Dzimwe nyaya dzezvaJosiya nezviito zvake zvakanaka zvaienderana nezvakanyorwa mumutemo waTenzi 27nezvaakaita kubvira pakutanga kusvikira pakupedzesera zvakanyorwa zviye muBhuku reMadzimambo okwaIsiraeri nokwaJudha.
Currently Selected:
2 Nhoroondo 35: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.