YouVersion Logo
Search Icon

2 Nhoroondo 34

34
D: JOSIYA ANOVANDUDZA ZVOKUNAMATA
Josiya mambo wokwaJudha
(2 Madzi 22:1–2)
1Josiya akanga ava namakore masere paakatangisa kutonga. Akatonga kwamakore makumi matatu ane gore rimwechete ari muJerusaremu. 2Akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi akatevedza makwara atateguru wake Dhavhidhi. Haana kutsaukira uku kana uku.
Josiya anorambidza kunamata vamwari vasirivo
3Zvaakatoita ndezvokuti mugore rake rechisere rokutonga, izvozvo akanga achiri mukomana, akatanga kutsvaka Mwari watateguru wake Dhavhidhi. Mugore regumi nechipiri racho akavamba kuchenura nyika yokwaJudha neJerusaremu achibvisa nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira nezvifananidzo zvokunamata, zviAshera nezvifananidzo zvokunamata zvokuumba noutare nezvokuveza. 4Vakapunza atari dzavanaBhaari iye aripo, akatemera pasi atari dzorusenzi dzaiva pamusoro padzo. Akapwanya-pwanya zvifananidzo zvokunamata, zviAshera nezvifananidzo zvokuumba noutare nezvokuveza. Akazvikuya-kuya akazvimwaya pamakuva evakanga vachipira zvibayiro kwazviri. 5Akapisawo mapfupa avapristi vacho paatari dzazvo akachenura nazvo Judha neJerusaremu, 6nokumaguta okwaManase nokwaEfuremu nokwaSimeoni kusvikira kwaNafutari kumatongo kwavo nharaunda yose. 7Akapunza atari dzacho akapwanya-pwanya zvifananidzo zvokunamata zviAshera nezvimwe zvifananidzo zvokunamata achizvikuya-kuya, akatemera pasi atari dzorusenzi munyika yose yokwaIsiraeri, ndokubva adzokera kuJerusaremu.
Kuwanika kwakaitwa bhuku romutemo
(2 Madzi 22:3–20)
8Kuzoti mava zvino mugore regumi nechisere rokutonga kwaJosiya, mushure mokunge achenura nyika nemba yaMwari, akatuma Shafani mwanakomana waAzariya naMaaseya mutongi weguta iroro nomunyori Joa mwanakomana waJehoahazi kundogadzira imba yaTenzi, Mwari wake. 9Vakaenda kumupristi mukuru, Hirikiya vakandoturira mari yakanga yaunzwa mumba yaMwari yakanga yaunganidzwa navaRevhi vachengetedzi vokumusuo vaye ichibva kwaManase nokwaEfuremu uye nokune chitsama chevokwaIsiraeri vakanga vasara neyaibvawo kwaJudha kwose nokwaBhenjamini nomuvagari veJerusaremu. 10Vakaipa kuvashandi vaiona nezvebasa remba yaTenzi. Vashandi ava vaiona nezvebasa remba yaTenzi vakaishandisa kugadzira imba iyoyi vachiita kuti ive sezvayaiva. 11Vakaipa kuvavezi nokuvavaki kuti vatenge nayo matombo akakwakwanurwa namapango edenga emharuparu neokuwarika edzimba dzakaregererwa namadzimambo okwaJudha dzichiparara zvadzo. 12Varume ivavo vakaita basa ravo nomwoyo wose. Vaitungamirirwa naJahati naObhadhiya, vaRevhi, vanakomana vokwaMerari, uye naZekariya naMeshuramu vanakomanawo vokwaKohati varivo vokuvatarira. VaRevhi, vose vakanga vari nyanzvi chaidzo dzokuridza zvokuimbisa mumhanzi 13ndivo vaitarisa vokutakura zvinhu vachitungamira vanhu mumabasa ose akasiyana-siyana. Vamwe vaRevhi vaiva vanyori, vamwe vari vakuru vakuru, vamwewo vari vachengetedzi vepamisuo mikuru.
14Pavakanga vachiburitsa mari yakanga yaunzwa mumba yaTenzi, mupristi Hirikiya akawana bhuku romutemo waTenzi wakapiwa nokuna Mosesi. 15Hirikiya akati kuna samunyori Shafani, “Ndawana bhuku romutemo mumba yaTenzi!” Hirikiya akapa bhuku iroro kuna Shafani. 16Shafani akaenda nebhuku racho kuna mambo akataura achiti, “Zvamakati zviitwe navaranda venyu zvaitwa. 17Vakadurura mari yaiva mumba yaTenzi vakaiisa mumaoko avanhu vanoona nezvebasa nomumaoko evashandi.”
18Munyori mukuru Shafani akataurira mambo achiti, “Vamupristi Hirikiya andipa bhuku.” Shafani akariverenga pana mambo.
19Mambo paakanzwa zvakanga zvakanyorwa mumutemo akabvarura hanzu dzake neshungu. 20Mambo akaudza Hirikiya naAhikamu mwanakomana waShafani naAbhudhoni mwanakomana waMika nasamunyori Shafani naAsaya gurukota ramambo kuti, 21“Endai mundondibvunzirawo kuna Tenzi ini navanhu navakasara maIsiraeri nemaJudha vose nezvakanyorwa mubhuku iri rakawanikwa, nokuti kutivirukira nehasha kwakaita Tenzi kukuru kwazvo, pari pamusana pokuti madzibaba edu haana kuchengeta shoko raTenzi kuti vaite maererano nezvose zvakanyorwa mubhuku irori.”
22Naizvozvo Hirikiya navakanga vatumwa namambo vakaenda kumuporofita Huridha, mudzimai waSharumu mwanakomana waTokihati mwanakomana waHasira, muchengeti wezvipfeko (akanga ava kugara kurutivi rutsva rweguta reJerusaremu), vakataura naye izvozvo. 23Akati kwavari, “Zvanzi naTenzi, Mwari waIsiraeri, udza munhu akutumirai kwandiri kuti, 24zvanzi naTenzi, ‘Chinzwai, ndichaunza nyatwa panzvimbo ino napavanhu vayo, majambwa ose akanyorwa mubhuku rakaverengerwa mambo wokwaJudha. 25Pamusana pokuti vakandifuratira vakapisira vamwe vamwari rusenzi, vachida kundishatirisa nezvose zvavakaita namaoko avo. Naizvozvo ndichavirukira nzvimbo ino nehasha dzangu dzisingazopodzwi. 26Asi panyaya yamambo wokwaJudha akutumai kuzobvunza kuna Tenzi, muti kwaari zvanzi naTenzi, Mwari waIsiraeri pane zvawanzwa izvo, 27pamusana pokuti wakapfidza mumwoyo mako ukazvirerekawo pana Mwari, pawakanzwa shoko raakataura rakanangana nenzvimbo ino nokuvagari vayo, ukabva wazvirereka kwandiri, ukabvarura hanzu dzako neshungu ukachema pandiri, Tenzi anotiwo, chichemo chako ndakachinzwa. 28Chinzwa unzwe, ndichakuendesa kwakaenda vamwe kumadzitateguru ako, uchapinda muguva mako norugare, uye zvakaipa zvandichaita kunzvimbo ino nevagari vemo iwe namaziso ako hauchazozvioni.’ ” Vakandosvitsa shoko iroro kuna mambo.
Mambo Josiya akatsidza kuteerera Tenzi
(2 Madzi 23:1–20)
29Mambo akatuma shoko, vakuru vakuru vose vokwaJudha neveJerusaremu vakaungana kwaari. 30Mambo akakwira kumba yaTenzi navanhu vose vokwaJudha, navagari vose veJerusaremu navapristi navaRevhi navanhu vose vaduku navakuru. Akavaverengera vachinzwa mashoko aiva mubhuku rechitenderano rakanga rawanikwa muimba yaTenzi. 31Mambo akamira panzvimbo pake akaitazve chitenderano naTenzi chokumutevera nokuchengeta mitemo yake, nezvirevo zvake nemirao yake nemwoyo wake wose nemweya wake wose kuchengeta zvisungo zvechitenderano ichochi zvakanga zvakanyorwa mubhuku irori. 32Akaita kuti vose vaiva muJerusaremu nokwaBhenjamini vazvisungewo nacho. Vagari vomuJerusaremu vakachengeta nomo chitenderano chaMwari, Mwari wamadzibaba avo. 33Josiya akabvisa mumatunhu ose avanhu veIsiraeri zvose zvisingadiwi naMwari akaita kuti vose vaiva muIsiraeri vanamate Tenzi, Mwari wavo. Mumazuvawo ose oupenyu hwake, havana kutsauka pakutevera Tenzi, Mwari wamadzibaba avo.

Currently Selected:

2 Nhoroondo 34: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in