2 Nhoroondo 13
13
B: ABHIYA NOKUTENDEKA KWAKE KUVAPRISTI VECHOKWADI
Hondo yakarwiwa pakati pamambo Abhiya naJerobhoamu
(1 Madzi 15:1–8)
1Mugore regumi nechisere rokutonga kwaMambo Jerobhoamu, Abhiya akava mambo wokwaJudha. 2Akatonga kwamakore matatu ari muJerusaremu. Amai vake vainzi Mikaya mwana waUrieri vokuGibheya.
Paiva nehondo pakati paAbhiya naJerobhoamu. 3Abhiya akaenda kundorwa aina magamba chaiwo okurwa hondo namazana mana ezviuru zveshasha chaidzo dzokurwa hondo. Jerobhoamu akaronga varwi vake kuti achirwa naye, vaive vari mazana masere ezviuru zvamagamba chaiwo eshasha dzokurwa hondo.
4Abhiya akamira pamusoro pegomo reZemaraimu riri munyika yokwaEfuremu yamakomo, akadaidzira achiti, “Iwe Jerobhoamu nemi vaIsiraeri mose chimbonditeererai munzwe!” 5“Hamuzive here kuti Tenzi, Mwari weIsiraeri akapa narini wose umambo hwokwaIsiraeri kuna Dhavhidhi nokuvanakomana vokwake achizviita nepfirapo yechitenderano chomunyu?
6“Kunyange zvakadaro gurukota raSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, Jerobhoamu mwanakomana waNebhati akasimuka akapandukira tenzi wake. 7Mamwewo madzenga avanhu vasina maturo vakaunganidzana kwaari, vakazvidza Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni, izvozvo akanga achiri mudiki asina chivindi haana kugona kumirisana navo. 8Zvino ndopamungatiwo mumirisane nenyika yaTenzi yaarikutonga navanakomana vokwaDhavhidhi muchivimba nokuwanda kwamakaita uku nezvimhuru zvendarama zvamunazvo zvamakagadzirirwa naJerobhoamu kuti zvive vamwari venyu here. 9Hamuna here imi kudzinga vapristi vaTenzi, vanakomana vokwaAroni navaRevhi, mukazviitira vapristi sezvinongoitawo mamwe marudzi edzimwe nyika? Anoti nomunhu wose anenge angouyawo zvake nehandira ichiri duku kana nehondohwe nomwe ndizvozvo obva anzi atova mupristi wezvinhu zvisiri Mwari. 10Asi kwatiri isu, Tenzi ndiye Mwari wedu, uye hatina kumufuratira. Tine vapristi vanoshandira Tenzi, vari vanakomana vokwaAroni navaRevhi pabasa ravo irori. 11Mangwanani oga oga namanheru oga oga, vanopira kuna Tenzi mipiro yokupisa norusenzi runonhuwirira vachironga chingwa chepana Mwari patebhuru yendarama yakachenurwa, vanoonawo nezvechigadzikiro chemwenje chendarama kuti marambi acho avheneke manheru oga oga nokuti isu tinochengeta zvakanzi naTenzi, Mwari wedu zviitwe, asi imi makamuramba. 12Chinzwai, Mwari anesu, ndiye ari kutungamirira, uye vapristi vake nemabhosvo engondo okurudzira kuti tichikurwisai. VaIsiraeri we-e regai kurwisa Tenzi, Mwari wemadzibaba enyu nokuti hamumbozvikwanisa.”
Hondo pakati paJerobhoamu naAbhiya
13Izvozvo Jerobhoamu akanga atotumira vokundovahwandira necheseri. Nokudaro vokwaJudha vakanga voti mberi vatarisana nehondo, shure kune vokuvahwandira vaye. 14VokwaJudha vakati cheu, onei kwachiti hondo mberi, nehondo shure. 15Vakachema kuna Tenzi, vapristi vakaridza mabhosvo. Kuvarwi vokwaJudha ngondo ikati yarira. Varwi vokwaJudha pavakaridza ngondo kudaro, Mwari akakurira Jerobhoamu nevokwaIsiraeri vose, Abhiya novokwaJudha vachiona. 16Varwi vokwaIsiraeri vakati ware kutiza vokwaJudha. Mwari ndokuvaisa mumaoko avo. 17Abhiya navarwi vakavaita murakatira kuuraya, kukafiwa nevokwaIsiraeri mazana mashanu ezviuru zveshasha chaidzo dzokurwa hondo. 18Saizvozvo vokwaIsiraeri vakakurirwa. Panguva iyoyo vokwaJudha vakakunda nokuti vakavimba naTenzi, Mwari wamadzibaba avo.
19Abhiya akaronda Jerobhoamu akamutorera maguta aya anoti Bhetieri nemisha yaro, neJeshama nemisha yaro neEfuroni nemisha yaro. 20Jerobhoamu haana kuzovazve nesimba panguva yaAbhiya. Tenzi akazomurova akafa.
21Asi Abhiya akava nesimba, akaroora vakadzi gumi navana aivawo nevanakomana makumi maviri ana vaviri navanasikana gumi navatanhatu. 22Inga dzimwe nyaya dzezvaAbhiya namaitiro ake nezvaakataura zvakanyorwa wani muBhuku romuporofita Idho.
Currently Selected:
2 Nhoroondo 13: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.