Ezekieri 11
11
Ʋakuru ʋeJerusarema ʋanotukwa.
1Ɀino Mŋeya wakandisimudza, ndokundiisa kusuʋo ramabvazuʋa reimba yaJehova, raitarira kumabvazuʋa; ndikaʋona pamukoʋa wesuʋo ʋarume ʋanamakumi maʋiri naʋashanu, ndikaʋona pakati paʋo Jaazania mŋanakomana waAzuri, naPeratia mŋanakomana waBenaia, macinda aʋanhu. 2Akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, aʋa ndiʋo ʋarume ʋanofuŋga ɀakaipa, ʋanorairira mano akaipa muguta rino; 3ʋanoti: Ŋguʋa icigere kusweɗera yokuʋaka dzimba, guta rino igate, isu tiri nyama. 4Naiɀoɀo ciʋaprofitera, mŋanakomana womunhu, ciprofita. 5Ipapo Mŋeya waJehova wakawira pamsoro paŋgu, akati kwandiri: Taura, uti: Ɀanzi naJehova: Ndiɀo ɀamakataura, imi imba yaIsraeri; nokuti ndinoziʋa ɀamunofuŋga mumiraŋgariro yenyu. 6Makawanza ʋamakaʋuraya muguta rino, makazadza nzira dzaro naʋakaʋurawa. 7Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ʋamakaʋuraya, ʋamakaradzika mukati maro, ndiyo nyama, guta rino igate, asi imi mucaɓuɗiswa mukati maro. 8Makatya munondo; ini ndicaʋuyisa munondo pamsoro penyu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. 9Ini ndicakuɓuɗisai mukati maro, ndicakuisai mumaʋoko aʋatorwa, ndicaita ɀandakatoŋga pakati penyu. 10Mucaʋurawa nomunondo; ndicakutoŋgai munyika yaIsraeri: ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova. 11Guta rino hariŋgaʋi gate renyu, nemi hamuŋgaʋi nyama mukati maro; ndicakutoŋgai munyika yaIsraeri. 12Ipapo mucaziʋa kuti ndini Jehova, nokuti hamuna‐kufamba nemitemo yaŋgu kana kuita ɀandakaraira, asi makateʋera mirairo yamarudzi anokupoteredzai. 13Ɀino ndakati ndiciprofita, Peratia mŋanakomana waBenaia akafa. Ipapo ndakawira pasi neciso caŋgu, ndikacema nenzwi guru ndiciti: Haiwa, Ishe Jehova! Moɗa kupedza cose ʋakasara ʋaIsraeri here?
14Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti: 15Mŋanakomana womunhu, hama dzako, idzo hama dzako, ʋanhu ʋorudzi rwako, neimba yose yaIsraeri, iʋo ʋose, ndiʋo ʋakanzi naʋagere Jerusarema: Ibvai kure naJehova, nyika ino yakapiwe’su, iʋe yeɗu. 16Naiɀoɀo uti: Ɀanzi naShe Jehova: Ɀandakaʋabvisa, ndikaʋaisa kure pakati pamarudzi, ʋuye ɀandakaʋaparadzira pakati penyika, ndicaʋa kwaʋari nɀimbo tȿene ŋguʋa ɗuku kunyika idzo kwaʋakaenda kwadziri; 17naiɀoɀo uti: Ɀanzi naShe Jehova: Ndicakuʋuŋganidzai mubve pakati pamarudzi, ndicakukokerai mubve panyika kwamakaparadzirwa, ndigokupai nyika yaIsraeri. 18Ʋacadzokera’ko nokubvisa’mo ɀose ɀayo ɀinosemesa neɀose ɀayo ɀinonyaŋgadza. 19Ndicaʋapa mŋoyo mumŋe, nokuisa mŋeya mutȿa mukati menyu; ndicabvisa mŋoyo webge munyama yaʋo, ndokuʋapa mŋoyo wenyama; 20kuti ʋafambe nemitemo yaŋgu, ʋaceŋgete ɀandakaraira nokuɀiita; iʋo ʋacaʋa ʋanhu ʋaŋgu, neni ndicaʋa Mŋari waʋo. 21Asi kana ʋari iʋo, ʋanemŋoyo inoteʋera mŋoyo yeɀinhu ɀaʋo ɀinosemesa neɀinonyaŋgadza, ndicaʋuyisa ɀaʋakaita pamisoro yaʋo — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. 22Ipapo makerubi akasimudza mapapiro awo, namakumbo eŋgoro akaŋga ari pamatiʋi awo; kubginya kwaMŋari waIsraeri kwakaŋga kuri necokumsoro kwaʋo. 23Kubginya kwaJehova ndokukwira kucibva mukati meguta, ndokumira pamsoro pegomo riri kumabvazuʋa eguta. 24Ipapo Mŋeya wakandisimudza ndokundiisa Kardea kunaʋakatapxa, ndiciɀiʋoneswa noMŋeya waMŋari. Ɀino ciratidzo candakaŋga ndaʋona cakakwidzwa cicibva kwandiri. 25Ipapo ndakaʋudza ʋakatapxa ɀinhu ɀose ɀandakaratidzwa naJehova.
Currently Selected:
Ezekieri 11: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018