I Samueri 7
7
1Ipapo ʋarume ʋeKiriati‐jearimi ʋakaʋuya, ʋakatora areka yaJehova, ʋakaiisa kumba kwaAbinadabi pagomo; ʋakatsaura Ereazari mŋanakomana wake, kuti aceŋgete areka yaJehova.
ƲaFiristia ʋanokundwa paMizpa.
2Kubva pamusi wokuȿika kweareka paKiriati‐jearimi, yakagara’po ŋguʋa refu, nokuti akaŋga ari makore makumi maʋiri; imba yose yaIsraeri ikacema kunaJehova. 3Samueri akataura neimba yose yaIsraeri, akati: Kana muciɗa kudzokera kunaJehova nomŋoyo wenyu wose, bvisai ʋamŋari ʋatorwa neAshtaroti pakati penyu, mugadzirire Jehova mŋoyo yenyu, mumushumire iye oga; ipapo iye ucakusunuŋgurai pamaʋoko aʋaFiristia. 4Ʋana ʋaIsraeri ʋakabvisa ʋaBaari neAshtaroti, ʋakashumira Jehova oga.
5Ɀino Samueri akati: Ʋuŋganidzai ʋaIsraeri ʋose paMizpa, ini ndikunyeŋgetererei kunaJehova. 6Ʋakaʋuŋgana paMizpa, ʋakacera mvura, ʋakaiɗururira pamberi paJehova, ʋakaɀinyima ɀokudya nomusi iwoyo, ʋakati ipapo: Takatadzira Jehova. Samueri akatoŋga ʋana ʋaIsraeri paMizpa. 7Ɀino ʋaFiristia ʋakati ʋacinzwa kuti ʋana ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋaʋuŋgana paMizpa, madzishe aʋaFiristia akakwira kundorwa naʋaIsraeri. Ʋana ʋaIsraeri ʋaciɀinzwa ʋakatya ʋaFiristia. 8Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakati kunaSamueri: Musarega henyu kuramba mucicema kunaJehova Mŋari weɗu nokuɗa kweɗu, kuti atirwire pamaʋoko aʋaFiristia. 9Samueri akatora gwaiana rinomŋa, akagadzirira Jehova naro cipiriso cinopiswa cose. Samueri akacema kunaJehova nokuɗa kwaʋaIsraeri; Jehova akamunzwa. 10Samueri wakati acapisira Jehova cipiriso cinopiswa, ʋaFiristia ʋakasweɗera kuzorwa naʋaIsraeri; asi Jehova akatinhira nokutinhira kukuru pamsoro paʋaFiristia nomusi iwoyo, akaʋavundusa, ʋakakundwa naʋaIsraeri. 11Ʋarume ʋaIsraeri ʋakaɓuɗa Mizpa, ʋakateʋera ʋaFiristia, ʋakaʋaparadza kuȿikira panyasi peBeti‐kari. 12Ɀino Samueri akatora ibge, akarimisa pakati peMizpa neSheni, akaritumidza zita raro Ebeni‐ezeri, aciti: Jehova wakatiɓatsira kuȿikira pano. 13ƲaFiristia ʋakakundwa saiɀoɀo; haʋana‐kuzoʋuya ɀe munyika yaʋaIsraeri; ruʋoko rwaJehova rukarwa naʋaFiristia mazuʋa ose aSamueri. 14Namaguta akaŋga atorerwa ʋaIsraeri naʋaFiristia akadzoserwa ɀe kuʋaIsraeri, kubva paEkroni kuȿikira paGati, nenyika yaʋo yakasunuŋgurwa naʋaIsraeri pamaʋoko aʋaFiristia; rugare rukaʋa’po pakati paʋaIsraeri naʋaAmori. 15Samueri akatoŋga ʋaIsraeri mazuʋa ose oʋupenyu bgake. 16Waipota gore rimŋe nerimŋe napaBeti‐eri, neGirgari, neMizpa, akatoŋga ʋaIsraeri panɀimbo idzo dzose. 17Akasidzokera Rama, nokuti ndipo paakaŋga agere; akatoŋga ʋaIsraeri ipapo, akaʋakira Jehova artari ipapo.
Currently Selected:
I Samueri 7: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018