Mapisarema 104
104
Ʋukuru bgaJehova paɀose ɀaakasika.
1Rumbidza Jehova, mŋeya waŋgu!
Jehova Mŋari waŋgu, muri mukuru kwaɀo;
Makafukidzwa nokukudzwa noʋumambo.
2Imi munoɀifukidza neciedza secisimiro;
Munotatamura kuɗeŋga‐ɗeŋga somuceka wetente;
3Ndiye unoteya matanda edzimba dzake mumvura;
Unoita makore ŋgoro yake;
Unofamba pamsoro pamapapiro emhepo;
4Unoita mhepo nhume dzake;
Nomŋoto, unopfuta, ʋashumiri ʋake;
5Wakateya nheyo dzapasi;
Kuti parege kuzunuŋguswa nokusiŋgaperi,
6Makapafukidza nemvura yakadzika secisimiro;
Mvura zhinji yakamira pamsoro pamakomo,
7Makati mucituka ikatiza;
Inzwi rokutinhira kwenyu rakati ricinzwika, ikacimbidzika kuenda.
8Makomo akakwira, mipata yakaɗerera;
Ikaenda kunɀimbo yamakaigadzirira,
9Makaitarira muganho, kuti irege kuɗarika;
Kuti irege kudzoka kuzofukidza pasi ɀe.
10Unotuma matsime mumipata;
Mvura inoyerera napakati pamakomo;
11Anonwisa mhuka dzose dzesaŋgo;
Mbizi dzinopedza nyota yadzo.
12Shiri dzokuɗeŋga dzinogara paari,
Dzinorira pakati pamataʋi.
13Unoɗiridza makomo ari padzimba dzake;
Pasi panogutiswa neciɓereko camaɓasa enyu.
14Unomeresa ʋuswa bgeɀipfuwo,
Nemiriʋo, inoɓatsira ʋanhu;
Kuti aɓuɗise ɀokudya pasi;
15Newaini inofadza mŋoyo womunhu,
Namafuta anobginyisa ciso cake,
Neciŋgwa cinosimbisa mŋoyo womunhu.
16Miti yaJehova inoguta;
Iyo misidari yeRebanoni yaakasima;
17Apo panoʋaka shiri matendere adzo:
Kana riri zimudo, miti yemisipresi ndiyo imba yaro.
18Makomo marefu ndeetsoma;
Matombo ndibgo ʋutiziro bgembira.
19Wakatara mŋedzi kuti uratidze ŋguʋa;
Zuʋa rinoziʋa ŋguʋa yokuʋira kwaro.
20Munoita rima, ʋusiku ndokuʋa’po;
Paŋguʋa iyo mhuka dzose dzeɗondo dzinoɓuɗa.
21Ʋana ʋeshumba ʋanoʋomba ʋacitȿaka ɀaʋaŋgaʋuraya,
Ʋanotȿaka ɀokudya ɀaʋo kunaMŋari.
22Kana zuʋa riciɓuɗa, dzinoenda hadzo,
Dzicindoʋata mumapako adzo.
23Ɀino munhu woɓuɗira kuɓasa rake.
Nokumurimo wake kuȿikira maɗekwana.
24Haiwa Jehova, maɓasa enyu mazhinji sei!
Makaaita ose nenjere;
Pasi pazere nefuma yenyu.
25Hero guŋgwa, rakakura iɓamhi,
Mukati maro muneɀinhu ɀinokambaira ɀisiŋgagoni kuʋereŋgwa,
Ɀipenyu ɀiɗuku neɀikuru.
26Heɀo ɀikepe, ɀinofamba;
Heyo ŋgwena yamakaʋumba, kuti itambe mariri.
27Iɀi ɀose ɀinokumirirai,
Kuti muɀipe ɀokudya ɀaɀo neŋguʋa yakafanira.
28Ɀamunoɀipa imi, ndiɀo ɀaɀinoʋuŋganidza;
Munotadzanura ruʋoko rwenyu, iɀo ndokuguta neɀakanaka.
29Munoʋanza ciso cenyu, iɀo ndokuvunduswa;
Munoɀitorera mŋeya waɀo, iɀo ndokufa,
Ɀicidzokera kuguruʋa raɀo.
30Munotuma mŋeya wenyu, iɀo ndokusikwa;
Munoʋandudza ciso cevu.
31Kubginya kwaJehova ŋgakugare nokusiŋgaperi;
Jehova ŋgaafarire maɓasa ake;
32Iye unotarira pasi, ipo ndokubvunda;
Unonyaŋgata makomo, iwo ndokuɓuɗisa ʋutsi.
33Ndicaimbira Jehova paŋguʋa yose yoʋupenyu bgaŋgu;
Ndicaimbira Mŋari waŋgu nziyo dzokurumbidza ndiciri’po.
34Kuraŋgarira kwaŋgu ŋgakumufadze;
Ndicafara kwaɀo munaJehova.
35Ʋatadzi ŋgaʋaparadzwe pasi,
Naʋakaipa ŋgaʋarege kuzoʋa’po.
Rumbidza Jehova, mŋeya waŋgu.
Hareruya.#104:35 Kudzai Jehova.
Currently Selected:
Mapisarema 104: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018