2 Nhoroondo 11
11
Kudzivisa hondo kwakaita muporofita Shemaya
(1 Madzi 12:21–24)
1Rehobhoamu paakasvika kuJerusaremu, akaunganidza vemba yokwaJudha nevokwaBhenjamini zana namakumi masere ezviuru zveshasha chaidzo dzokurwa hondo kundorwisa vokwaIsiraeri kuitira kuti vadzorere nyika kuna Rehobhoamu. 2Asi shoko raTenzi rakauya kuna Shemaya munhu waMwari, 3rikati, “Iti kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni mambo wokwaJudha nokuvaIsiraeri vose vari kwaJudha nokwaBhenjamini, 4zvanzi naTenzi, ‘Regai kuenda uye musarwisane nehama dzenyu. Munhu wose kumusha nokuti zvinhu izvi zvakabva kwandiri.’ ” Saizvozvo vakateerera zvakarehwa naTenzi ndokudzokera zvavo, vakarega kundorwisa Jerobhoamu.
Kusimbisa kwakaita Rehobhoamu maguta etsvingo
5Rehobhoamu aigara muJerusaremu. Akavakirira muJudhamo maguta okuzvidzivirira muhondo. 6Akavaka Bheterehemu neEtamu neTekoa 7neBhetizuri neSoko neAdhuramu 8neGati neMaresha neZifu 9neAdhoraimu neRakishi neAzeka 10neZora neAiyaroni neHebhuroni, maguta etsvingo ari kwaJudha nokwaBhenjamini. 11Akasimbisa tsvingo dzacho akaisamo vatungamiriri vehondo namatura ezvokudya namafuta newaini. 12Akaisawo nhoo namapfumo mumaguta ose iwayo akaasimbisa zvikuru kwazvo. Iwaya ndiwo makwanisiro aakaita kutonga kwaJudha nokwaBhenjamini.
Kuunganidzana kwevapristi nevaRevhi kwaJudha
13Vapristi nevaRevhi vaiva muIsiraeri yose zvayo vakaunganidzana kwaari kubva kumatunhu avo ose 14nokuti vaRevhi vakanga vatobva kumaruwa nokumisha yavo vatamira kwaJudha nokuJerusaremu pamusana pokuti Jerobhoamu navana vake vakomana vakavadzinga basa roupristi rokushandira Tenzi, 15akazvisarudzira vanhu kuti vave vapristi vomunzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira, vezvifananidzo zvembudzi zvokunamata nezvimhuru zvaakanga agadzira. 16Vamwewo vaiva nemwoyo wokutsvaka Tenzi, Mwari weIsiraeri vakavateverawo kubva kumadzinza ose eIsiraeri vakaenda kuJerusaremu kundopira zvibayiro kuna Tenzi, Mwari wamadzibaba avo. 17Vakasimbisa umambo hwokwaJudha kwemakore matatu vakatsigirana naRehobhoamu mwanakomana waSoromoni vakapedza makore matatu vachitevera gwara raDhavhidhi naSoromoni.
Mhuri yaRehobhoamu
18Rehobhoamu akaroora mukadzi ainzi Maharati aberekwa naJerimoti mwanakomana waDhavhidhi amai vake vari Abhihairi vaberekwa naEriabhu mwanakomana waJese. 19Iye akamuberekera vana vakomana ava vanoti: Jeushi naShemariya naZahamu. 20Mushure maiyeyu akaroorawo Maaka mwana waAbhusharomu iyewo akamuberekera Abhiya naAtai naZiza naSheromiti. 21Rehobhoamu aida Maaka mwanasikana waAbhusharomu kupinda vamwe vose vakadzi vake navarongo. (Akaroora vakadzi gumi navasere navarongo makumi matanhatu uye aiva navana vakomana makumi maviri navasere vana vasikana makumi matanhatu.) 22Rehobhoamu akapa Abhiya mwanakomana waMaaka ukuru hwokutonga vakoma nevanun'una vake achiitira kuti azomugadza umambo. 23Rehobhoamu akaita zvine ungwaru akagovanisa vamwe vanakomana vake mumatunhu okwaJudha neekwaBhenjamini mumaguta ose etsvingo achivawanisa zvokudya zvakawanda nokuvaroorera vakadzi vazhinji.
Currently Selected:
2 Nhoroondo 11: SCLBD
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.