YouVersion Logo
Search Icon

Danieri 3

3
Shamŋari nhatu dzaDanieri dzinoramba kunamata cifananidzo caNebukadnezari, ndokuiswa mucoto comŋoto.
1Ɀino mambo Nebukadnezari wakaita cifananidzo cendarama; cakaŋga cakaita makubiti makumi matanhatu pakureɓa, namakubiti matanhatu paʋupamhi; akacimisa paɓani reDura munyika yaBabironi. 2Ipapo mambo Nebukadnezari akatuma ʋanhu kundokokera macinda naʋarairi namadzishe naʋatoŋgi naʋaceŋgeti ʋefuma namakurukota naʋaziʋi ʋemirairo naʋaɓati ʋose ʋamatiʋi enyika, kuti ʋaʋuye kumutambo wokugadzwa kwecifananidzo cakaŋga camiswa naNebukadnezari. 3Ipapo macinda naʋarairi namadzishe naʋatoŋgi naʋaceŋgeti ʋefuma namakurukota naʋaziʋi ʋemirairo naʋaɓati ʋose ʋamatiʋi enyika ʋakaʋuŋganira kumutambo wokugadzwa kwecifananidzo cakaŋga camiswa naNebukadnezari; ʋakamira pamberi pecifananidzo cakaŋga camiswa naNebukadnezari. 4Ɀino muɗanidziri wakaɗanidzira aciti: Munorairwa imi ʋanhu, namarudzi, namarimi, 5kuti neŋguʋa yamunonzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira noruɗimbga nomuteŋgeranwa namarimba, neɀimŋe ɀose ɀinoridzwa, muwire pasi mucinamata cifananidzo cendarama cakamiswa namambo Nebukadnezari; 6aninani usiŋgawiri pasi acinamata, neŋguʋa iyo ucawisirwa mukati mecoto comŋoto unopfuta kwaɀo. 7Naiɀoɀo neŋguʋa iyo ʋanhu ʋose ʋacinzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira noruɗimbga nomuteŋgeranwa neɀimŋe ɀose ɀinoridzwa, ʋanhu ʋose namarudzi ose namarimi ose ʋakawira pasi ʋakanamata cifananidzo cendarama cakaŋga camiswa namambo Nebukadnezari. 8Ɀino neŋguʋa iyo ʋamŋe ʋaKardea ʋakasweɗera ʋakapomera ʋaJuda. 9Ʋakapindura, ʋakati kunamambo Nebukadnezari: Imi mambo, raramai nokusiŋgaperi. 10Imi mambo makatema cireʋo, kuti munhu mumŋe nomumŋe kana aciŋge acinzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira noruɗimbga nomuteŋgeranwa namarimba, neɀimŋe ɀose ɀinoridzwa, awire pasi acinamata cifananidzo cendarama; 11asi aninani usiŋgawiri pasi acinamata, ucawisirwa mukati mecoto comŋoto unopfuta kwaɀo. 12Ɀino ʋamŋe ʋaJuda ʋari’po, ʋamakagadza ʋaʋe ʋarairi ʋeɀinhu ɀose ɀenyika yeBabironi, ʋanaShadraki naMeshaki naAbedi‐nego; ʋarume aʋa haʋana‐kuʋa nehanya nemi, imi mambo; haʋashumiri ʋamŋari ʋenyu, kana kunamata cifananidzo cendarama camakamisa. 13Ipapo Nebukadnezari akaraira nehasha nokutsamŋa kwake kuti Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego ʋaʋuyiswe. Ɀino ʋakaʋuyisa ʋarume aʋa pamberi pamambo. 14Nebukadnezari akapindura, akati kwaʋari: Maʋune here, imi Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego, ɀamunoramba kushumira mŋari waŋgu, nokunamata cifananidzo cendarama candakamisa ini? 15Ɀino kana mucitenda kuwira pasi mucinamata cifananidzo candakaita neŋguʋa yamunonzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira noruɗimbga nomuteŋgeranwa namarimba, neɀimŋe ɀose ɀinoridzwa, ɀakanaka haɀo; asi kana musiŋganamati, mucawisirwa neŋguʋa iyo mukati mecoto comŋoto unopfuta kwaɀo; mŋari ucakurwirai mumaʋoko aŋgu ndoupiko? 16Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego ʋakapindura, ʋakati kunamambo: Imi Nebukadnezari, hatiŋgafaniri heɗu kukupindurai pamsoro peshoko iri. 17Kana ɀikaitika haɀo, Mŋari weɗu watinoshumira uŋgagona kutirwira pacoto comŋoto unopfuta kwaɀo; iye ucatirwira paruʋoko rwenyu, imi mambo. 18Asi kana ɀikasaitika, ziʋai imi mambo, kuti hatiŋgashumiri ʋamŋari ʋenyu kana kunamata cifananidzo cendarama camakamisa imi. 19Ipapo Nebukadnezari wakatsamŋa kwaɀo, ciso cake cikashandukira Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego; akataura akaraira kuti coto comŋoto ciʋeserwe mŋoto unopisa kwaɀo kukunda unosiʋeserwa’mo kanomŋe. 20Akaraira ʋamŋe ʋarume ʋanesimba guru ʋaiʋa pahondo yake, kuti ʋasuŋge Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego, ʋaʋawisire mucoto comŋoto unopfuta kwaɀo. 21Ipapo ʋarume aʋo ʋakasuŋgwa ʋanamajasi aʋo namaburuku aʋo neŋgowani dzaʋo nedzimŋe ŋguʋo dzaʋo, ʋakawisirwa mukati mecoto comŋoto unopfuta kwaɀo. 22Ɀino murairo wamambo ɀawakaŋga unehasha, ʋuye coto ɀacakaŋga cicipisisa kwaɀo, muraɀo womŋoto wakaʋuraya ʋarume ʋakaŋga ʋaciisa’ko Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego. 23Ʋarume aʋa ʋatatu, ʋana‐Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego, ʋakawira pasi ʋakasuŋgwa mukati mecoto comŋoto waipfuta kwaɀo. 24Ipapo mambo Nebukadnezari wakavunduswa, ndokukasira kusimuka, akataura, akati kumakurukota ake: Hatina‐kuwisira ʋarume ʋatatu ʋakasuŋgwa mukati momŋoto here? Iʋo ʋakapindura, ʋakati kunamambo: Ndiɀoɀo, imi mambo. 25Iye akapindura, akati: Tarirai, ndinoʋona ʋarume ʋanna, ʋakasunuŋguka, ʋacifamba mumŋoto, ʋasina‐paʋakakuʋadzwa; wecinna pakuʋonekwa kwake wakaita somŋanakomana waʋamŋari. 26Ipapo Nebukadnezari akasweɗera kumuromo wecoto comŋoto wakaŋga ucipfuta kwaɀo, akataura, akati: Nhai imi Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego, imi ʋaranda ʋaMŋari Wokumsoro‐soro, ɓuɗai muʋuye pano. Ipapo Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego ʋakaɓuɗa mukati momŋoto. 27Ɀino macinda naʋarairi namadzishe namakurukota amambo ʋakaʋuŋgana ʋakaʋona ʋarume aʋa, kuti mŋoto wakaŋga washaiwa simba pamiʋiri yaʋo, kunyaŋge nevudzi remisoro yaʋo rakaŋga risina‐kufuwurwa, namajasi aʋo akaŋga asina‐kushanduka; kunyaŋge nomunhuwi womŋoto wakaŋga usina‐kuȿika kwaʋari. 28Nebukadnezari akataura akati: Mŋari waShadraki naMeshaki naAbedi‐nego ŋgaaʋoŋgwe, iye wakatuma mutumŋa wake, akarwira ʋaranda ʋake ʋakaŋga ʋaciʋimba naye, iʋo ʋakaŋga ʋaramba shoko ramambo, ʋakaisa miʋiri yaʋo, kuti ʋarege kushumira kana kunamata mŋari upi noupi, asi iye Mŋari waʋo. 29Naiɀoɀo ndinotema cireʋo, kuti ʋanhu ʋose namarudzi ose namarimi ose, ʋanotaura ɀisino‐kufanira pamsoro paMŋari waShadraki naMeshaki naAbedi‐nego, ʋatemŋe‐temŋe, nedzimba dzaʋo dziitwe maturunhuru; nokuti hakuno‐mumŋe mŋari unogona kurwira saiɀoɀo. 30Ipapo mambo akawedzera ʋukuru bgaShadraki naMeshaki naAbedi‐nego panyika yeBabironi.

Currently Selected:

Danieri 3: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in