YouVersion Logo
Search Icon

2 Nhoroondo 15

15
Kugadziridza kwamambo Asa mamiriro ezvinhu
1Mweya waMwari wakauya pana Azariya mwanakomana waOdhedhi. 2Akaenda kundosangana naAsa akati kwaari, “Iwe Asa nemi mose vokwaJudha novokwaBhenjamini imbonditeereraiwo munzwe, Tenzi anemi kana imi muinaye. Mukamutsvaka manomuwana. Asi imi mukamufuratira, anokufuratiraiwo. 3Kwakamboitika nguva ndefu Isiraeri isina Mwari wechokwadi isina mupristi wokuvadzidzisa isinawo mutemo. 4Asi pavakanga vava munhamo yavo vakatendeukira kuna Tenzi, Mwari weIsiraeri vomutsvaka zvino, vakamuwana. 5Mumazuva iwayo kwakanga kusina rugare zvokuti kufamba chaiko kwakanga kwava nenjodzi nokuti pakava namanyongori asingatauriki muvanhu vose venyika idzodzi. 6Umharadzi hwakanga hwapinda, rudzi rwakamukirana norudzi, guta richimukirana nerimwe guta pamusana pokuti Mwari aivapinza mumhando nemhando dzenhamo. 7Asi imi tsungai mwoyo musaregedzere maoko nokuti pabasa renyu iroro, muchapiwa mubayiro.”
8Asa paakanzwa mashoko iwaya okuporofita kwomuporofita wokwaOdhedhi, akatsunga mwoyo akabva abvisa zvifananidzo zvokunamata zvisingadiwi naMwari munyika yose yokwaJudha nokwaBhenjamini nokumaguta aakanga akurira kunyika yokwaEfuremu yamakomo. Akagadzira atari yaTenzi iya yaiva pamberi pekamba kepamusuo wemba yaTenzi. 9Akaunganidza vose vokwaJudha nevokwaBhenjamini nevokwaEfuremu nevokwaManase nevokwaSimeoni vakanga vava kugara kwake nokuti vanhu vazhinji vakatizira kwaari vachibva kwaIsiraeri paya pavakaona kuti Tenzi, Mwari wake anaye. 10Vakaunganidzwa muJerusaremu mumwedzi wechitatu wegore regumi nechishanu rokutonga kwaAsa. 11Vakapira zvibayiro kuna Tenzi musi iwoyo zvavakatora pazvinhu zvokupamba zvavakanga vauya nazvo zvamazana manomwe emombe nezviuru zvinomwe zvehwai. 12Vakaita chibvumirano chokutsvaka Tenzi, Mwari wamadzibaba avo nomwoyo wavo wose nomweya wavo wose 13uye kuti: kuwana asingatsvake Tenzi, Mwari weIsiraeri anofanira kuurayiwa angave mukuru kana mudiki murume kana mukadzi. 14Vakatsidza nemhiko kuna Tenzi, Mwari weIsiraeri nezwi riri pamusoro vachiita zvokudaidzira, uye nebhosvo nehwamanda. 15VokwaJudha vose vakafarira mhiko iyi nokuti vakanga vatsidza nomwoyo wavo wose vamutsvaka nomwoyo unoda akawanikwa. Tenzi ndokubvawo avapa runyararo kumativi ose.
16Kunyange ambuya vake Maaka, mambo Asa akavabvisa pachigaro chavo chouhosi hwokwamambo nokuti vakanga vagadzira chifananidzo chokunamata chokumiririra Ashera chisingambodiwa zvacho naMwari. Asa akatemera pasi chifananidzo chavo ichocho akachityora-tyora akachipisira kukakova keKidhironi. 17Asi nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira hadzina kubviswa muIsiraeri. Zvakadaro zvazvo, Asa uyu aiva munhu ane mwoyo wakarurama mazuva ohupenyu hwake hwose. 18Akaunza mumba yaMwari zvipo zvakanga zvatsidzwa nababa vake kupa kuna Mwari nezvipowo zvake zvaakanga atsidza kupa kuna Mwari zvesirivha nendarama nemidziyo. 19Zvehondo zvakamboti zii kudzamara gore ramakumi matatu nechishanu rokutonga kwaAsa.

Currently Selected:

2 Nhoroondo 15: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in