Mapisarema 106
106
Ŋgoni dzaJehova kunaIsraeri dzinorumbidzwa.
1Hareruya.#106:1 Kudzai Jehova.
Ʋoŋgai Jehova, nokuti wakanaka;
Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.
2Ndianiko uŋgareʋa ɀinhu ɀinesimba ɀakaitwa naJehova,
Kana kuɗudzira kurumbidza kwake kwose?
3Ʋakaropafadzwa ʋanoceŋgeta kururama,
Naiye unoita ɀakarurama ŋguʋa dzose.
4Ndiraŋgarirei Jehova, noʋunyoro bgamunabgo kuʋanhu ʋenyu;
Ndishanyirei noruponeso rwenyu.
5Kuti ndiʋone kukomborerwa kwaʋasanaŋgurwa ʋenyu,
Kuti ndifare kwaɀo nomufaro waʋanhu ʋenyu,
Kuti ndirumbidze pamŋe cete nenhaka yenyu.
6Takatadza pamŋe cete namadziɓaɓa eɗu,
Takaita ɀisina‐kururama, takaita ɀakaipa.
7Madziɓaɓa eɗu haana‐kunzwisisa ɀishamiso ɀenyu paEgipita;
Haana‐kuraŋgarira ŋgoni dzenyu zhinji;
Asi ʋakakumukirai paguŋgwa, ipo paGuŋgwa Dɀuku.
8Kunyaŋge ɀakaɗaro wakaʋaponesa nokuɗa kwezita rake,
Kuti aziʋise simba rake guru.
9Wakaraira ʋo Guŋgwa Dɀuku, rikapxa,
Akaʋafambisa pakadzika sapaneŋge paɓani.
10Akaʋaponesa paruʋoko rwowaiʋaʋeŋga.
Akaʋadzikinura paruʋoko rwomuʋeŋgi.
11Mvura zhinji yakafukidza ʋadziʋisi ʋaʋo;
Kwakaŋga kusina‐nomumŋe waʋo wakasara.
12Ipapo ʋakatenda mashoko ake;
Ʋakaimba ʋacimurumbidza.
13Ʋakacimbidzika kukaŋganwa maɓasa ake;
Haʋana‐kurindira zano rake.
14Asi ʋakaciʋa kwaɀo‐kwaɀo murenje,
Ʋakaidza Mŋari muciwunde.
15Akaʋapa caʋakakumbira;
Asi wakatuma kuwonda mumŋeya yaʋo.
16Ʋakagoɗora Mosesi pamisasa,
NaAroni, mutȿene waJehova.
17Pasi pakashama pakamedza Datani,
Pakafukidza ɓoka raAbirami.
18Mŋoto ukapfuta pakati peɓoka raʋo;
Muraɀo ukapisa ʋakaipa.
19Ʋakaita mhuru paHorebi,
Ʋakanamata mufananidzo wakaʋumbga.
20Ʋakatsinhana saiɀoɀo kubginya kwaʋo
Nomufananidzo weŋombe, inocera ɓundo.
21Ʋakakaŋganwa Mŋari muponesi waʋo,
Wakaita ɀinhu ɀikuru paEgipita;
22Maɓasa anoshamisa munyika yaHamu,
Neɀinhu ɀinotyisa paGuŋgwa Dɀuku.
23Saka wakati: Ndinoɗa kuʋaparadza;
Ƌai Mosesi musanaŋgurwa wake asina‐kumira pamberi pake ipo pakaputsika,
Kuti adzore kutsamŋa kwake, arege kuʋaparadza.
24Ɀirokwaɀo, ʋakaɀidza nyika inofadza,
Haʋana‐kutenda shoko rake;
25Asi ʋakanyunyuta mumatente aʋo,
Ʋakasaterera inzwi raJehova.
26Saka wakaʋasimudzira ruʋoko rwake.
Kuti aʋaparadze murenje;
27Ʋuye kuti aparadze ʋana ʋaʋo pakati paʋahedeni.
Aʋaparadzire panyika dzose.
28Ʋakaɀiɓatanidza ʋo naBaari‐peori,
Ʋakadya ɀakaɓayirwa ʋakafa.
29Naiɀoɀo ʋakamutsamŋisa neɀaʋakaita;
Ƌenda ndokupinda pakati paʋo.
30Ipapo Pinehasi akasimuka, akaita ɀakarurama;
Ƌenda ndokuguma.
31Iɀoɀo ɀikanzi kwaari kururama,
Kuȿikira kumarudzi namarudzi nokusiŋgaperi.
32Ʋakamutsamŋisa ʋo pamvura zhinji yeMeriba,
Naiɀoɀo Mosesi akaʋoneswa nhamo nokuɗa kwaʋo;
33Nokuti ʋakamukira mŋeya wake,
Iye akataura nehasha nemiromo yake.
34Haʋana‐kuparadza ndudzi dzaʋanhu,
Seɀaʋakaŋga ʋarairwa naJehova;
35Asi ʋakaveŋgana naʋahedeni,
Ʋakadzidza maɓasa aʋo;
36Ʋakashumira ɀifananidzo ɀaʋo;
Iɀo ɀikaʋa musuŋgo kwaʋari.
37Ɀirokwaɀo, ʋakaɓayira mŋeya yakaipa ʋanakomana ʋaʋo naʋanasikana ʋaʋo,
38Ʋakateʋura ropa risinemhoȿa, iro ropa raʋanakomana ʋaʋo naʋanasikana ʋaʋo,
Ʋakaʋaɓayira ɀifananidzo ɀeKanani;
Nyika ikaȿiɓiswa neropa.
39Ʋakaȿiɓiswa saiɀoɀo namaɓasa aʋo,
Ʋakapata paneɀaʋakaita.
40Saka kutsamŋa kwaJehova kwakamukira ʋanhu ʋake,
Akasema nhaka yake.
41Akaʋaisa muruʋoko rwaʋahedeni;
Ʋakaʋaʋeŋga ndiʋo ʋaiʋaɓata.
42Ʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋakaʋamanikidza ʋo,
Ʋakaiswa pasi poruʋoko rwaʋo.
43Wakaʋarwira kazhinji,
Asi ʋakamumukira pakuraŋgana kwaʋo,
Ʋakanyudzwa muɀakaipa ɀaʋo.
44Kunyaŋge ɀakaɗaro wakatarira kutambudzika kwaʋo,
Paŋguʋa yaakanzwa kucema kwaʋo;
45Akaraŋgarira suŋgano yake nokuɗa kwaʋo,
Akaɀiɗemba nokuɗa kwokuwanda kweŋgoni dzake.
46Akaʋanzwisa ʋo tsitsi
Naʋose ʋakaŋga ʋaʋatapa.
47Tiponesei, Jehova Mŋari weɗu,
Tiʋuŋganidzei, tibve pakati paʋahedeni,
Kuti tiʋoŋge zita renyu dɀene,
Tifarisise pakukurumbidzai.
48Jehova Mŋari waIsraeri ŋgaakudzwe,
Kubva pakusiŋgaperi kuȿikira pakuȿiŋgaperi.
Ʋanhu ʋose ŋgaʋati: Ameni.
Hareruya.#106:48 Kudzai Jehova.
Currently Selected:
Mapisarema 106: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018