YouVersion Logo
Search Icon

Genesi 4

4
Kaini naAbhero
1Zvino Adhamu wakaziva mukadzi wake Evha; iye ndokutora mimba, akapona Kaini, akati, “Ndawana munhu, ndichibatsirwa naJehovha.” 2Akazoponazve mun'una wake Abhero. Abhero wakanga ari mufudzi wamakwai, Kaini wakanga ari murimi wevhu. 3Zvino nguva yakati yapfuura, Kaini akauya nezvibereko zvevhu, chive chipo kuna Jehovha. 4NaAbherowo akauya namakwayana ake ematangwe akakorawo. Jehovha ndokugamuchira Abhero nechipiriso chake; 5asi Kaini nechipiriso chake haana kumugamuchira. Ipapo Kaini akatsamwa kwazvo, chiso chake chikaunyana. 6Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, “Watsamwireiko? Chiso chako chakaunyana nei? 7Kana ukaita zvakanaka, haungafari here pachiso chako? Kana usingaiti zvakanaka, zvivi zvinokuhwandira pamusuo; zvichakutsvaka, asi iwe unofanira kuzvikunda.”
8Zvino Kaini wakataurirana nomun'una wake Abhero; vakati vari kusango, Kaini ndokumukira Abhero mun'una wake, akamuuraya.
9Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, “Arikupiko Abhero, mun'una wako?” Iye akati, “Handizivi, ndini mufudzi womun'una wangu here?”
10Akati, “Waiteiko? Izwi reropa romun'una wako rinodaidzira kwandiri panyika. 11Zvino watukwa, wadzingwa panyika, iyo yakashamisa muromo wayo kugamuchira ropa romun'una wako paruoko rwako; 12kana uchirima ivhu, haringakupi simba raro; uchava mutizi nomudzungairi panyika.”
13Ipapo Kaini akati kuna Jehovha, “Kurohwa kwangu kukuru, handingakutakuri. 14Tarirai, mandidzinga nhasi panyika ino, ndichavanda pamberi penyu; ndichava mutizi nomudzungairi panyika; ani naani anondiwana achandiuraya.”
15Jehovha akati kwaari, “Naizvozvo ani naani anouraya Kaini achatsiviwa kanomwe.” Jehovha ndokuisira Kaini chiratidzo, kuti munhu anozomuwana arege kumuuraya.
16Ipapo Kaini wakabva pamberi paJehovha, akandogara panyika yeNodhi, kumabvazuva kweEdheni.
Vana vaKaini
17Kaini akaziva mukadzi wake, akatora mimba, akapona Enoki; akavaka guta, akatumidza guta zita romwanakomana wake Enoki. 18Enoki akaberekerwa Iradhi; Iradhi akabereka Mehujaeri; Mehujaeri akabereka Metushaeri; Metushaeri akabereka Rameki; 19Rameki akawana vakadzi vaviri, zita romumwe rainzi Adha, zita romumwe rainzi Zira. 20Adha akapona Jabhari; iye waiva baba vavanhu vanogara mumatende vane zvipfuwo. 21Zita romun'una wake raiva Jubhari; iye waiva baba vavose vanoridza mbira nenyere. 22Zira wakapona Tubharikaini, mupfuri wenhumbi dzose dzendarira nedare; hanzvadzi yaTubharikaini waiva Naama. 23Rameki akati kuvakadzi vake;
“Adha naZira, inzwai izwi rangu,
Imi vakadzi vaRameki,
teererai zvandinotaura;
Nokuti ndinouraya munhu unondikuvadza,
Nejaya rinondipwanya;
24Kana Kaini achitsiviwa kanomwe;
Zvirokwazvo Rameki kana makumi
manomwe nenomwe.”
25Adhamu akazivazve mukadzi wake, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Seti; nokuti wakati, “Mwari wandipa mumwe mwana pachigaro chaAbhero, zvaakaurawa naKaini.” 26NaSeti wakaberekerwa mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Enoshi. Nenguva iyo vanhu vakatanga kudana zita raJehovha.

Currently Selected:

Genesi 4: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy