YouVersion Logo
Search Icon

Genesi 7

7
Noa nemhuri yake vanopinda muareka
1Zvino Jehovha wakati kuna Noa, “Pindai muareka, iwe nemhuri yako yose; nokuti ndakuona iwe kuti wakarurama pamberi pangu parudzi urwu. 2Pamhuka dzose dzakanaka utore nomwe nomwe, mukono nehadzi yayo; napamhuka dzose dzisina kunaka utore mbiri mbiri, mukono nehadzi yayo; 3napashiri dzedenga utore nomwe nomwe, jongwe nemhambo, kuti uraramise marudzi ose ari panyika. 4Nokuti kwasara mazuva manomwe, ipapo ndichanaisa mvura panyika mazuva ana makumi mana nousiku hunamakumi mana; zvipenyu zvose zvandakaita ndichazviparadza panyika.” 5Noa akaita zvose sezvaakarairwa naJehovha.
6Noa wakanga ava namakore ana mazana matanhatu panguva yokuuya kwemvura zhinji panyika. 7Ipapo Noa wakapinda muareka, navanakomana vake, nomukadzi wake, navakadzi vavanakomana vake, nokuda kwemvura zhinji. 8Pamhuka dzakanaka, napamhuka dzisina kunaka, neshiri, nezvose zvinokambaira panyika, 9zvakapinda kuna Noa muareka zviviri zviviri, mukono nehadzi, Mwari sezvaakaraira Noa. 10Mazuva manomwe akati apfuura, mvura zhinji ikavapo panyika.
11Pagore ramazana matanhatu roupenyu hwaNoa, nomwedzi wechipiri, nezuva regumi namanomwe romwedzi, nezuva iroro matsime ose apakadzikadzika akadziurwa, namawindo edenga akazarurwa; 12mvura zhinji ikanaya panyika mazuva ana makumi mana nousiku hunamakumi mana. 13Nomusi iwoyo Noa wakapinda muareka, naShemu, naHamu, naJafeti, vanakomana vaNoa, nomukadzi waNoa, navakadzi vatatu vavanakomana vake pamwechete naye; 14ivo, nemhuka dzose namarudzi adzo, nezvipfuwo zvose namarudzi azvo, nezvinokambaira zvose zvinokambaira panyika namarudzi azvo, nezvinobhururuka zvose namarudzi azvo, neshiri dzose dzamarudzi ose. 15Zvakapinda kuna Noa muareka, zviviri zviviri zvezvipenyu zvose zvinomweya woupenyu. 16Zvose, zvakapinda, zvakapinda zvichiita mukono nehadzi, zvose zvipenyu, sezvaakarairwa naMwari, Jehovha akamuzaririra mukati.
17Mvura zhinji ikavapo panyika mazuva ana makumi mana; mvura ikawanda, ikasimudza areka, ikakwiridzirwa pamusoro penyika. 18Mvura ikakwirira, ikawanda kwazvo panyika, areka ikafamba pamusoro pemvura. 19Mvura ikakwirira kwazvo kwazvo panyika, makomo marefu ose pasi pedenga rose akafukidzwa. 20Mvura ikakwirira kusvikira pamakubhiti ane gumi namashanu pamusoro pawo; makomo akafukidzwa. 21Zvipenyu zvose zvaifamba panyika zvikafa, zvaiti, shiri, nezvipfuwo, nemhuka, nezvinokambaira, zvose zvaikambaira panyika, navanhu vose; 22zvinhu zvose zvakanga zviine kufema kwomweya woupenyu mumhino dzazvo, zvose zvakanga zviri pakaoma pasi, zvikafa. 23Zvipenyu zvose, zvakanga zviri pasi pose, zvikaparadzwa, zvaiti, vanhu, nezvipfuwo, nezvinokambaira, neshiri dzedenga; zvikaparadzwa panyika; Noa oga akasara, nezvakanga zviri muareka naye. 24Mvura ikaramba yakakwirira panyika mazuva ane zana namakumi mashanu.

Currently Selected:

Genesi 7: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in