YouVersion Logo
Search Icon

2 Nhoroondo 10

10
IV: KUPARARANA KWOUMAMBO HOKWAJUDHA NEHOKWAISIRAERI
A: KUUNGANA KWAKAITA VAREVHI KWAJUDHA
Kupandukira Jerobhoamu kwakaita madzinza okuchamhembe
(1 Madzi 12:1–20)
1Rehobhoamu akaenda kuShikemu kwakanga kwakaunganwa neIsiraeri yose kundomugadza umambo. 2Jerobhohamu mwanakomana waNebhati paakazvinzwa zvake achiri kuIjipiti sezvo akanga achiri kuIjipiti ikoko kwaakaenda atiza mambo Soromoni, 3vakamutumira nhume kundomudaidza. Jerobhoamu uyu nevokwaIsiraeri vose vakasvikopira nyaya yavo kuna Rehobhoamu vachiti, 4“Baba venyu vakatiremedza nejoko rinorema. Zvino dai mukatirerutsirawo basa rababa venyu rakaoma kudai nejoko ravo rinorema ravakaisa patiri tigokushandirai zvedu.”
5Iye akati, “Mozodzoka zvenyu kwandiri kwapera mazuva matatu.” Nokudaro vanhu ava vakaenda zvavo.
6Mambo Rehobhoamu akandobvunza mazano kune vechikuru chikuru vaimbova makurukota kuna Soromoni baba vake pavakanga vachiri vapenyu achiti, “Zano ramunondipa kuti ndipindure vanhu ava nderipi?”
7Ivo vakati kwaari, “Zvanhasi uno izvi kana mukabvuma zvenyu kuitira vanhu ava tsiye nyoro, mukavafadza mukataura navo zvakanaka naivowo vachava varanda kwamuri mazuva ose.”
8Asi iye akasiya zano raakapiwa nevechikuru chikuru ava akandobvunza mazano kune vechidiki vaakakura navo vakanga vava zvino makurukota ake. 9Akati kwavari, “Ko zano ramunondipa kuti ndipindure vanhu ava nderipi vakanditi, ‘Tirerutsireiwo joko rakaiswa nababa venyu patiri.’ ”
10Vechidiki vaakakura navo ava vakamuti, “Udzai vanhu ivavo vakakutii, ‘Baba venyu vakatiremedza nejoko rinorema dai mukachitirerutsirawo, kuti kasiyanwa kangu kakobvu pane chiuno chababa vangu.’ 11‘Zvino baba vangu vakakuremedzai nejoko rinorema, handiti! Ini ndichatoripamhidzira. Baba vangu vaikurovai neshamhu, handiti! Ini ndichakurovai netyava ine minzwa yerukato.’ ”
12Saizvozvo Jerobhoamu navanhu vose vakadzokera kuna Rehobhoamu pazuva retatu racho sokutaura kwakanga kwaita mambo kuti mugozodzoka kwandiri kwapera mazuva matatu. 13Mambo akavapindura nehasha achisiya zano revechikuru vaya. 14Akataura kwavari achitevera zano riya raakapiwa nevechidiki achiti, “Baba vangu vakakuremedzai nejoko rinorema, handiti! Ini ndichatoripamhidzira. Baba vangu vakakurovai neshamu, handiti! Ini ndichakurovai netyava ine minzwa yekananga.” 15Nokudaro mambo haana kunzwa chichemo chavanhu ivava nokuti maitikiro aya ezvinhu akanga auyiswa naMwari kuti Tenzi azadzikise shoko rake raakanga ataura nomuromo waAhiya wokuShiro kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati.
16VokwaIsiraeri vose pavakaona kuti mambo haana kunzwa chichemo chavo, vanhu vakapindura mambo vachiti,
“Isu muna Dhavhidhi, mugove wedu ndowei chaizvo?
Hatina isu nhaka mumwana waJese.
VokwaIsiraeri, munhu wose kumusha.
Iwe Dhavhidhi,
zvomumba mako wochizvionera.”
VakwaIsiraeri ndiye shapu kuenda kumusha. 17Asi vaIsiraeri vaigara mumaguta okwaJudha ndivo vaitongwa naRehobhoamu. 18Mambo Rehobhoamu akatuma Adhoramu mumwe mukuru mukuru wezvebasa rechibharo. Vanhu vokwaIsiraeri vakamutema namatombo akabva afa. Mambo Rehobhoamu ndopaakabva ati nokuchimbidza ngoro yake yehondo karakata ndiye kuJerusaremu ware kutiza. 19Saizvozvo vokwaIsiraeri vakapandukira imba yokwaDhavhidhi kusvikira pari nhasi.

Currently Selected:

2 Nhoroondo 10: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in