I Samueri 8
8
Ʋanhu ʋanoɗa mambo.
1Ɀino Samueri wakati akwegura akagadza ʋanakomana ʋake kuti ʋaʋe ʋatoŋgi pakati paIsraeri. 2Zita romŋana wake weɗaŋgwe rakaŋga riri Joeri, nezita rowecipiri Abija; iʋo ʋaiʋa ʋatoŋgi paBeeri‐sheba. 3Asi ʋanakomana ʋake haʋana‐kufamba nenzira dzake, asi ʋakatsaukira kufuma yakaipa, ʋakagamucira fufuro, nokusaruramisa pakutoŋga.
4Ɀino ʋakuru ʋaIsraeri ʋose ʋakaʋuŋgana, ʋakaʋuya kunaSamueri paRama, 5ʋakati kwaari: Tarirai, imi makwegura, asi ʋanakomana ʋenyu haʋafambi nenzira dzenyu; ɀino tigadzirei mambo uŋgatitoŋga, seɀinoitwa kundudzi dzose. 6Asi shoko iro harina‐kufadza Samueri, iro rokuti: Tipei mambo uŋgatitoŋga. Samueri akanyeŋgetera kunaJehova. 7Ipapo Jehova akati kunaSamueri: Terera hako ɀose ɀinotaura ʋanhu kwauri, nokuti haʋana‐kukuramba iwe, asi ʋakandiramba ini, kuti ndirege kuʋa mambo waʋo. 8Ɀose ɀaʋakaita kubva zuʋa randakaʋakwidza ndiciʋaɓuɗisa paEgipita kuȿikira nhasi, ʋacindirasha nokushumira ʋamŋe ʋamŋari, ndiɀo ɀaʋanokuitira iwe ʋo. 9Ɀino terera hako manzwi aʋo; asi uʋapupurire kwaɀo, uʋaziʋise tsika dzamambo, ucaʋaɓata.
10Ɀino Samueri akaʋudza ʋanhu ʋakaŋga ʋacikumbira mambo kwaari mashoko ose aJehova. 11Akati: Tsika dzamambo, ucakuɓatai, ndidzo: Ucatora ʋanakomana ʋenyu akaʋaisa paŋgoro dzake, nokuʋaita ʋataȿi ʋamabiza ake; ʋacamhanya pamberi peŋgoro dzake. 12Ucaɀitsaurira ʋamŋe ʋaʋe ʋakuru ʋeɀuru, naʋakuru ʋamakumi mashanu; ucaraira ʋamŋe kumurimira minda yake, nokukohwa micero yake, nokumuitira nhumbi dzake dzokurwa nadzo, nenhumbi dzeŋgoro dzake. 13Ucatora ʋanasikana ʋenyu, ʋaʋe ʋaveŋganisi ʋeɀinonhuwira, naʋaɓiki ʋeɀokudya, naʋaɓiki ʋeciŋgwa. 14Ucatora minda yenyu neminda yenyu yemizambiriŋga, neminda yenyu yemiorivi yakaiȿo‐naka kukunda mimŋe, acipa ʋaranda ʋake. 15Ucatora ɀegumi ɀembeu dzenyu, neɀamazambiriŋga enyu, acipa ʋaranda ʋake naʋaɓatiri ʋake. 16Ucatora ʋaranda ʋenyu naʋarandakadzi ʋenyu, namajaya enyu akaiȿo‐naka kukunda ʋamŋe ʋose, nemboŋgoro dzenyu, aciɓatisa maɓasa ake naɀo. 17Ucatora ɀegumi ɀamapoka enyu amakwai; nemi mucaʋa ʋaranda ʋake. 18Nezuʋa iro mucacema kwaɀo nokuɗa kwamambo wenyu wamuneŋge maɀitsaurira; asi Jehova haaŋgakupinduriyi nezuʋa iro. 19Asi ʋanhu ʋakaramba kuterera inzwi raSamueri, ʋakati: Kwete, tinoɗa heɗu mambo uŋgatiɓata, 20kuti isu ʋo tifanane nedzimŋe ndudzi; mambo weɗu atitoŋge, atituŋgamirire, nokurwa pahondo dzeɗu. 21Samueri akanzwa mashoko ose aʋanhu, akaarondedzera panzeʋe dzaJehova. 22Ɀino Jehova akati kunaSamueri: Terera hako manzwi aʋo, uʋagadzire mambo. Samueri akati kuʋarume ʋaIsraeri: Endai henyu, mumŋe nomumŋe kuguta rake.
Currently Selected:
I Samueri 8: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018