Numeri 13
13
Ʋashori ʋanegumi naʋaʋiri ʋanotumŋa Kanani.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 2Tuma ʋarume kuti ʋandoshora nyika yeKanani, yandicapa ʋana ʋaIsraeri; utume mumŋe worudzi rumŋe norumŋe rwamadziɓaɓa aʋo, ʋose ʋaʋe ʋakuru pakati paʋo. 3Mosesi akaʋatuma, ʋakabva murenje reParani, nokuraira kwaJehova, ʋose ʋaʋo ʋari ʋarume ʋaiʋa ʋakuru ʋaʋana ʋaIsraeri. 4Ndiwo mazita aʋo: Ʋokurudzi rwaRubeni, Shamua, mŋanakomana waZakuri. 5Ʋokurudzi rwaSimeoni, Shafati, mŋanakomana waHori. 6Ʋokurudzi rwaJuda, Karebi, mŋanakomana waJefune. 7Ʋokurudzi rwaIsakari, Igari, mŋanakomana waJosefa. 8Ʋokurudzi rwaEfraimi, Hoshea, mŋanakomana waNuni. 9Ʋokurudzi rwaBenjamini, Parti, mŋanakomana waRafu. 10Ʋokurudzi rwaZeburuni, Gadieri, mŋanakomana waSodi. 11Ʋokurudzi rwaJosefa, irwo rudzi rwaManase, Gadi, mŋanakomana waSusi. 12Ʋokurudzi rwaDani, Amieri, mŋanakomana waGemari. 13Ʋokurudzi rwaAsheri, Seturi, mŋanakomana waMikaeri. 14Ʋokurudzi rwaNaftari, Nabi, mŋanakomana waVofsi. 15Ʋokurudzi rwaGadi, Geueri, mŋanakomana waMaki. 16Ndiwo mazita aʋarume ʋakatumŋa naMosesi kundoshora nyika. Mosesi akatumidza Hoshea, mŋanakomana waNuni, zita rinonzi Joshua. 17Mosesi akaʋatuma kundoshora nyika yeKanani, akati kwaʋari: Endai nenzira iyi yeZasi, mukwire mumakomo; 18mundoʋone‐nyika, kuti yakaɗiniko, naʋanhu ʋagere’mo, kana ʋanesimba, kana ʋasina, kana ʋari ʋashoma, kana ʋari ʋazhinji; 19nenyika ʋo yaʋagere’mo, kuti yakaɗiniko, kana yakanaka, kana yakaipa; namaguta maʋagere, kuti akaɗiniko, kana ʋagere mumisasa kana munhare; 20nevu, kuti rakaɗiniko, kana rakaʋorera kana risinakuʋorera, kana panemiti kana pasinemiti; tsuŋgai mŋoyo, mugoʋuya neɀiɓereko ɀenyika iyo. Ɀino yaiʋa ŋguʋa yokutaŋga kuibva kwamazambiriŋga. 21Naiɀoɀo ʋakakwira ʋakandoshorenyika, ʋacibva murenje reZini, kuȿikira Rehobi, paʋanopinda Hamati. 22Ʋakapinda neZasi, ʋakaȿika Hebroni; ipapo pakaŋga panaAhimani naSheshai naTarmai, ʋanakomana ʋaAnaki. (Pakuʋakwa Hebroni rakataŋgira Zoani paEgipita namakore manomŋe.) 23Ʋakandoȿika pamupata weEshkori, ʋakatema ɗaʋi raiʋa nesumbu rimŋe ramazambiriŋga, ʋakaritakura paɗanda pakati paʋanhu ʋaʋiri; ʋakaʋuya ʋo namatamba namaʋonde. 24Nɀimbo iyo ʋakaitumidza mupata weEshkori nokuɗa kwesumbu rakatemŋa’po naʋana ʋaIsraeri. 25Mazuʋa anamakumi manna akati apera, ʋakadzoka pakushore‐nyika. 26Ʋakaȿika kunaMosesi naAroni neʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, murenje reParani paKadeshi, ʋakaʋaʋudza mashoko nokuʋaratidza iʋo neʋuŋgano yose ɀiɓereko ɀenyika iyo. 27Ʋakamuʋudza, ʋakati: Takaenda kunyika iyo kwamakatituma; ɀirokwaɀo inoyerera mukaka noʋuci; iɀi ndiɀo ɀiɓereko ɀayo. 28Asi ʋanhu ʋagere munyika iyo ʋanesimba, maguta akakombga namaȿiŋgo, makuru kwaɀo; ʋuye, takaʋona’po ʋana ʋaAnaki. 29ƲaAmareki ʋagere munyika neceZasi, naʋaHeti, naʋaJebusi, naʋaAmori ʋagere mumakomo; ʋaKanani ʋagere paguŋgwa, nokurutiʋi rwaJoridani. 30Ipapo Karebi akanyaradza ʋanhu pamberi paMosesi, akati: Ŋgatikwire pakarepo, tindoitora, nokuti tinogona kwaɀo kuikunda. 31Asi ʋamŋe ʋarume ʋakaŋga ʋakwira naye, ʋakati: Hatigoni kukwira kundorwa naʋanhu aʋo, nokuti ʋanotikurira nesimba. 32Naiɀoɀo ʋakaʋuya kuʋana ʋaIsraeri neshoko rakaipa pamsoro penyika iyo, yaʋakaŋga ʋaenda kundoishora, ʋaciti: Nyika iyo yatakapfuʋura napakati payo kuishora, inyika inopedza ʋanhu ʋagere’mo; ʋanhu ʋose ʋatakaʋona’mo ʋaiʋa ʋarume ʋakakura kwaɀo. 33Takaʋona’po ʋanhu ʋarefu, ʋana ʋaAnaki, ʋanobva paʋarefu; kana ticiɀifananidza, takaŋga takaita semhashu, ndoɀatakaŋga takaita kwaʋari ʋo.
Currently Selected:
Numeri 13: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018