YouVersion Logo
Search Icon

Danieri 2

2
Danieri unoɗudzira ɀakarotwa namambo Nebukadnezari.
1Negore recipiri rokuɓata ʋushe kwaNebukadnezari, Nebukadnezari wakarota hope; mŋeya wake ukatambudzika, hope dzake dzikatiza. 2Ipapo mambo akaraira kuti ʋacenjeri neŋaŋga naʋaroyi naʋaKardea ʋaɗanwe kuzoɗudzira mambo kurota kwake. Ipapo ʋakapinda ʋakamira pamberi pamambo. 3Mambo akati kwaʋari: Ndarota hope, ɀino mŋeya waŋgu unotambudzika ndiciti ndinzwisise kurota kwaŋgu. 4Ipapo ʋaKardea ʋakataura namambo norurimi rwaʋaSiria, ʋakati: Mambo ŋgaararame nokusiŋgaperi! Ʋudzai ʋaranda ʋenyu kurota kwenyu, isu tigokuziʋisai kuɗudzirwa kwaɀo. 5Mambo akapindura, akati kunaʋaKardea: Shoko ratemŋa neni; kana mukasandiziʋisa kurota kwaŋgu nokuɗudzirwa kwaɀo, mucagurwa‐gurwa, ʋuye dzimba dzenyu dzicaitwa ɗurunhuru. 6Asi kana mukandiziʋisa kurota kwaŋgu nokuɗudzirwa kwaɀo, mucapiwa neni ɀipo nemiɓairo nokukudzwa kukuru; naiɀoɀo cindiziʋisai kurota nokuɗudzirwa kwaɀo. 7Iʋo ʋakapindura rwecipiri, ʋaciti: Mambo ŋgaaʋudze ʋaranda ʋake kurota kwake, isu tigokuɀiʋisai kuɗudzirwa kwaɀo. 8Mambo akapindura, akati: Ndinoziʋa kwaɀo kuti imi munoŋgotȿaka kuwedzerwa ŋguʋa, nokuti munoʋona kuti shoko iri ratemŋa neni. 9Asi kana mukasandiziʋisa kurota kwaŋgu, mucarobga nomurairo mumŋe cete, nokuti makaɀigadzira kutaura mashoko enhema akashata pamberi paŋgu, kuȿikira ŋguʋa yashanduka; naiɀoɀo cindiʋudzai kurota kwaŋgu, ipapo ndicaziʋa kuti muŋgandiziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo. 10ƲaKardea ʋakapindura pamberi pamambo, ʋakati: Hakunomunhu pasi pose uŋgagona kuziʋisa shoko iri ramambo, nokuti hakunamambo kana ishe, kana muɓati, wakatoŋgotȿaka cinhu cakaɗai kunowakacenjera kana ŋaŋga, kana muKardea upi noupi. 11Cinhu cinobvunzwa namambo cikuru kwaɀo, hakuna‐uŋgaciziʋisa kunamambo, asi ʋamŋari ʋasiŋgagari naʋanhu. 12Nemhaka iyi mambo akatsamŋa, akaʋa nehasha kwaɀo, akaraira kuti ʋacenjeri ʋose ʋeBabironi ʋaʋurawe. 13Naiɀoɀo cireʋo cakatemŋa kuti ʋacenjeri ʋaʋurawe, ʋakatȿaka ʋo Danieri neshamŋari dzake kuti ʋaʋurawe. 14Ipapo Danieri akapindura Arioki nenjere nokuŋgwara, iye mukuru waʋarindi ʋamambo, wakaŋga aɓuɗa kundoʋuraya ʋacenjeri ʋeBabironi; 15wakapindura, akati kunaArioki mukuru wamambo: Cireʋo ici camambo cinehasha neiko? Ipapo Arioki akaziʋisa Danieri shoko iro. 16Ɀino Danieri akapinda kunamambo, akakumbira kwaari, kuti amutarire ŋguʋa, aziʋise mambo kuɗudzirwa kwaɀo.
17Ipapo Danieri akaenda kumba kwake, akandoziʋisa shamŋari dzake Hanania naMishaeri naAzaria, shoko iro; 18kuti ʋakumbire nyasha kunaMŋari wokuɗeŋga pamsoro pecinhu ici cakaʋanzika, kuti Danieri neshamŋari dzake ʋarege kuparadzwa pamŋe cete naʋamŋe ʋacenjeri ʋeBabironi. 19Ipapo cinhu ico cakaʋanzika cakaziʋiswa Danieri panecaakaratidzwa ʋusiku. Danieri akaʋoŋga Mŋari wokuɗeŋga. 20Danieri akapindura, akati: Zita raMŋari ŋgariʋoŋgwe nokusiŋgaperi‐peri, nokuti ʋucenjeri nesimba ndeɀake. 21Ndiye unoshandura ŋguʋa nenhambo; ndiye unobvisa madzimambo, nokugadza madzimambo; ndiye unopa ʋakacenjera ʋucenjeri, naʋanenjere ziʋo; 22ndiye unoziʋisa ɀinhu ɀakadzika neɀakaʋanzika; ndiye unoziʋa ɀiri murima; ciedza cinogara kwaari. 23Ndinokuʋoŋgai nokukurumbidzai, imi Mŋari wamadziɓaɓa aŋgu, makandipa ʋucenjeri nesimba, mukandiziʋisa ɀino ɀatakakumbira kwamuri; nokuti makatiziʋisa shoko ramambo. 24Naiɀoɀo Danieri akapinda kunaArioki, wakaŋga arairwa namambo kuparadza ʋacenjeri ʋeBabironi; akandoti kwaari: Rega hako kuparadza ʋacenjeri ʋeBabironi; ndiise pamberi pamambo, ndicaziʋisa mambo kuɗudzirwa kwaɀo.
25Ipapo Arioki akaisa Danieri pamberi pamambo nokukasira, akati kwaari: Ndawana munhu pakati paʋana ʋokutapxa ʋaJuda, ucaziʋisa mambo kuɗudzirwa kwaɀo. 26Mambo akapindura, akati kunaDanieri, wainzi Berteshazari: Iwe unogona kundiziʋisa kurota kwandakaʋona, nokuɗudzirwa kwaɀo here? 27Danieri akapindura pamberi pamambo, akati: Cinhu cakaʋanzika, cakarebga namambo, hakunaʋanenjere, kana ŋaŋga, kana ʋacenjeri, kana ʋafemberi ʋaŋgaziʋisa mambo iɀoɀo; 28asi kuɗeŋga kunaMŋari unoziʋisa ɀakaʋanzika; ndiye wakaziʋisa mambo Nebukadnezari ɀicazoʋa’po pamazuʋa okupedzisira. Kurota kwenyu, neɀamakaratidzwa mumusoro wenyu panhoʋo dzenyu, heɀi: 29Kana muri’mi, mambo, pfuŋgwa dzenyu dzakaʋuya kwamuri muri panhoʋo dzenyu, mukaraŋgarira ɀicazoitwa pashure; ɀino unoziʋisa ɀakaʋanzika, ndiye wakakuziʋisai ɀicazoitwa. 30Asi kana ndiri’ni, cinhu ici cakaʋanzika hacina‐kundiziʋiswa nokuɗa kwenjere dzandinadzo dzinopfuʋura dzaʋamŋe ʋapenyu ʋose, asi kuti mambo aziʋiswe kuɗudzirwa kwaɀo, ʋuye kuti muziʋiswe pfuŋgwa dziri mumŋoyo wenyu. 31Imi mambo makatarira, mukaʋona cifananidzo cikuru. Cifananidzo ici, caiʋa cikuru kwaɀo, caiʋa nokubginya kwakaiȿo‐naka, cakaŋga cimire pamberi penyu; cakaŋga cicityisa pakuʋonekwa kwaco. 32Kana ciri cifananidzo ici, musoro waco wakaŋga uri wendarama yakaiȿo‐naka, cifuʋa caco namaʋoko aco ɀakaŋga ɀiri ɀesirveri, ɗumbu raco neciʋuno caco ɀakaŋga ɀiri ɀendarira, 33makumbo aco akaŋga ari eɗare, ʋuye tsoka dzaco dzaiti pamŋe ɗare pamŋe ivu. 34Makaramba mucitarira kuȿikira muciʋona ibge riciʋezwa, asi ɀisiŋgaitwi namaʋoko omunhu, rikaroʋa cifananidzo patsoka dzaco dzaiʋa dzeɗare nevu, rikadziputsa‐putsa. 35Ipapo ɗare nevu nendarira nesirveri nendarama ɀakaputsanyiwa pamŋe cete, ɀikafanana nehundi iri pamapuriro neŋguʋa yezhezha; ɀikatorwa nemhepo, ɀikasawanirwa nɀimbo; asi ibge, rakaŋga raroʋa cifananidzo, rakazoita gomo guru, rikazadza pasi pose. 36Ndiɀo ɀamakarota; ɀino ticaɀiɗudzira pamberi pamambo. 37Imi mambo muri mambo wamadzimambo, makapiwa naMŋari wokuɗeŋga ʋushe noʋumambo nesimba nokubginya; 38pose panogara ʋana ʋaʋanhu, wakaisa paruʋoko rwenyu mhuka dzeɓundo neshiri dzokuɗeŋga, akakuitai muɓati waɀo ɀose; imi ndimi musoro wendarama. 39Shure kwenyu ʋumŋe ʋushe ʋucamuka, ʋuɗuku kwamuri; teʋere ʋushe bgecitatu bgendarira, ʋucaɓata panyika yose. 40Ʋushe bgecinna ʋucaʋa nesimba seɗare, seɀinoita ɗare rinoputsanya nokuparadza ɀose; seɀinoita ɗare rinopxanya iɀi ɀose, saiɀoɀo ʋucaputsanya nokupxanya. 41Ɀamakaʋona tsoka neɀigunwe, ɀakaitwa pamŋe nevu romuʋumbi wehari, pamŋe neɗare, ʋucaʋa ʋushe bgakaganhurwa; asi simba reɗare ricaʋa’mo, ɀamakaʋona ɗare rakaveŋganiswa nevu rokuʋumba naro. 42Ɀigunwe ɀamakumbo ɀaɀakaŋga ɀakaitwa pamŋe neɗare pamŋe nevu, saiɀoɀo ʋushe ʋucaʋa pamŋe nesimba, pamŋe haʋuŋgatani kuputsika. 43Ʋuye ɀamakaʋona ɗare rakaveŋganiswa nevu rokuʋumba naro, saiɀoɀo ʋacaveŋgana namarudzi aʋanhu, asi haʋaŋganamatirani, seɀinoita ɗare risiŋganamatirani nevu. 44Ɀino namazuʋa amadzimambo iwayo Mŋari wokuɗeŋga ucamutsa ʋushe, ʋusiŋgatoŋgozoparadzwi, ʋuye simba rabgo hariŋgapfuʋuri kunorumŋe rudzi rwaʋanhu; asi ibgo ʋucaputsanya nokuparadza ʋushe ubgo bgose, ibgo ʋucamira nokusiŋgaperi. 45Ɀamakaʋona ibge riciʋezwa mugomo, ɀisiŋgaitwi namaʋoko aʋanhu, rikaputsa‐putsa ɗare nendarira nevu nesirveri nendarama, Mŋari mukuru wakaziʋisa mambo ɀicazoitwa pashure; kurota uku ndokwaɀokwaɗi, nokuɗudzirwa kwaɀo ndokwaɀokwaɗi. 46Ipapo mambo Nebukadnezari akawira pasi neciso cake, akanamata Danieri, akaraira kuti ʋamuʋigire cipo neɀinonhuwira ɀinozipa. 47Mambo akapindura Danieri, akati: Ɀirokwaɀo, Mŋari wako ndiye Mŋari waʋamŋari, naShe wamadzimambo, nomuziʋisi weɀakaʋanzika, iwe ɀawakagona kuziʋisa cinhu ici cakaʋanzika. 48Ipapo mambo akaita Danieri mukuru, akamupa ɀipo ɀikuru ɀizhinji, akamuita muɓati wenyika yose yeBabironi, nokumuita ʋo mutariri mukuru waʋakacenjera ʋose ʋeBabironi. 49Danieri akakumbira kunamambo, akagadza Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego ʋakaʋa ʋarairi ʋeɀinhu ɀose ɀenyika yeBabironi; asi Danieri wakagara pasuʋo ramambo.

Currently Selected:

Danieri 2: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in