Ezekieri 13
13
1Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti: 2Mŋanakomana womunhu, profitera ʋaprofita ʋaIsraeri ʋanoprofita, uti kunaiʋo ʋanoprofita ɀinobva mumŋoyo maʋo: Inzwai imi shoko raJehova: 3Ɀanzi naShe Jehova: Ʋanenhamo ʋaprofita mapenzi, ʋanoteʋera mŋeya yaʋo, ʋasina‐caʋakaʋona. 4Haiwa Israeri, ʋaprofita ʋenyu ʋakafanana namakaʋa pamatoŋgo. 5Hamuna‐kukwira mucipinda pakakoromorwa, kana kugadzira ruȿiŋgo rweimba yaIsraeri, kuti mumire pakurwa pazuʋa raJehova. 6Ʋakaʋona ɀinonyeŋgera nokuʋuka kwenhema, iʋo ʋanoti: Jehova unoti! Asi Jehova haana‐kuʋatuma, ɀino ʋakati shoko raʋo ricasimbiswa. 7Hamuna‐kuʋona ɀinonyeŋgera here, hamuna‐kutaura kuʋuka kwenhema here, ɀamakati: Jehova unoti; kunyaŋge ɀakaɗaro handina‐kutaura?
8Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ɀamakataura ɀinonyeŋgera, nokuʋona nhema, naiɀoɀo, tarirai, ndinemhaka nemi — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. 9Ruʋoko rwaŋgu rucarwa naʋaprofita ʋanoʋona ɀinonyeŋgera naʋanoʋuka nhema; haʋaŋgaraŋgani naʋanhu ʋaŋgu, haʋaŋganyorwi mazita aʋo parugwaro rweimba yaIsraeri, haʋaŋgapindi munyika yaIsraeri; ɀino mucaziʋa kuti ndini Ishe Jehova. 10Nokuti, ɀirokwaɀo nokuti ʋakanyeŋgera ʋanhu ʋaŋgu, ʋaciti: Rugare! iɀo hakunorugare; kana ʋoʋaka ruȿiŋgo, tarira, ʋoʋuwa nesuko. 11Ciʋudza aʋo ʋanoruʋuwa nesuko, kuti rucakoromoka; mvura icaʋuya icinaya kwaɀo, nemi, mabge makuru ecimvuramabge, mucawa, ɗutu remhepo ricarutsemusa. 12Ɀino tarirai, kana ruȿiŋgo rwakoromoka, haʋaŋgati kwamuri here: Ko suko ramakaʋuwa naro riripiko? 13Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ndicarutsemusa ɀirokwaɀo neɗutu remhepo nehasha dzaŋgu; mvura icanaya kwaɀo nokutsamŋa kwaŋgu, namabge makuru ecimvuramabge nehasha dzaŋgu, kurupedza cose. 14Saiɀoɀo ndicakoromora ruȿiŋgo rwamakaʋuwa nesuko, nokuruwisira pasi, kuȿikira nheyo dzarwo dzafukurwa; rucakoromoka, nemi mucapedzwa mukati marwo; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova. 15Saiɀoɀo ndicapedza hasha dzaŋgu paruȿiŋgo, napamsoro paʋakaruʋuwa nesuko; ndicati kwamuri: Ruȿiŋgo haruci’po, naʋakaruʋuwa haʋaci’po; 16iʋo ʋaprofita ʋaIsraeri ʋanoprofita pamsoro peJerusarema, ʋaciriʋonera ɀiratidzo ɀorugare, iɀo hakunorugare — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
17Asi iwe, mŋanakomana womunhu, rinzira ciso cako kuʋakunda ʋaʋanhu ʋako, iʋo ʋanoprofita ɀinobva mumŋoyo yaʋo, uprofite pamsoro paʋo, 18uti: Ɀanzi naShe Jehova: Ʋanenhamo ʋakadzi ʋanosonera ɀifukidzo pafundo dzamaʋoko, ʋanoita miceka yokufukidza misoro yaʋanhu ʋapi naʋapi, kuti ʋavime mŋeya. Munoɗa kuvima mŋeya yaʋanhu ʋaŋgu, muciɗa kuɀiponesera mŋeya iyeyo! 19Makandimhura pakati paʋanhu ʋaŋgu nokuɗa kwetsama dzebari neɀimeɗu ɀeɀiŋgwa, kuti muʋuraye mŋeya isiŋgafaniri kufa, nokuponesa mŋeya isiŋgafaniri kurarama, mucireʋera ʋanhu ʋaŋgu nhema, iʋo ʋanoterera nhema dzenyu. 20Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Tarirai, ndinemhaka neɀifukidzo ɀenyu ɀamunovima naɀo mŋeya yaʋanhu seshiri, ndicaɀibvarura pamaʋoko enyu; ndicaregedza mŋeya, iyo mŋeya yamunovima seshiri. 21Nemiceka yenyu ndicaibvarura ʋo, ndirwire ʋanhu ʋaŋgu pamaʋoko enyu, ʋarege kuzoʋa mumaʋoko enyu kuti muʋavime; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova. 22Nokuti nenhema dzenyu makarwadza mŋoyo wowakarurama, wandisina‐kucemedza, mukasimbisa maʋoko owakaipa, kuti arege kudzoka panzira yake yakaipa, aponeswe; 23naiɀoɀo hamucazoʋoni ɀe ɀiratidzo ɀinonyeŋgera kana kuʋuka ɀinoʋukwa; ini ndicarwira ʋanhu ʋaŋgu pamaʋoko enyu; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova.
Currently Selected:
Ezekieri 13: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018