YouVersion Logo
Search Icon

Numeri 14

14
ƲaIsraeri ʋanofanira kugara makore makumi manna murenje.
1Ɀino ʋuŋgano yose yakacema ɀikuru; ʋanhu ʋakacema ʋusiku ibgobgo. 2Ʋana ʋaIsraeri ʋose ʋakapopotera Mosesi naAroni, ʋuŋgano yose ikati kwaʋari: Haiwa, Ƌai takafira heɗu munyika yeEgipita! Ƌai takafira heɗu murenje rino! 3Jehova wakaʋuyireiko nesu munyika ino, tiʋurawe nomunondo? Ʋakadzi ʋeɗu naʋana ʋeɗu ʋacatapxa. Hakuzaiʋa nani kuti tidzokere Egipita here? 4Ʋakataurirana, ʋakati: Ŋgatiɀitȿakire mukuru, tidzokere Egipita. 5Ipapo Mosesi naAroni ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo pamberi peʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri. 6NaJoshua, mŋanakomana waNuni, naKarebi, mŋanakomana waJefune, ʋakaŋga ʋandoshore‐nyika pamŋe cete naʋamŋe, ʋakabvarura ŋguʋo dzaʋo, 7ʋakataura neʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, ʋakati: Nyika yatakapfuʋura napakati payo kuishora, inyika yakanaka kwaɀo‐kwaɀo. 8Kana Jehova acifara nesu, ucatiisa kunyika iyo, nokutipa iyo; inyika inoyerera mukaka noʋuci. 9Asi regai kumukira Jehova, ʋuye musatya ʋanhu ʋenyika iyo, nokuti iʋo ɀokudya ɀeɗu; mumvuri waʋo wabviswa pamsoro paʋo, Jehova unesu, regai kutya. 10Asi ʋuŋgano yose yakati ʋatakwe namabge. Ipapo kubginya kwaJehova kwakaʋonekwa mutente rokusoŋgana naʋana ʋaIsraeri ʋose.
11Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Ʋanhu aʋa ʋacandiɀidza kuȿikira riniko? Ʋacaramba kunditenda ini kuȿikira riniko, neɀishamiso ɀose ɀandakaita pakati paʋo? 12Ndicaʋaroʋa neɗenda, nokuʋatorera nhaka yaʋo, ndikuite iwe rudzi runoʋakunda iʋo noʋukuru nesimba. 13Mosesi akati kunaJehova: ƲaEgipita ʋacaɀinzwa, nokuti makaɓuɗisa ʋanhu aʋa pakati paʋo nesimba renyu; 14ʋacaʋudza ʋanhu ʋagere munyika ino iɀoɀo; iʋo ʋakanzwa kuti imi Jehova muri pakati paʋanhu aʋa, nokuti imi Jehova munoʋonekwa naʋo pacena, gore renyu rinomira pamsoro paʋo, nemi munoʋatuŋgamirira masikati neshoŋgwe yegore, noʋusiku neshoŋgwe yomŋoto. 15Ɀino kana mukaʋuraya ʋanhu aʋa ʋose‐ʋose, ndudzi dzaʋanhu, dzakanzwa mukurumbira wenyu, dzicataura, dziciti: 16Jehova wakaŋga asiŋgagoni kuisa ʋanhu aʋa kunyika yaakaŋga aʋapikira, saka wakaʋaʋuraya murenje. 17Ɀino ndinokumbira kuti simba raShe waŋgu riʋe guru, seɀamakataura, muciti: 18Jehova unononoka kutsamŋa, unenyasha huru, unokaŋganwira ɀakaipa nokuɗarika; haaŋgatoŋgopembedzi munhu unemhoȿa; unoroʋa ʋana nokuɗa kweɀakaipa ɀamadziɓaɓa aʋo, kuȿikira kurudzi rwecitatu norwecinna. 19Ndinokumbira kuti mukaŋganwire henyu ɀakaipa ɀaʋanhu aʋa noʋukuru bgenyasha dzenyu, ʋuye seɀamakakaŋganwira ʋanhu aʋa kubva Egipita kuȿikira ɀino. 20Ipapo Jehova akati: Ndakaŋganwira seɀawakumbira. 21Asi ɀirokwaɀo, noʋupenyu bgaŋgu, ʋuye nyika yose ɀaicazara nokubginya kwaJehova, 22ʋarume aʋa ʋose ʋakaʋona kubginya kwaŋgu neɀiratidzo ɀaŋgu, ɀandakaita muEgipita nomurenje, ʋakandiidza ɀino runegumi, ʋasiŋgatereri inzwi raŋgu, 23ɀirokwaɀo, haʋaŋgaʋoni nyika yandakapikira madziɓaɓa aʋo; hakunomumŋe waʋakandiɀidza ucaiʋona, 24asi muranda waŋgu Karebi, nokuti wakaŋga anomumŋe mŋeya mukati make, akanditeʋera nomŋoyo wose, ndiye wandicapinza munyika maakambopinda; icaʋa yaʋana ʋake. 25Ɀino ʋaAmareki naʋaKanani ʋaigara mumupata uyo; maŋgwana dzokai, muende kurenje nenzira inoenda kuGuŋgwa Dɀuku.
26Ɀino Jehova wakataura naMosesi naAroni, akati: 27Ʋuŋgano iyi yakaipa icaramba icindinyunyutira kuȿikira riniko? Ndakanzwa kunyunyuta kwaʋana ʋaIsraeri, kwaʋanondinyunyutira nako. 28Uti kwaʋari: Ɀanzi naJehova: Ɀirokwaɀo, noʋupenyu bgaŋgu, seɀamakataura munzeʋe dzaŋgu, ndiɀo ɀandicakuitirai. 29Ɀitunha ɀenyu ɀicawira murenje rino; imi mose makaʋereŋgwa, nokuwanda kwenyu kwose, ʋose ʋanamakore makumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋakandinyunyutira, 30ɀirokwaɀo, imi hamuŋgapindi munyika yandakupikirai, ndiciti, ndicakugarisai’mo, asi Karebi, mŋanakomana waJefune, naJoshua, mŋanakomana waNuni. 31Asi ʋana ʋenyu ʋamakati ʋacatapxa, ndiʋo ʋandicapinza; iʋo ʋacaziʋa nyika yamakaramba imi. 32Asi kana muri’mi, ɀitunha ɀenyu ɀicawira murenje rino. 33Ʋana ʋenyu ʋacadzuŋgaira saʋafudzi murenje makore anamakumi manna, ʋacirobga nokuɗa kwokupata kwenyu, kuȿikira ɀitunha ɀenyu ɀaparadzwa murenje. 34Samazuʋa amakaŋga mucishora nyika nawo, iwo mazuʋa anamakumi manna, saiɀoɀo mucaʋa nemhoȿa yokutadza kwenyu, zuʋa rimŋe nerimŋe ricaita gore rimŋe, ndiwo makore anamakumi manna, mugoziʋa kuti ndakakufuratirai. 35Ini Jehova, ndakataura iɀoɀo, ndicaitira saiɀoɀo ʋuŋgano iyi yose yakaipa, yakaʋuŋgana kuzorwa neni; ʋacaparadzwa murenje rino, ʋacafira’po. 36Ɀino ʋarume ʋakaŋga ʋatumŋa naMosesi kundoshora nyika, ʋaya ʋakadzoka ʋonyunyutisa ʋuŋgano yose pamsoro pake, ɀaʋakaʋuya namashoko akaipa pamsoro penyika iyo, 37ʋarume aʋo ʋakaŋga ʋaʋuya neshoko rakaipa pamsoro penyika iyo, ʋakafa neɗenda pamberi paJehova. 38Asi Joshua, mŋanakomana waNuni, naKarebi, mŋanakomana waJefune, ʋakasara ʋari ʋapenyu paʋarume ʋaya ʋakandoshora nyika. 39Ɀino Mosesi wakaʋudza ʋana ʋaIsraeri mashoko iwaya ose; ʋanhu ʋakacema kwaɀo, 40ʋakafumira maŋgwanani, ʋakakwira kumusoro wegomo, ʋakati: Tarirai, tiri pano heɗu, ticandokwira kwatakarairwa naJehova, nokuti tatadza. 41Mosesi akati: Munoɗarikireiko murairo waJehova, nokuti mucaʋona nhamo. 42Musakwira, nokuti Jehova haazi pakati penyu; kuti murege kuparadzwa naʋaʋeŋgi ʋenyu. 43Nokuti ʋaAmareki naʋaKanani ʋari mberi kwenyu ipapo; mucaʋurawa nomunondo, nokuti makadzoka pakuteʋera Jehova, naiɀoɀo Jehova haaŋgaʋi nemi. 44Kunyaŋge ɀakaɗaro ʋakaidza haʋo kukwira kumusoro wegomo nokuɀikudza kwaʋo; asi areka yesuŋgano yaJehova hainakubva pamisasa, naiye Mosesi ʋo. 45Ipapo ʋaAmareki naʋaKanani ʋakaŋga ʋagere mugomo iro ʋakaɓuruka, ʋakaʋaparadza nokuʋadziŋgirira kuȿikira paHorma.

Currently Selected:

Numeri 14: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in