YouVersion Logo
Search Icon

Genesi 5

5
Vana vaAdhamu kusvika kuna Noa
1Ndirori bhuku ramarudzi aAdhamu. Musi waakasika munhu, Mwari wakamuita nomufananidzo waMwari; 2wakavasika murume nomukadzi; akavaropafadza, akavatumidza zita rinonzi Munhu, musi wavakasikwa. 3Adhamu wakagara makore ane zana namakumi matatu, akabereka mwanakomana wakafanana naye, wakamutodza; akamutumidza zita rinonzi Seti. 4Mazuva aAdhamu shure kwokuberekwa kwaSeti akanga ari makore ana mazana masere; akabereka vanakomana navanasikana. 5Mazuva ose oupenyu hwaAdhamu akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe namakumi matatu, akafa.
6Seti wakagara makore ane zana namashanu, akabereka Enoshi; 7Seti akagara makore ana mazana masere namanomwe shure kwokuberekwa kwaEnoshi, akabereka vanakomana navanasikana; 8mazuva ose aSeti akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe negumi namaviri, akafa.
9Enoshi wakagara makore makumi mapfumbamwe, akabereka Kenani; 10shure kwokuberekwa kwaKenani Enoshi akagara makore ana mazana masere negumi namashanu; akabereka vanakomana navanasikana; 11mazuva ose aEnoshi akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe namashanu, akafa.
12Kenani wakagara makore makumi manomwe, akabereka Maharareri; 13shure kwokuberekwa kwaMaharareri Kenani wakagara makore ana mazana masere namakumi mana; akabereka vanakomana navanasikana. 14Mazuva ose aKenani akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe negumi, akafa.
15Maharareri wakagara makore makumi matanhatu namashanu, akabereka Jaredhi; 16shure kwokuberekwa kwaJaredhi, Maharareri akagara makore ana mazana masere namakumi matatu, akabereka vanakomana navanasikana; 17mazuva ose aMaharareri akanga ari makore ana mazana masere namakumi mapfumbamwe namashanu, akafa.
18Jaredhi wakagara makore ane zana namakumi matanhatu namaviri, akabereka Enoki; 19shure kwokuberekwa kwaEnoki Jaredhi akagara makore ana mazana masere; akabereka vanakomana navanasikana; 20mazuva ose aJaredhi akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namaviri, akafa.
21Enoki wakagara makore makumi matanhatu namashanu, akabereka Metusera; 22shure kwokuberekwa kwaMetusera, Enoki wakafamba naMwari makore ana mazana matatu; akabereka vanakomana navanasikana. 23Mazuva ose aEnoki akanga ari makore ana mazana matatu namakumi matanhatu namashanu. 24Enoki akafamba naMwari, akasazovapo, nokuti Mwari wakamutora.
25Metusera wakagara makore ane zana namakumi masere namanomwe, akabereka Rameki; 26shure kwokuberekwa kwaRameki, Metusera akagara makore ana mazana manomwe namakumi masere namaviri; akabereka vanakomana navanasikana. 27Mazuva ose aMetusera akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namapfumbamwe, akafa.
28Rameki wakagara makore ane zana namakumi masere namaviri; akabereka mwanakomana; 29akamutumidza zita rinonzi Noa, achiti, “Uyu achativaraidza pabasa redu napakutambudzika kwamaoko edu, zvinobva panyika yakatukwa naJehovha.” 30Shure kwokuberekwa kwaNoa, Rameki akagara makore ana mazana mashanu namakumi mapfumbamwe namashanu; akabereka vanakomana navanasikana. 31Mazuva ose aRameki akanga ari makore ana mazana manomwe namakumi manomwe namanomwe, akafa.
32Noa wakanga ana makore ana mazana mashanu; Noa akabereka Shemu, naHamu, naJafeti.

Currently Selected:

Genesi 5: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy