2 Nhoroondo 14
14
C: KUGADZIRIDZA KWAKAITA ASA MANAMATIRO ANOFANIRA KUITWA
Kukurira kwakaita Mambo Asa vanhu vokuEtiopia
1Saizvozvo Abhiya akazovata oendawo kwakaenda vamwe madzitateguru ake. Mwanakomana wake Asa ndiye akazotonga panzvimbo pake. Mumazuva ake nyika yakava norunyararo kwegumi ramakore. 2Asa akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi, Mwari wake. 3Akabvisa zveatari dzisiridzo nenzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira akapwanya zvifananidzo zvokunamata, zvemabwe akatema-tema zvifananidzo zvokunamata zviAshera. 4Akaudza vokwaJudha kuti vachitsvaka Tenzi, Mwari wamadzibaba avo nokuchengeta mutemo nomurao. 5Akabvisawo mumaguta ose okwaJudha nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira. Mumaoko ake, nyika yakaita runyararo. 6Akavaka maguta etsvingo okwaJudha nokuti nyika yaiva murunyararo. Hakuna kumboitika hondo kwaari mumakore iwaya nokuti Tenzi akamupa zororo. 7Akati kune vokwaJudha, “Ngativakiridzei maguta aya tiapoteredze netsvingo nenharire nemisuo mikuru nezvihuri. Nyika iyi ichiri yedu pamusana pokuti takatsvaka Tenzi, Mwari wedu. Takamutsvaka akabva atipa runyararo kumativi kwose.” Naizvozvo vakavaka, vakabudirira. 8Asa uyu aiva nezviuru mazana matatu zvavarwi vaiva nezvombo zvehondo, namapfumo nenhoo, navarwi zviuru mazana maviri namakumi masere vokwaBhenjamini vari vokutakura nhoo nokupfura nemiseve. Vose ivava vaiva mvumba chaidzo dzamagamba okurwa hondo.
Hondo yaZera yokurwisa Asa mambo wokwaJudha
9Mumwe muEtiopia ainzi Zera akauya kuzovarwisa aine varwi vehondo zviuru zvinokwana chiuru chaicho, nengoro dzehondo mazana matatu akasvika kuMaresha ikoko. 10Asa akamubudira vakaronga hondo dzavo kuti vachirwa mubani rokwaZefata kuMaresha. 11Asa akachema kuna Tenzi, Mwari wake achiti,
“Tenzi we-e!
Hakuna akaita semi angabatsire
panenge pasangana vane simba
navasina simba kudai.
Tibatsireiwo Tenzi,
Mwari wedu nokuti tinovimba nemi.
Tauya kuzorwisa gurusvusvu ravanhu
iri muzita renyu.
Imi Tenzi ndimi Mwari wedu.
Regai kuti munhu akukurirei.”
12Naizvozvo Tenzi akapa kuti vaEtiopia vakundwe naAsa nevokwaJudha. VaEtiopia vakati ware kutiza. 13Asa navanhu vaaiva navo akadzingirirana navo kusvikira kuGerari. VaEtiopia vakaita murakatira kufa pakasara pasisina mupenyu. VaEtiopia vakaitiswa chimwanda-mwanda naTenzi nehondo yake. VokwaJudha vakakukucha zvinhu zvizhinji zvokupamba. 14Vakarasha maguta ose emudunhu reGerari nokuti kutya Tenzi kwakanga kwavabata. Vakapamba zvinhu mumaguta ose iwayo. Zvokupamba zvakanga zvakawanda imomo.
15Vakaparadzawo matendhe avafudzi vemombe. Vakatakura matanga namatanga ehwai, nenghamera, ndokudzokera Jerusaremu.
Currently Selected:
2 Nhoroondo 14: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.