Numeri 15
15
Mirairo yeɀipiriso.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 2Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Kana mapinda munyika yamunozogara, yandinokupai; 3kana muciɗa kugadzirira Jehova cipiriso pamŋoto, cipiriso cinopiswa, kana ciɓayiro, cokupika naco, kana cokuŋgopa nokuɗa kwenyu, kana pamitambo yenyu yakatarwa, kuti mupe Jehova cinonhuwira ɀakanaka, ceŋombe kana camakwai; 4ɀino iye unopa cipo cake, unofanira kupa Jehova cipiriso coʋupfu cecegumi ceefa#15:4 Efa imŋe aneŋge magaroni mapfumbamŋe. yoʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa nececinna cehini#15:4 Hini imŋe rineŋge garoni rimŋe nehafu. yamafuta; 5unofanira kugadzira ʋo waini yecipiriso cinoɗururwa, cecinna cehini, pamŋe cete necipiriso cinopiswa, kana neciɓayiro, pagwaiana rimŋe nerimŋe. 6Kana riri gondobge, unofanira kurigadzirira cipiriso coʋupfu ceɀegumi ɀiʋiri ɀeefa yoʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa necetatu cehini yamafuta; 7unofanira kupa ʋo cetatu cehini yewaini, ciʋe cipiriso cinoɗururwa, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova. 8Kana ucigadzira nzombe ɗuku kuti ciʋe cipiriso cinopiswa, kana ciɓayiro cokupika naco, kana kuti ɀiʋe ɀipiriso ɀokuyananisa naɀo kunaJehova; 9pamŋe cete nenzombe ɗuku ŋgaaʋuye necipiriso coʋupfu ceɀegumi ɀitatu ɀeefa yoʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa nehafu yehini yamafuta. 10Unofanira kupa ʋo hafu yehini yewaini, ciʋe cipiriso cinoɗururwa, ciʋe cipiriso cinoitwa pamŋoto, cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova. 11Ŋgaɀiitwe saiɀoɀo panzombe imŋe neimŋe, kana gondobge rimŋe nerimŋe, kana gwaiana rimŋe nerimŋe, kana mbudzana imŋe neimŋe. 12Munofanira kuitira cimŋe necimŋe saiɀoɀo, ɀienzane neɀose ɀamunogadzira. 13Ʋose ʋanoɓerekerwa munyika yenyu ʋanofanira kuita iɀoɀo nenzira iyi, kana ʋaciʋuya necipiriso cinopiswa, cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova. 14Kana kunomutorwa ugere nemi, kana aninani uri pakati penyu kuȿikira kumarudzi enyu ose, kana aciɗa kuʋuya necipiriso cinopiswa, cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova; seɀamunoita imi, naiye unofanira kuita ʋo saiɀoɀo. 15Paʋuŋgano yenyu panofanira kuʋa nomutemo mumŋe wenyu nowomutorwa ugere nemi, uʋe murairo usiŋgaperi, kuȿikira kumarudzi enyu ose; seɀamakaita imi, ndiɀo ɀinofanira kuita mutorwa pamberi paJehova. 16Munofanira kuʋa nomurairo mumŋe netsika imŋe, imi nomutorwa ugere nemi.
17Jehova akataura naMosesi, akati: 18Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Kana muciȿika kunyika kwandinokuisai, 19kana modya ɀokudya ɀenyika, munofanira kupa Jehova cipiriso cinotsaurwa. 20Paɀitȿa ɀoʋupfu bgenyu munofanira kuʋuya neciŋgwa ciɗuku, ciʋe cipiriso cinotsaurwa; seɀamunoita necipiriso cinotsaurwa ceɓuriro, munofanira kucitsaura saiɀoɀo. 21Munofanira kupa Jehova paɀitȿa ɀoʋupfu bgenyu cipiriso cinotsaurwa kuȿikira kumarudzi enyu ose.
22Kana mucitadza, musiŋgaceŋgeti mirairo iyi yose, yakataurwa naJehova kunaMosesi, 23ɀose ɀamakarairwa naJehova nomuromo waMosesi, kubva pazuʋa rakataŋga kuraira Jehova, kuȿikira kumarudzi enyu ose, 24ɀino kana ɀiciŋge ɀaitwa ʋuŋgano isiŋgaziʋi, ʋuŋgano yose inofanira kuʋuya nenzombe imŋe ɗuku, ciʋe cipiriso cinopiswa, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova, pamŋe cete necipiriso caco coʋupfu, necipiriso caco cinoɗururwa, seɀakarairwa, nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi. 25Muprista unofanira kuyananisira ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, ʋakaŋganwirwe; nokuti kwaiʋa kutadza, ʋakazoʋuya necipo caʋo pamberi paJehova, ciri cipiriso cinoitirwa Jehova pamŋoto, necipiriso ceɀiʋi pamsoro pokutadza kwaʋo. 26Ipapo ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri icakaŋganwirwa, nomutorwa ugere pakati paʋo; nokuti ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋaɀiita haʋo nokusaziʋa. 27Kana munhu mumŋe akatadza nokusaziʋa, unofanira kuʋuya neshece yembudzi yegore rimŋe, ciʋe cipiriso ceɀiʋi. 28Ɀino muprista unofanira kuyananisira munhu wakatadza, kana akaita ɀiʋi nokusaziʋa, pamberi paJehova, kuti amuyananisire, akaŋganwirwe. 29Munofanira kuʋa nomurairo mumŋe cete pamsoro pomunhu wakaita cinhu nokusaziʋa, kana ari munhu wakaɓerekerwa panyika pakati paʋana ʋaIsraeri, kana ari mutorwa ugere pakati paʋo. 30Asi munhu unoita cinhu nokuɀikudza, kana ari munhu wakaɓerekerwa munyika, kana ari mutorwa, iye unomhura Jehova; munhu uyo unofanira kubviswa pakati porudzi rwake. 31Nokuti wakaɀidza shoko raJehova, akaputsa murairo wake; munhu uyu unofanira kubviswa cose; mhoȿa yokutadza kwake iri pamsoro pake.
Munhu wakaɗarika murairo wesaɓata unoʋurawa.
32Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋaciri murenje, ʋakaʋona munhu aciʋuŋganidza tsotso nomusi wesaɓata. 33Aʋo ʋakamuwana aciʋuŋganidza tsotso ʋakamuisa kunaMosesi naAroni, nokuʋuŋgano yose. 34Ʋakamuisa mutoroŋgo, nokuti kwakaŋga kusina‐kurebga ɀaaifanira kuitirwa. 35Jehova akati kunaMosesi: Munhu uyu, ɀirokwaɀo, unofanira kuʋurawa; ʋuŋgano yose inofanira kumutaka namabge kunze kwemisasa. 36Ipapo ʋuŋgano yose yakamuisa kunze kwemisasa, ʋakamutaka namabge, akafa; seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.
Ciratidzo cinofanira kuiswa paŋguʋo dzaʋo.
37Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 38Taura naʋana ʋaIsraeri, uʋaraire kuti ʋaɀiitire masa pamipendero yeŋguʋo dzaʋo, kuȿikira kumarudzi aʋo ose, ʋaise paisa rimŋe nerimŋe pamupendero rwonzi rutema. 39Cinofanira kuʋa kwamuri isa ramuŋgasiʋona, mugoraŋgarira mirairo yose yaJehova, kuti muiite; kuti murege kuteʋera kuɗa kwomŋoyo yenyu nokwameso enyu, kwamaisiteʋera pakupata kwenyu; 40kuti muraŋgarire nokuita mirairo yaŋgu yose, nokuʋa ʋatȿene kunaMŋari wenyu. 41Ndini Jehova wenyu, wakakuɓuɗisai munyika yeEgipita, kuti ndiʋe Mŋari wenyu; ndini Jehova Mŋari wenyu.
Currently Selected:
Numeri 15: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018