YouVersion Logo
Search Icon

Genesi 6

6
Kutadza kwavanhu nokurohwa kwavo nemvura
1Zvino vanhu vakati votanga kuwanda panyika, vachiberekerwa vanasikana, 2vanakomana vaMwari vakaona vakunda vavanhu kuti vakanaka, vakazvisarudzira pakati pavose vavakada kuva vakadzi vavo. 3Ipapo Jehovha akati, “Mweya wangu haungarambi uchigara mumunhu nokusingaperi, zvaari wenyamawo hake; naizvozvo mazuva ake achava makore ane zana namakumi maviri.” 4Panguva iyo kwakanga kuna vanhu varefu kwazvo panyika, napashurewo, kana vanakomana vaMwari vakapinda kuvanasikana vavanhu, ivo vakavaberekera vana. Ndivo vaiva vanhu vane simba vakare, vakanga vakakurumbira.
5Zvino Jehovha wakaona kuti kuipa kwavanhu kwakanga kuri kukuru panyika, nendangariro dzokufunga kwemwoyo yavo dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose. 6Jehovha akazvidemba pamusoro pokuita kwake vanhu panyika, akava neshungu pamwoyo pake. 7Jehovha akati, “Ndichaparadza vanhu vandakasika ndivabvise panyika vanhu, nemhuka, nezvinokambaira, neshiri dzedenga; nokuti ndinozvidemba kuti ndakazviita.” 8Asi Noa wakawana tsitsi pamberi paJehovha.
9Marudzi aNoa ndiwo: Noa wakanga ari munhu wakarurama, asina mhosva mumarudzi ake; Noa wakafamba naMwari. 10Noa akabereka vanakomana vatatu, vaiti: Shemu, naHamu, naJafeti. 11Nyika yakanga yakaora pamberi paMwari, nyika yakanga izere nokumanikidzana. 12Mwari akaona nyika kuti yakaora; nokuti vanhu vose vakanga vaodza mufambiro wavo panyika.
13Ipapo Mwari wakati kuna Noa, “Kupera kwavanhu vose kwasvika pamberi pangu; nokuti vakazadza nyika nokumanikidzana; tarira, ndichavauraya pamwechete nenyika. 14Uzviitire areka nomuti wegoferi; uite makamuri muareka, uinamire nechomukati nechokunze nenamo. 15Unofanira kuiita kudai: Kureba kweareka ngakuve makubhiti ana mazana matatu, nokufara kwayo makubhiti makumi mashanu, nokukwirira kwayo makubhiti makumi matatu. 16Usiye buri paareka; uripedze kana kwasara kubiti rimwe kubva kumusoro; nomusuo weareka uuise parutivi rwayo; uiite ine dzimba nhatu, mutsara wokutanga, nowechipiri, nowechitatu. 17Tarira, ini ndinouyisa panyika mvura zhinji, kuti iparadze zvipenyu zvose, zvinomweya woupenyu, pasi pedenga; zvose zviri panyika zvichafa. 18Asi ndichaita sungano yangu newe; unofanira kupinda muareka, iwe navanakomana vako, nomukadzi wako, navakadzi vavanakomana vako pamwechete newe. 19Napazvipenyu zvose zvenyama uise muareka zviviri zviviri zvamarudzi ose, kuti zvirarame pamwechete newe; ngazvive mukono nehadzi. 20Shiri namarudzi adzo, nezvipfuwo namarudzi azvo, nezvinokambaira pasi zvose namarudzi azvo, zvichauya kwauri zviviri zviviri zvamarudzi ose, kuti zviraramiswe. 21Iwe utore marudzi ose ezvokudya zvose zvinodyiwa, uzviunganidzire kwauri; kuti zvive zvokudya zvako nezvazvo.” 22Noa akaita saizvozvo; sezvaakarairwa naMwari, wakaita zvose saizvozvo.

Currently Selected:

Genesi 6: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in