Danieri 1
1
Danieri neshamŋari dzake mumba mamambo weBabironi.
1Negore recitatata ʋushe kwaJehoiakimo waJuda, Nebukadnezari mambo weBabironi, wakaȿika Jerusarema, akarikomba. 2Ishe akaisa Jehoiakimi mambo waJuda muruʋoko rwake, pamŋe cete nedzimŋe nhumbi dzeimba yaMŋari, iye akaenda nadzo kunyika yeShinari, kuimba yamŋari wake, akaisa nhumbi muimba yokuceŋgeta fuma yamŋari wake. 3Mambo akaʋudza Ashpenazi, mutariri waʋaranda ʋake, kuti aʋuye naʋamŋe ʋana ʋaIsraeri, ʋorudzi rwamambo norwamacinda; 4majaya akaŋga asinemhoȿa, asi akaŋga akanaka pameso, akacenjera panjere dzose, akaŋgwara pakuziʋa, nokunzwisisa ʋucenjeri bgose, akaŋga akakwana kumira mumba mamambo; ʋuye kuti aʋadzidzise magwaro norurimi rwaʋaKardea. 5Mambo akaraira kuti ʋapiwe mumŋe mugoʋe weɀokudya ɀamambo zuʋa rimŋe nerimŋe, nowewaini yaainwa, ʋuye kuti ʋaceŋgetwe makore matatu, kuti kana apera ʋagomira pamberi pamambo. 6Ɀino pakati paʋo pakaŋga panaDanieri naHanania naMishaeri naAzaria, ʋari ʋana ʋaJuda. 7Mucinda waʋaranda akaʋatumidza mazita, Danieri akamutumidza zita rinonzi Berteshazari, naHanania rinonzi Shadraki, naMishaeri rinonzi Meshaki, naAzaria rinonzi Abedi‐nego. 8Asi Danieri wakaɀisuŋga mumŋoyo make kuti haaŋgaɀiȿiɓisi neɀokudya ɀamambo kana newaini yaainwa; saka wakakumbira kunomucinda waʋaranda kuti arege kuɀiȿiɓisa. 9Ɀino Mŋari wakanzwisa Danieri ʋunyoro netsitsi pamberi pomucinda waʋaranda. 10Mucinda waʋaranda akati kunaDanieri: Ndinotya ishe waŋgu mambo, wakaraira ɀamunofanira kudya nokunwa; nokuti ucaʋonereiko ɀiso ɀenyu ɀakawonda kupfuʋura ɀamajaya ezero renyu? Kana ɀakaɗaro mucaparisa musoro waŋgu mhoȿa kunamambo. 11Ipapo Danieri akati kumutariri wakaŋga arairwa nomucinda waʋaranda kuceŋgeta Danieri naHanania naMishaeri naAzaria: 12Ƌoidzai henyu ʋaranda ʋenyu mazuʋa anegumi; ŋgaʋatipei miriʋo tidye, nemvura tinwe. 13Ipapo muŋgacerekedza ɀiso ɀeɗu neɀiso ɀamajaya anodya ɀokudya ɀamambo, mugoita naʋaranda ʋenyu seɀamunoʋona. 14Naiɀoɀo wakatenda shoko raʋo pamsoro pecinhu ici, akaʋaidza mazuʋa anegumi. 15Mazuʋa anegumi akati apera ɀiso ɀaʋo ɀikaʋonekwa kuti ɀakanaka, nemiʋiri yaʋo yakakura, ʋacipfuʋura majaya ose aidya ɀokudya ɀamambo. 16Naiɀoɀo mutariri wakabvisa ɀokudya ɀaʋo ɀamambo, newaini yaʋakanzi ʋanwe, akaʋapa miriʋo. 17Ɀino kana ari majaya awa manna, Mŋari wakaʋapa ziʋo nokuŋgwara pamagwaro ose noʋucenjeri bgose; asi Danieri wakaŋga acigona kunzwisisa ɀose ɀairatidzwa naMŋari neɀairotwa. 18Ɀino mazuʋa akati apera akaŋga atarwa namambo okuti ʋaʋuyiswe nawo, mucinda waʋaranda akapinda naʋo pamberi paNebukadnezari. 19Mambo akataurirana naʋo, pakati paʋose kukasawanikwa ʋakaŋga ʋakafanana naDanieri naHanania naMishaeri naAzaria; saka iʋo ʋakamira pamberi pamambo. 20Pamashoko ose oʋucenjeri nookunzwisisa, aʋaivunzwa namambo, wakawana kuti iʋo ʋaipfuʋura kagumi ʋacenjeri ʋose neŋaŋga dzose dzaiʋa paʋushe bgake. 21Danieri akaramba ari’po kuȿikira pagore rokutaŋga ramambo Koreshi.
Currently Selected:
Danieri 1: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018