YouVersion Logo
Search Icon

Ezekieri 12

12
Muprofita unofananidzira kutapxa kwomucinda naʋanhu.
1Ɀino shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti: 2Mŋanakomana womunhu, ugere pakati paʋanhu ʋeimba inondimukira simba, ʋanameso okuʋona, asi haʋaʋoni, ʋanenzeʋe dzokunzwa, asi haʋanzwi; nokuti iimba inondimukira simba. 3Naiɀoɀo iwe mŋanakomana womunhu, ɀiroŋgedzere nhumbi dzokutama nadzo, utame masikati, ʋaciɀiʋona; unofanira kutama ucibva panɀimbo yako ucienda kuneimŋe nɀimbo, ʋaciɀiʋona; ɀimŋe ʋaŋgazofuŋga, kunyaŋge iri imba inondimukira simba. 4Unofanira kuɓuɗisa nhumbi dzako masikati ʋaciɀiʋona, dziite senhumbi dzokutama nadzo; ɀino maɗekwana iwe umene unofanira kuɓuɗa ʋaciɀiʋona, seɀinoita ʋanhu kana ʋotama. 5Ɀino uɓoʋore ruȿiŋgo ʋaciɀiʋona, uɓuɗise nhumbi dzako napo. 6Unofanira kudzitakura pafudzi rako ʋaciɀiʋona, ndokudziɓuɗisa kwaȿiɓa; unofanira kufukidza ciso cako, kuti urege kuʋona ɀenyika; nokuti ndakakuita ciratidzo kuimba yaIsraeri. 7Ini ndikaita seɀandakarairwa; ndakaɓuɗisa nhumbi dzaŋgu masikati, dzakaita senhumbi dzokutama nadzo, maɗekwana ndikaɓoʋora ruȿiŋgo noruʋoko rwaŋgu; ndakadziɓuɗisa kwaȿiɓa, ndikadzitakura pafudzi raŋgu ʋaciɀiʋona. 8Ɀino maŋgwanani shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti: 9Mŋanakomana womunhu, imba yaIsraeri, iyo imba inondimukira, haʋana‐kuti kwauri: Unoiteiko? 10Uti kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova: Cireʋo ici cinoreʋa mucinda weJerusarema neimba yose yaIsraeri iri pakati paʋo. 11Uti: Ndini ciratidzo cenyu; seɀandakaita ini, ndiɀo ɀaʋacaitirwa iʋo; ʋacatama ʋacitapxa. 12Mucinda uri pakati paʋo ucatakura nhumbi dzake pafudzi rake kwaȿiɓa, ndokuɓuɗa; ʋacaɓoʋora ruȿiŋgo kuti ʋadziɓuɗise napo; ucafukidza meso ake, nokuti haaŋgaʋoni nyika nameso ake. 13Ndicakanda ʋo mumbure waŋgu pamsoro pake, ucaɓatwa mumusuŋgo waŋgu; ndicamuisa Babironi kunyika yaʋaKardea; asi haaŋgaiʋoni, kunyaŋge ɀakaɗaro ucafira’ko. 14Ndicaparadzira kumhepo dzose ʋose ʋakamupoteredza ʋaŋgamuɓatsira, namapoka ake ose ndicaavomorera munondo ndiciʋateʋerera. 15Ipapo ʋacaziʋa kuti ndini Jehova, kana ndiciʋadziŋgira pakati pamarudzi, nokuʋaparadzira kunyika dzose. 16Asi ndicapukunyusa ʋashoma ʋaʋo pamunondo nenzara nehosha yakaipa; kuti ʋandoparidza pakati pamarudzi kwaʋanoȿika ɀinonyaŋgadza ɀaʋo ɀose; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova.
17Shoko raJehova rakaȿika ʋo kwandiri, riciti: 18Mŋanakomana womunhu, idya ɀokudya ɀako nokubvunda nokunwa mvura yako nokuɗeɗera nokutya; 19uti kuʋanhu ʋenyika iyi: Ɀanzi naShe Jehova pamsoro paʋagere Jerusarema nenyika yaIsraeri: Ʋacadya ɀokudya ɀaʋo ʋacitya nokunwa mvura yaʋo ʋacikaŋganiswa, kuti nyika yaro iitwe ɗoŋgo, yatorerwa ɀose ɀayo, nemhaka yokuita nesimba yaʋose ʋanogara’mo. 20Maguta anogarwa naʋanhu acaparadzwa, nenyika icaitwa ɗoŋgo; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova.
Ʋaprofita ʋenhema ʋanotukwa.
21Shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti: 22Mŋanakomana womunhu, shumo ndeyeiko yamunayo munyika yaIsraeri, inoti: Mazuʋa anoramba aciwedzerwa, asi ɀakaʋoneswa ɀose haɀiitiki? 23Naiɀoɀo ʋaʋudze, uti: Ɀanzi naShe Jehova: Ndicagumisa shumo iyi, haʋaŋgazoɓati nayo iri shumo pakati paIsraeri; asi uti kwaʋari: Mazuʋa aʋa pedyo nokuitika kweɀose ɀakaʋoneswa. 24Nokuti pakati peimba yaIsraeri hapaŋgazoʋi kuʋoneswa kwenhema kana kuʋuka kunoɓata kumeso. 25Nokuti ndini Jehova; ndicataura, neshoko randicataura ricaitika, hariŋgazononoswi; nokuti pamazuʋa enyu, iwe imba inondimukira simba, ndicataura shoko nokuriita ʋo — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
26Shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti: 27Mŋanakomana womunhu, tarira, ʋeimba yaIsraeri ʋanoti: Ɀaakaʋoneswa ndeɀamazuʋa ari kure anozoʋuya, unoprofita ɀeŋguʋa dziri kure. 28Naiɀoɀo uti kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova: Hakuneshoko rimŋe ramashoko aŋgu ricazononoswa, asi shoko randicataura ricaitika — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.

Currently Selected:

Ezekieri 12: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in