I Petro 1
1
Kwaziso.
1Petro, muapostora waJesu Kristu, kunaʋakasanaŋgurwa ʋari ʋaeni, ʋakapararira paPonto, neGaratia, neKapadokia, neAsia, neBitinia, 2ʋakasanaŋgurwa nokuziʋa ɀiri mberi kwaMŋari Ƃaɓa, muʋutȿene bgoMŋeya, kuti ʋaterere, ʋasaswe neropa raJesu Kristu: Nyasha norugare ŋgaɀiwanzwe kwamuri.
Nhaka yakaceŋgetererwa ʋakasanaŋgurwa.
3Mŋari, Ƃaɓa ʋaShe weɗu, Jesu Kristu, ŋgaatendwe, wakatiɓereka ɀe neŋgoni dzake huru, kuti tiʋe netariro mhenyu, inoʋuya nokumuka kwaJesu Kristu kuʋakafa, 4kuti tiʋe nenhaka isiŋgaʋori, isinemhoȿa, isiŋgaȿaʋi, yamakaceŋgetererwa kuɗeŋga, 5imi munorindwa nesimba raMŋari nokutenda, kuti mupiwe ruponeso, rwakagara rwakagadzirwa, kuti ruratidzwe neŋguʋa yokupedzisira. 6Iyo yamunofarira ɀikuru, kunyaŋge ɀino, kana ɀicifanira, mucicemedzwa ŋguʋa ɗuku nemiidzo mizhinji; 7kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunokosha ɀikuru kupfuʋura ndarama inopera hayo, kunyaŋge inoidzwa nomŋoto, kuwanikwe kuciɓereka kurumbidzwa, nokubginya, nokukudzwa pakuʋonekwa kwaJesu Kristu; 8iye wamunoɗa, kunyaŋge musina‐kumuʋona; iye wamunotenda kwaari, kunyaŋge musiŋgamuʋoni ɀino, mucifara ɀikuru nomufaro usiŋgagoni kutaurwa, uzere nokubginya; 9mucipiwa cinoʋaʋarirwa nokutenda kwenyu, ndirwo ruponeso rwemŋeya yenyu. 10Ruponeso urwu rwakabvunzisiswa nokunɀerwa kwaɀo naʋaprofita, ʋakaprofita ɀenyasha dzamaizoitirwa imi, 11ʋacinɀera kuti ŋguʋa ndeipi, kana yakaɗini, yakataurwa noMŋeya waKristu, wakaŋga uri mukati maʋo, ŋguʋa yaakapupura kare ɀokutambudzika kwaKristu, nokubginya kunozoteʋera iɀoɀo. 12Aʋo, ʋakaratidzwa kuti ʋakaŋga ʋasiŋgaɀiɓatiri iʋo, asi imi, paɀinhu iɀo ɀamakataurirwa ɀino naiʋo ʋakakuparidzirai Evaŋgeri noMŋeya Mutȿene wakatumŋa acibva kuɗeŋga; ɀinhu iɀo ʋatumŋa ʋanoɗa kuɀicerekedza.
Iʋai ʋatȿene.
13Saka ɀisuŋgei ɀiʋuno ɀendaŋgariro dzenyu, muȿinure, mutarire nomŋoyo wose kunyasha dzamucazopiwa pakuʋonekwa kwaJesu Kristu; 14muʋe saʋana ʋanoterera, musiŋgaenzanisi mufambire wenyu nokuciʋa kwakare pakusaziʋa kwenyu; 15asi saiye mutȿene wakakuɗanai, nemi ʋo mumene muʋe ʋatȿene pamufambire wenyu wose; 16nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Iʋai ʋatȿene, nokuti ini ndiri mutȿene. 17Ɀino kana mucimuidza Ƃaɓa, iye unotoŋga acitarira ɀakaitwa nomumŋe nomumŋe asiŋgatariri ɀinoʋonekwa ɀomunhu, garai paŋguʋa yoʋutorwa bgenyu mucitya; 18muciziʋa kuti hamuna‐kudzikinurwa neɀinoʋora, nesirveri kana ndarama, pamufambire wenyu usinamaturo, wamakasiyirwa namadziɓaɓa enyu; 19asi neropa raKristu, seregwaiana risina‐cariŋgapomerwa, risinoruʋara; 20iye wakazikanwa kare, nyika isati yaʋambga, asi wakaratidzwa pakuguma kweŋguʋa nokuɗa kwenyu, 21imi, munotenda naye kunaMŋari, wakamumutsa kuʋakafa, akamupa kubginya; kuti kutenda kwenyu netariro yenyu ɀiʋe kunaMŋari. 22Ɀamakanatsa mŋeya yenyu muciterera ɀokwaɗi, kuti muɗe hama nokusanyeŋgera, munofanira kuɗana ɀikuru nomŋoyo wose; 23nokuti makaɓerekwa kutȿa, ɀisiŋgabvi pambeu inoʋora, asi paneisiŋgaʋori, neshoko raMŋari ɓenyu rinogara nokusiŋgaperi. 24Nokuti,
Nyama yose yakaita soʋuswa,
Nokunaka kwose seruʋa roʋuswa.
Ʋuswa bgunoȿaʋa, neruʋa rinowira pasi;
25Asi shoko raShe rinogara nokusiŋgaperi.
Ndireri shoko romufaro ramakaparidzirwa.
Currently Selected:
I Petro 1: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018