2 Nhoroondo 16
16
Kunetsana kwakamboita vokwaJudha nevokwaIsiraeri
(1 Madzi 15:17–22)
1Mugore ramakumi matatu nechitanhatu rokutonga kwaAsa, mambo wokwaIsiraeri akandorwisa kwaJudha akavakirira guta reRhama kuitira kuti awane marambidziro vanhu kubva kwaAsa mambo wokwaJudha kana kuendako. 2Asa akatora sirivha nendarama upfumi hwepamba yaTenzi nehwemuzinda wamambo akazvitumira kuna Bhenihadhadhi mambo weSiria aigara muDhamasikusi 3achiti, “Ngatiitei chibvumirano, imi neni, sezvakanga zvakaita baba venyu nababa vangu. Onai ndakutumirai sirivha nendarama iyo, imi moendawo muparadze chibvumirano chenyu naBhaasha mambo wokwaIsiraeri kuitira kuti kwangu kuno uku abve.”
4Bhenihadhadhi akabvumirana namambo Asa akabva atumira vakuru vakuru vehondo yake kundorwisa maguta okwaIsiraeri. Vakakurira Iyoni neDhani neAberomaimu nemaguta ose ematura okwaNafutari. 5Bhaasha paakazvinzwa akabva arega kuvakirira Rhama akabva amisa basa rake. 6Mambo Asa akatora vokwaJudha vose akandotakura mabwe okuRama namapango acho ainge achivakiswa. Akandovakirira nazvo Gebha neMizipa.
Kutsiura mambo Asa kwakaitwa nomuporofita Hanani
7Panguva iyoyo, muoni Hanani akasvika kuna Asa mambo wokwaJudha akati kwaari, “Pamusana pokuti iwe wakavimbaka iwe namambo weSiria ukarega kuvimba naTenzi, Mwari wako, hondo yamambo weSiria yakupunyuka mumaoko. 8Ko vaItiopia nevaRibhiya vakanga vasiri hondo huru kwazvo here vaine zararira chairo rengoro dzehondo dzemadzibaba nevachairi vadzo? Asi pamusana pokuti makavimba naTenzi, iye akavaisa mumaoko menyu. 9Chiripo ndechokuti ziso raTenzi rinotarisa kwose kwose pasi pano kuti asimbise nokunyaradza vasina chinovarovesa hama pana iye Tenzi. Zvamaita ipapa apa ndezvoupenzi nokuti kubvira nhasi, hondo hadzichazokubvai.” 10Asa akashatirirwa muoni uyu akamupfigira mujeri nokuti akanga amuvirukira nehasha pamusana paizvozvi. Panguva imwecheteyo Asa akabata vamwe vanhu noutsinye.
Rufu rwamambo Asa
(1 Madzi 15:23–24)
11Inga dzimwe nyaya dzezvaAsa kubvira pakutanga kusvika pakupedzesera, dzakanyorwa wani muBhuku ramadzimambo okwaJudha neokwaIsiraeri. 12Mugore ramakumi matatu nechipfumbamwe Asa akaita chirwere chomutsoka, urwere hwake hwakazonyanyisa kwazvo. Kunyange nomuurwere hwake ihohu haana kutsvaka Tenzi, asi kuti akandotsvaka rubatsiro kun'anga. 13Asa akazovata oendawo kwakaenda vamwe madzitateguru ake akafa mugore ramakumi mana nechiposhi rokutonga kwake. 14Vakamuviga muguva rake raakazvicherera padombo muguta raDhavhidhi. Vakamuradzika pane chokurara chakanga chakazadzwa mhando nemhando dzetunonhuwirira twakagadzirwa nenyanzvi dzokugadzira mafuta okuzora. Vakaita zimoto guru kwazvo vachimuremekedza.
Currently Selected:
2 Nhoroondo 16: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.