Mapisarema 105
105
Jehova unorumbidzwa nokuɗa kweɀose ɀaakaitira Israeri.
1Ʋoŋgai Jehova, muɗane zita rake;
Ziʋisai ɀaakaita pakati pendudzi dzaʋanhu.
2Muimbirei, mumuimbire nziyo dzokukudza;
Rondedzerai maɓasa ake ose anoshamisa.
3Ɀirumbidzei muzita rake dɀene;
Mŋoyo yaʋanotȿaka Jehova ŋgaifare kwaɀo.
4Tȿakai Jehova nesimba rake;
Tȿakai ciso cake ŋguʋa dzose.
5Raŋgarirai maɓasa ake anoshamisa, aakaita;
Ɀishamiso ɀake, neɀaakatoŋga nomuromo wake;
6Imi ʋana ʋaAbrahama, muranda wake,
Imi ʋanakomana ʋaJakobo, ʋasanaŋgurwa ʋake.
7Ndiye Jehova Mŋari weɗu;
Ɀaakatoŋga ɀiri pasi pose.
8Wakaraŋgarira suŋgano yake nokusiŋgaperi,
Iro shoko raakaraira kumarudzi anecuru;
9 Iyo suŋgano yaakaita naAbrahama,
Nemhiko yake kunaIsaka.
10Akaɀisimbisira Jakobo, kuti uʋe mutemo,
KunaIsraeri kuti iʋe suŋgano isiŋgaperi;
11Aciti: Ndicakupa iwe nyika yeKanani,
Uʋe mugoʋe wenhaka yenyu;
12Paŋguʋa yaʋakaŋga ʋaciri ʋarume ʋashoma pakuʋereŋgwa,
Ɀirokwaɀo, ʋashoma kwaɀo, naʋatorwa mairi;
13Ʋakafamba‐famba ʋacibva kunorumŋe rudzi ʋacienda kunorumŋe,
Nokubva kunoʋumŋe ʋushe ʋacienda kunaʋamŋe ʋanhu.
14Haana‐kutendera munhu kuʋaitira ɀakaipa;
Ɀirokwaɀo, wakatuka madzimambo nokuɗa kwaʋo;
15 Aciti: Musagunɀa ʋazodzwa ʋaŋgu,
Naʋaprofita ʋaŋgu musaʋaitira cakaipa.
16Akadana nzara kuti iʋuye panyika;
Akavuna muɗonɀo wose weciŋgwa.
17Wakatuma murume pamberi paʋo;
Josefa wakateŋgeswa akaʋa muranda;
18Ʋakakuʋadza tsoka dzake neɀisuŋgo ɀesimbi,
Akasuŋgwa namaketani amatare;
19Kuȿikira paŋguʋa yakaitika shoko rake;
Shoko raJehova rakamuidza.
20Mambo wakatuma nhume akamusunuŋgura;
Muɓati wendudzi dzaʋanhu, akamuregedza.
21Wakamuita ishe weimba yake,
Nomuɓati wefuma yake yose;
22Kuti araire macinda ake nokuɗa kwake,
Nokudzidzisa ʋakuru ʋake ʋucenjeri.
23Israeri wakaȿika ʋo Egipita;
NaJakobo wakagara ari mutorwa panyika yaHamu.
24Akawanza ʋanhu ʋake kwaɀo,
Akaʋapa simba rakapfuʋura raʋadziʋisi ʋaʋo.
25Wakashandura mŋoyo yaʋo kuti ʋaʋeŋge ʋanhu ʋake,
Kuti ʋanyeŋgere ʋaranda ʋake.
26Wakatuma Mosesi muranda wake,
NaAroni waakaŋga asanaŋgura.
27Iʋo ʋakaratidza ɀiratidzo ɀake pakati paʋo,
Neɀishamiso panyika yaHamu.
28Wakatuma rima, akaiȿiɓisa;
Ʋakasamukira mashoko ake.
29Wakashandura mvura yaʋo yose, ikaita ropa,
Akaʋuraya hoʋe dzaʋo.
30Nyika yaʋo yakazara namataca,
Mudzimba dzamadzimambo aʋo.
31Wakataura, mapupira enhunzi akaȿika,
Nenda panyika yaʋo yose.
32Wakaʋapa cimvuramabge panɀimbo yemvura,
Ʋuye mŋoto wakapfuta munyika yaʋo.
33Wakaroʋa ʋo mizambiriŋga yaʋo nemiʋonde yaʋo;
Akavuna‐vuna ʋo miti yenyika yaʋo.
34Wakataura, mhashu dzikaȿika,
Namagwatakwata asiŋgagoni kuʋereŋgwa.
35Ɀikapedza miriʋo yose munyika yaʋo,
Nokupedza ɀiɓereko ɀevu raʋo.
36Akaroʋa ʋo mataŋgwe ose munyika yaʋo,
Iʋo ʋokutaŋga ʋesimba raʋo rose.
37Akaʋaɓuɗisa ʋanesirveri nendarama;
Kwakaŋga kusina‐nomumŋe pakati pamarudzi aʋo wakashaiwa simba.
38 Nyika yeEgipita yakafara pakubva kwaʋo,
Nokuti ʋakaŋga ʋaɓatwa nokutya nokuɗa kwaʋo.
39Wakatatanura gore rikaʋa cifukidzo;
Nomŋoto kuzovenekera ʋusiku.
40Ʋakakumbira, akaʋuyisa ɀihuta,
Akaʋagutisa neciŋgwa cakabva kuɗeŋga.
41Wakazarura ɗombo, mvura zhinji ikadzutuka;
Ikayerera pakaŋga pakawoma sorwizi.
42Nokuti wakaraŋgarira shoko rake dɀene,
NaAbrahama muranda wake.
43Akaɓuɗisa ʋanhu ʋake nomufaro,
Naʋasanaŋgurwa ʋake ʋaciimba.
44Akaʋapa nyika dzaʋahedeni;
Ʋakaɀitorera ɀakaŋga ɀaɓatwa nendudzi dzaʋanhu;
45Kuti ʋaceŋgete ɀaakatema,
Nokuterera mirairo yake.
Hareruya.#105:45 Kudzai Jehova.
Currently Selected:
Mapisarema 105: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018