YouVersion Logo
Search Icon

2 Nhoroondo 12

12
Kuvingwa kwakaitwa vokwaJudha nehondo yeIjipiti
(1 Madzi 14:25–28)
1Umambo hwaRehobhoamu hwakati zvino hwasimba hwanyatsodzika midzi akakanda pasi zvomutemo waTenzi pamwechete neIsiraeri yose. 2Mugore rechishanu rokutonga kwamambo Rehobhoamu pamusana pokuti vakanga vasina kutendeseka kuna Tenzi, Shishaki mambo weIjipiti akauya kuzorwisa Jerusaremu 3aine ngoro dzehondo dzamabhiza chiuru chimwechete chine mazana maviri navachairi vadzo zviuru makumi matanhatu. Varwi vaakauya navo vakanga vasingaverengeki vaakabva navo kuIjipiti vaiti vaRibhiya navaSuki navaEtiopia. 4Akakurira maguta etsvingo okwaJudha ndokuenda akananga kuJerusaremu.
5Zvino muporofita Shemaya akasvika paiva pakaunganidzana Rehobhoamu navatungamiriri vokwaJudha vakanga vari muJerusaremu pamusana paShishaki, akati kwavari, “Zvanzi naTenzi, ‘Imi makandiramwaka imi! Zvino iniwo ndakuramwirai mumaoko aShishaki.’ ”
6Vatungamiriri veIsiraeri namambo vakazvirereka vakati, “Mwari ndiye mururami.”
7Tenzi paakaona kuti vazvirereka shoko raTenzi rakauya kuna Shemaya richiti, “Zvavazvirereka kudai ini handichavaparadza ndichavanunura. Zvokunge ndichashandisa Shishaki kuratidza kuvirukira kwangu Jerusaremu nehasha, handichaita. 8Asi zvokuva varanda vake, vachava varanda vake vagoona kusiyana kwakaita kushandireni nokushandira madzimambo edzinyika.”
9Ipapo Shishaki mambo weIjipiti akasvikorwisa Jerusaremu akapamba upfumi hwepamba yaTenzi noupfumi hwomumuzinda wamambo, akakukucha zvose. Akapambawo nhoo dzendarama dzakanga dzagadzirwa naSoromoni. 10Mambo Rehobhoamu akagadzira nhoo dzendarira panzvimbo yadzo. Akadziisa mumaoko avakuru vakuru vaichengetedza pamusuo womuzinda wamambo. 11Nguva dzose dzaipinda mambo mumba yaTenzi vokuchengetedza ava vaiuya vodzibatira mumaoko vozodzidzosera zvavo mumba yevokuchengetedza. 12Paakazvininipisa Tenzi akarega kumuvirukira nehasha; saizvozvo, haana kubva amuparadza. Naichowo chiri chokwadi kuti maJudha zvinhu zvakanga zvakanaka.
Nyaya yokuuya kwaRehobhoamu muchidimbudimbu
13Mambo Rehobhoamu akadzika midzi muJerusaremu akatonga. Rehobhoamu akanga ava namakore makumi mana nerimwechete paakatanga kutonga. Akatonga kwamakore gumi nemanomwe ari muJerusaremu, guta rakasarudzwa naTenzi pamadzinza ose kuti aisepo zita rake. Zita raamai vake ndiNaama, muAmoni. 14Akaita zvakaipa nokuti haana kutsvaka Tenzi nomwoyo wose.
15Inga dzimwe nyaya dzezvaRehobhoamu kubvira pakutanga kusvika pokupedzisira dzakanyorwa muBhuku reNhoroondo dzomuporofita Shemaya nomuoni Idho. Hondo yakaramba ichingovapo pakati paRehobhoamu naJerobhoamu.
16Rehobhoamu akazovata oendawo kwakaenda vamwe, madzitateguru ake, akavigwa muguta raDhavhidhi. Mwanakomana wake Abhiya ndiye akazotonga panzvimbo pake.

Currently Selected:

2 Nhoroondo 12: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in