2 Nhoroondo 36
36
E: NYIKA YEISIRAERI KUSVIKA KUMAGUMO OKUTONGA KWAMADZIMAMBO
Jehoahazi mambo wokwaJudha
(2 Madzi 23:30–35)
1Saka vanhu venyika iyoyo vakazotora Jehoahazi mwanakomana waJosiya vakamugadza umambo muJerusaremu panzvimbo yababa vake. 2Jehoahazi akanga ava namakore makumi maviri ana matatu paakatangisa kutonga. Akatonga kwemwedzi mitatu ari muJerusaremu. 3Mambo weIjipiti akamubvisa paumambo muJerusaremu akateresa nyika mutero wematani matatu esirivha ane makirogiramu mazana mana nendarama yaiita makirogiramu makumi matatu ane mana. 4Neko mambo weIjipiti akaita Eriyakimu munun'una waJehoahazi mambo weJudha neJerusaremu akabva amusandura zita omupa rimwe rokuti Jehoyakimu, asi akatakura mukoma wake Jehoahazi akaenda naye kuIjipiti.
Jehoyakimi mambo wokwaJudha
(2 Madzi 23:36—24:7)
5Jehoyakimu akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakatangisa kutonga. Akatonga kwamakore gumi nerimwechete ari muJerusaremu. Akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi, Mwari wake. 6Nebhukadhineza mambo weBhabhironi akauya kuzomurwisa. Akamusunga nengetani akaenda naye kuBhabhironi. 7Nebhukadhineza akatakurawo mimwe midziyo yepamba paTenzi akaenda nayo kuBhabhironi akandoiisa mumuzinda wake muBhabhironi. 8Dzimwe nyaya dzezvaJehoyakimu nezvimwe zvakaipisisa kwazvo zvaakaita netumwewo twaaiita twakazobuda zvakanyorwa wani muBhuku raMadzimambo okwaIsiraeri neokwaJudha. Mwanakomana wake Jehoyakini ndiye akazotonga panzvimbo yake.
Jehoyakini mambo wokwaJudha
(2 Madzi 24:8–17)
9Jehoyakini akanga ava namakore gumi namasere paakava mambo, akatonga kwemwedzi mitatu negumi ramazuva ari muJerusaremu. Akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi. 10Muchirimo panguva yepfumvudza mambo Nebhukadhineza akatumira shoko rokuti aunzwe kuBhabhironi pamwechete nemidziyo inokosha yomumba yaTenzi akabva aita munun'una wake Zedhekiya mambo wokwaJudha neJerusaremu.
Zedhekiya mambo wokwaJudha
(2 Madzi 24:18–20; Jer 52:1–3a)
11Zedhekiya akanga ava namakore makumi maviri nerimwechete paakava mambo, akatonga kwemakore gumi nerimwechete ari muJerusaremu. 12Akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi, Mwari wake. Haana kuzvininipisa pamberi pomuporofita Jeremiya, aitaura zvaibva mumuromo waTenzi.
Kuparara kweJerusaremu
(2 Madzi 25:1–21; Jer 52:3b–11)
13Akapandukira mambo Nebhukadhineza akanga aita kuti apike naTenzi mhiko. Akaomesa musoro akaomesa mwoyo wake pane zvokudzokera kuna Tenzi, Mwari weIsiraeri. 14Vakuru vakuru vose pavapristi pamwechete navanhu zvakanga zvangova zvimwechetezvo zvokurega kuva pachokwadi zvatonyanyisa kwazvo votevedza zviito zvakaipisisa kwazvo zvaiitwa nevechirudzi vachin'oresa imba yaTenzi yaakanga aeresa muJerusaremu 15Tenzi, Mwari wamadzibaba avo akatuma-atumazve nhume dzake kwavari neshoko pamusana pokuti ainzwira tsitsi vanhu vake nenzvimbo yake yokugara. 16Asi vakaramba vachinyomba nhume dzaMwari vachitozvidza zvavo mashoko ake vachitafurira vaporofita vake kudzamara Tenzi amukira vanhu vake nehasha kusvikira pasisina chokuzvigadziridza nacho.
17Naizvozvo akavamutsira mambo wavanhu vechiKaredhea vakauraya namapakatwa majaya avo mumba yavo macho menzvimbo inoera pasina kana zvokumbonzwira tsitsi kuti majaya here kana kuti mhandara kunyange kuti murume mukuru kana kuti munhu achembera; akaisa vose mumaoko ake. 18Midziyo yose yomumba yaMwari mikuru nemidiki noupfumi hwomumba yaTenzi noupfumi hwamambo nehwemachinda ake akakukucha zvose izvozvi akaenda nazvo kuBhabhironi. 19Vakapisa imba yaTenzi vakapazira pasi rusvingo rweJerusaremu vakapisa mizinda chaiyo yose yedzimba vachiparadza midziyo yose yakakosha yaivamo. 20Akatapa vakanga vapunyuka mapakatwa vakabva vava varanda kwaari iye navanakomana vake kusvikira pakazomirawo umambo hwokuPezhiya. 21Nyika yakambofara kuwana maSabata okutombozororawo zvayo nguva yose iyoyo yamakanga munyika makati hwa musina munhu kusvikira makore makumi manomwe akwana kuzadzikisa shoko raTenzi rakataurwa nomuromo waJeremiya.
Chirevo chaKoreshi chokudzosa vokwaJudha kunyika kwavo
(Ezira 1:1–4)
22Mugore rechiposhi rokutonga kwaKoreshi mambo wePezhiya, zvichizadzikisa shoko raTenzi raakataura nomuromo waJeremiya, Tenzi akapinza imwe pfungwa mumwoyo waKoreshi#36:22 Koreshi: Ndiyewo anonzi Sairosi. mambo wePezhiya zvokuti akatemera vanhu chirevo nyika dzose dzoumambo hwake; akaitawo zvokuchinyora chokuti,
23“Zvanzi naKoreshi mambo wePezhiya,
Tenzi, Mwari Wedenga
akandipa umambo hwenyika dzose dzapasi pano
akandipawo basa rokuti ndimuvakire imba
kuJerusaremu maJudha.
Ani naani pakati penyu anenge
ari wavanhu vake vose zvavo, Tenzi, Mwari wake
ngaave naye akwireko.”
Currently Selected:
2 Nhoroondo 36: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.