YouVersion Logo
Search Icon

Ezekieri 48

48
Kugoʋerwa kwenyika.
1Ɀino awa ndiwo mazita amarudzi: Kurutiʋi rwokumsoro, ɀicienda nenzira yeHetroni kuȿikira paʋanopinda ʋacienda Hamati neHazari‐enani pamuganho weDamasko, ɀicienda kurutiʋi rwokumsoro napaHamati (matiʋi aʋo anofanira kuenda kumabvazuʋa nokumaʋirazuʋa), ndiwo mugoʋe mumŋe waDani. 2Pamuganho waDani, kubva kurutiʋi rwamabvazuʋa kuȿikira kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, ndiwo mugoʋe mumŋe waAsheri. 3Pamuganho waAsheri, kubva kurutiʋi rwamabvazuʋa kuȿikira kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, ndiwo mugoʋe mumŋe waNaftari. 4Pamuganho waNaftari, kubva kurutiʋi rwamabvazuʋa kuȿikira kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, ndiwo mugoʋe mumŋe waManase. 5Pamuganho waManase, kubva kurutiʋi rwamabvazuʋa kuȿikira kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, ndiwo mugoʋe mumŋe waEfraimi. 6Pamuganho waEfraimi, kubva kurutiʋi rwamabvazuʋa kuȿikira kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, ndiwo mugoʋe mumŋe waRubeni. 7Pamuganho waRubeni, kubva kurutiʋi rwamabvazuʋa kuȿikira kurutiʋi rwamavirazuva, ndiwo mugoʋe mumŋe waJuda.
8Pamuganho waJuda, kubva kurutiʋi rwamabvazuʋa kuȿikira kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, cicaʋa cipo camunofanira kuʋigira Jehova, tsaŋga dzineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu paʋupamhi, nokureɓa kwakaenzana nomumŋe wemigoʋe, kubva kurutiʋi rwamabvazuʋa kuȿikira kurutiʋi rwamaʋirazuʋa; nɀimbo tȿene inofanira kuʋa pakati payo. 9Cipo camunofanira kuʋigira Jehova cinofanira kuita tsaŋga dzineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu pakureɓa, ʋuye tsaŋga dzineɀuru ɀinegumi paʋupamhi. 10Cipo ico citȿene cinofanira kupiwa aʋa, iʋo ʋaprista; kurutiʋi rwokumsoro tsaŋga dzineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu pakureɓa, nokurutiʋi rwamaʋirazuʋa tsaŋga dzineɀuru ɀinegumi paʋupamhi, nokurutiʋi rwamabvazuʋa dzineɀuru ɀinegumi paʋupamhi, nokurutiʋi rwezasi dzineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu pakureɓa; nɀimbo tȿene yaJehova inofanira kuʋa pakati payo. 11Cicaʋa caʋaprista ʋakaitwa ʋatȿene pakati paʋanakomana ʋaZadoki, ʋakaceŋgeta ɀandakaʋaraira, ʋasino‐kutsauka neŋguʋa yokutsauka kwaʋana ʋaIsraeri, seɀakatsauka ʋaRevi. 12Cicaʋa cipo kwaʋari cakatorwa pacipo cenyika, cinhu citȿene, pamuganho waʋaRevi. 13ƲaRevi ʋanofanira kupiwa mugoʋe wakaenzana nomuganho waʋaprista, ndokuti tsaŋga dzineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu pakureɓa, neɀuru ɀinegumi paʋupamhi; kureɓa kwose kucaita tsaŋga dzineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu, neɀuru ɀinegumi paʋupamhi. 14Haʋafaniri kutoŋgoiteŋgesa, kana kuitsinhanha neimŋe nyika, ʋuye ɀiɓereko ɀokutaŋga ɀenyika haɀifaniri kupfuʋudzwa, nokuti ɀitȿene kunaJehova. 15Tsaŋga dzineɀuru ɀishanu dzakasara paʋupamhi bgenyika, pamberi pedzineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu, haɀizi ɀitȿene, ndeɀeguta, nopokugara noruwa; guta rinofanira kuʋa pakati paɀo. 16Kukura kwayo kunofanira kuʋa kuɗai: Rutiʋi rwokumsoro, tsaŋga dzineɀuru ɀinna namazana mashanu, norutiʋi rwezasi ɀuru ɀinna namazana mashanu, nokurutiʋi rwamabvazuʋa ɀuru ɀinna namazana mashanu, norutiʋi rwamaʋirazuʋa ɀuru ɀinna namazana mashanu. 17Guta rinofanira kuʋa noruwa ʋo: Kurutiʋi rwokumsoro tsaŋga dzinamazana maʋiri namakumi mashanu, nokurutiʋi rwezasi mazana maʋiri namakumi mashanu, nokurutiʋi rwamabvazuʋa mazana maʋiri namakumi mashanu, nokurutiʋi rwamaʋirazuʋa mazana maʋiri namakumi mashanu. 18Ɀakasara pakureɓa kwayo, iɀo ɀakaenzana necipo citȿene, ɀinofanira kuita tsaŋga dzineɀuru ɀinegumi kurutiʋi rwamabvazuʋa, neɀuru ɀinegumi kurutiʋi rwamaʋirazuʋa; ɀicaenzana necipo citȿene; ɀiɓereko ɀayo ɀinofanira kuʋa ɀokudya ɀaʋanoɓata muguta. 19Ʋanoɓata muguta, iʋo ʋanobva kumarudzi ose aIsraeri, ʋanofanira kuirima. 20Cipo cose cinofanira kuita tsaŋga dzineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu pakureɓa, neɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu paʋupamhi; munofanira kuʋigira Jehova cipo ico citȿene, cinamatiʋi manna akaenzana, pamŋe cete nenɀimbo yeguta.
21Ɀakasara ɀinofanira kuʋa ɀomucinda, necoʋuno neceseri kwecipo citȿene nenɀimbo yeguta; pamberi petsaŋga dzineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu ɀecipo, kumuganho wokurutiʋi rwamabvazuʋa, nokurutiʋi rwamaʋirazuʋa pamberi peɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu kumuganho wokurutiʋi rwamaʋirazuʋa, ɀakaenzana nemigoʋe, ndiɀo ɀinofanira kuʋa ɀomucinda; cipo citȿene nenɀimbo tȿene yeimba ɀinofanira kuʋa pakati paɀo. 22Ʋuye ʋo, kubva panyika yaʋaRevi, nokubva panɀimbo yeguta, iɀo ɀiri pakati penyika yomucinda, pakati pomuganho waJuda nomuganho waBenjamini, ɀinofanira kuʋa ɀomucinda.
23Kana ari marudzi mamŋe akasara: Kubva kurutiʋi rwamabvazuʋa kuȿikira kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, ndiwo mugoʋe mumŋe waBenjamini. 24Pamuganho waBenjamini, kubva kurutiʋi rwamabvazuʋa kuȿikira kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, ndiwo mugoʋe mumŋe waSimeoni. 25Pamuganho waSimeoni, kubva kurutiʋi rwamabvazuʋa kuȿikira kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, ndiwo mugoʋe mumŋe waIsakari. 26Pamuganho waIsakari, kubva kurutiʋi rwamabvazuʋa kuȿikira kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, ndiwo mugoʋe mumŋe waZeburuni. 27Pamuganho waZeburuni, kubva kurutiʋi rwamabvazuʋa kuȿikira kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, ndiwo mugoʋe mumŋe waGadi. 28Pamuganho waGadi, kurutiʋi rwezasi, ɀicienda zasi, muganho unofanira kubva paTamari kuȿikira kumvura zhinji yeMeribati‐kadeshi, kurukoʋa rweEgipita, kuȿikira kuguŋgwa guru. 29Ndiyo nyika yamunofanira kuganhura nemijenya pakati pamarudzi aIsraeri iʋe nhaka yaʋo, ʋuye iyi ndiyo migoʋe yaʋo ʋose — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
30Iyi ndiyo migumo yeguta: Kurutiʋi rwokumsoro tsaŋga dzineɀuru ɀinna namazana mashanu pakuyerwa kwaɀo; 31masuʋo eguta anofanira kutumidzwa mazita amarudzi aIsraeri; masuʋo matatu kurutiʋi rwokumsoro, anoti: Suʋo raRubeni, rimŋe, suʋo raJuda, rimŋe, ʋuye suʋo raRevi, rimŋe. 32Kurutiʋi rwamabvazuʋa, tsaŋga dzineɀuru ɀinna namazana mashanu, namasuʋo matatu, anoti: Suʋo raJosefa, rimŋe, suʋo raBenjamini, rimŋe, ʋuye suʋo raDani, rimŋe. 33Kurutiʋi rwezasi, tsaŋga dzineɀuru ɀinna namazana mashanu pakuyerwa kwaɀo, namasuʋo matatu, anoti: Suʋo raSimeoni, rimŋe, suʋo raIsakari, rimŋe, ʋuye suʋo raZeburuni, rimŋe. 34Kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, tsaŋga dzineɀuru ɀinna namazana mashanu, namasuʋo a’po matatu, anoti: Suʋo raGadi, rimŋe, suʋo raAsheri, rimŋe, ʋuye suʋo raNaftari, rimŋe. 35Ɀose ɀinofanira kuita tsaŋga dzineɀuru ɀinegumi neɀisere pamatiʋi ose manna; zita reguta kubva pazuʋa iro rinofanira kunzi, Jehova uri’po.

Currently Selected:

Ezekieri 48: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in